< Mithali 13 >

1 Mwana mwenye hekima husikia mafundisho ya babaye, bali mwenye dharau hasikilizi maonyo.
Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.
2 Kutoka tunda la midomo yake mtu hufurahia mambo mema, bali wasio waaminifu wanatamani sana jeuri.
Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza.
3 Yeye alindaye midomo yake hulinda nafsi yake, bali yeye asemaye kwa haraka ataangamia.
Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.
4 Mvivu hutamani sana na hapati kitu, bali nafsi ya mwenye bidii hutoshelezwa kikamilifu.
Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.
5 Mwenye haki huchukia uongo, bali waovu huleta aibu na fedheha.
Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.
6 Haki humlinda mtu mwadilifu, bali uovu humwangusha mwenye dhambi.
Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
7 Mtu mmoja hujifanya tajiri, kumbe hana chochote; mwingine hujifanya maskini, kumbe ana utajiri mwingi.
Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.
8 Utajiri wa mtu waweza kukomboa maisha yake, bali mtu maskini hasikii kitisho.
Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haana chinomutyisidzira.
9 Nuru ya mwenye haki hungʼaa sana, bali taa ya mwovu itazimwa.
Chiedza cheakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.
10 Kiburi huzalisha magomvi tu, bali hekima hupatikana kwa wale wanaozingatia ushauri.
Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.
11 Fedha isiyo ya halali hupungua, bali yeye akusanyaye fedha kidogo kidogo huongezeka.
Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.
12 Kilichotarajiwa kikikawia kuja moyo huugua, bali tumaini lililotimizwa ni mti wa uzima.
Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
13 Yeye anayedharau mafundisho anajiletea maangamizi, bali yeye anayeheshimu agizo hupewa tuzo.
Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.
14 Mafundisho ya mwenye busara ni chemchemi ya uzima, ili kumwepusha mtu na mitego ya mauti.
Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu.
15 Ufahamu mzuri hupata upendeleo, bali njia ya asiye mwaminifu ni ngumu.
Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.
16 Kila mwenye busara hutenda kwa maarifa, bali mpumbavu hudhihirisha upumbavu wake.
Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.
17 Mjumbe mwovu huanguka kwenye taabu, bali mjumbe mwaminifu huleta uponyaji.
Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.
18 Yeye anayedharau maonyo hupata umaskini na aibu, bali yeye anayekubali maonyo huheshimiwa.
Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.
19 Tarajio lililotimizwa ni tamu kwa nafsi, bali wapumbavu huchukia sana kuacha ubaya.
Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.
20 Yeye atembeaye na mwenye hekima atapata hekima, bali rafiki wa mpumbavu hupata madhara.
Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.
21 Balaa humwandama mtenda dhambi, bali mafanikio ni thawabu kwa mwenye haki.
Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.
22 Mtu mwema huwaachia wana wa wanawe urithi, bali mali ya wenye dhambi imehifadhiwa kwa ajili ya wenye haki.
Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.
23 Shamba la mtu maskini laweza kuzalisha chakula kingi, bali dhuluma hukifutilia mbali.
Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.
24 Yeye aizuiaye fimbo yake hampendi mwanawe, bali yeye ampendaye huwa mwangalifu kumwadibisha.
Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.
25 Mwenye haki hula mpaka akaridhisha moyo wake, bali tumbo la mwovu hutaabika kwa njaa.
Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu reakaipa richanzwa nzara.

< Mithali 13 >