< Mithali 12 >

1 Yeyote apendaye kuadibishwa hupenda maarifa, bali yeye achukiaye kuonywa ni mpumbavu.
Ani naani anofarira kuzvirovedza anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi.
2 Mtu mwema hupata kibali kutoka kwa Bwana, bali Bwana humhukumu mwenye hila.
Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa.
3 Mtu hathibitiki kutokana na uovu, bali mwenye haki hataondolewa.
Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi.
4 Mke mwenye tabia nzuri ni taji ya mumewe, bali aaibishaye ni kama uozo katika mifupa ya mumewe.
Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.
5 Mipango ya mtu mwadilifu ni ya haki, bali ushauri wa mwovu ni udanganyifu.
Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama, asi kurayira kwavakaipa kunonyengera.
6 Maneno ya waovu huotea kumwaga damu, bali maneno ya waadilifu huwaokoa.
Mashoko owakaipa anovandira ropa, asi kutaura kwavakarurama kunovanunura.
7 Watu waovu huondolewa na kutoweka, bali nyumba ya mwenye haki husimama imara.
Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba.
8 Mtu husifiwa kulingana na hekima yake, bali watu wenye akili zilizopotoka hudharauliwa.
Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake, asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa.
9 Heri mtu wa hali ya chini mwenye mtumishi, kuliko kujifanya mtu wa hali ya juu nawe huna chakula.
Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda, pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya.
10 Mtu mwenye haki hujali mahitaji ya mnyama wake, bali matendo ya huruma ya mwovu ni ukatili.
Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake, asi zviito zvakanaka zvowakaipa utsinye.
11 Yeye alimaye shamba lake atakuwa na chakula tele, bali yeye afuataye mambo ya upuzi hana akili.
Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo.
12 Waovu hutamani mateka ya watu wabaya, bali shina la mwenye haki hustawi.
Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa, asi mudzi woakarurama unobereka zvibereko.
13 Mtu mwovu hunaswa kwa mazungumzo yake ya dhambi, bali mwenye haki huepuka taabu.
Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa, asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko.
14 Kutokana na tunda la midomo yake mtu hujazwa na mambo mema, hakika kama ilivyo kazi ya mikono yake humtunza.
Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka, zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake.
15 Njia ya mpumbavu huonekana sawa machoni pake mwenyewe, bali mtu mwenye hekima husikiliza ushauri.
Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari, asi munhu akachenjera anoteerera kurayira.
16 Mpumbavu huonyesha kuudhika kwake mara moja, bali mtu wa busara hupuuza matukano.
Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo, asi munhu akachenjera anoshayira hanya kutukwa.
17 Shahidi wa kweli hutoa ushuhuda wa kuaminika, bali shahidi wa uongo husema uongo.
Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi, asi chapupu chenhema chinoreva nhema.
18 Maneno ya kipumbavu huchoma kama upanga, bali ulimi wa mwenye hekima huleta uponyaji.
Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.
19 Midomo isemayo kweli hudumu milele, bali ulimi wa uongo hudumu kwa muda mfupi tu.
Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.
20 Upo udanganyifu katika mioyo ya wale ambao hupanga mabaya, bali kuna furaha kwa wale wanaoleta amani.
Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa, asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare.
21 Hakuna dhara linalompata mwenye haki, bali waovu wana taabu nyingi.
Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa, asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira.
22 Bwana anachukia sana midomo idanganyayo, bali hufurahia watu ambao ni wa kweli.
Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.
23 Mtu mwenye busara hujihifadhia maarifa yeye mwenyewe, bali moyo wa wapumbavu hububujika upumbavu.
Munhu akachenjera anovanza zivo yake, asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi.
24 Mikono yenye bidii itatawala, bali uvivu huishia katika kazi za utumwa.
Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.
25 Moyo wa wasiwasi humlemea mtu, bali neno la huruma humfurahisha.
Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza.
26 Mtu mwenye haki ni mwangalifu katika urafiki, bali njia ya waovu huwapotosha.
Munhu akarurama anochenjerera ushamwari, asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika.
27 Mtu mvivu haoki mawindo yake, bali mtu mwenye bidii ana mali za thamani.
Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata, asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake.
28 Katika njia ya haki kuna uzima; katika mapito hayo kuna maisha ya milele.
Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu.

< Mithali 12 >