< Nehemia 8 >

1 watu wote wakakusanyika kama mtu mmoja kwenye uwanja mbele ya Lango la Maji. Wakamwambia Ezra mwandishi alete Kitabu cha Sheria ya Mose, ambacho Bwana aliamuru kwa ajili ya Israeli.
Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri.
2 Basi katika siku ya kwanza ya mwezi wa saba, kuhani Ezra akaleta Sheria mbele ya kusanyiko, ambamo walikuwamo wanaume, wanawake na watu wote walioweza kufahamu.
Naizvozvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, Ezira muprista akauya noMurayiro pamberi peungano, yaiva yavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa.
3 Akaisoma kwa sauti kubwa tangu mapambazuko mpaka adhuhuri, akiwa ameuelekea uwanja uliokuwa mbele ya Lango la Maji mbele ya wanaume, wanawake na wengine ambao waliweza kufahamu. Watu wote wakasikiliza kwa makini kile Kitabu cha Sheria.
Akauverenga nenzwi guru kubva mangwanani kusvikira masikati, akatarisa chivara chaiva pamberi peSuo reMvura, pamberi pavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. Uye vanhu vose vakateerera zvikuru kuBhuku roMurayiro.
4 Mwandishi Ezra alikuwa amesimama juu ya jukwaa la miti lililojengwa kwa kusudi hilo. Karibu naye upande wa kuume alisimama Matithia, Shema, Anaya, Uria, Hilkia na Maaseya. Upande wake wa kushoto walikuwepo Pedaya, Mishaeli, Malkiya, Hashumu, Hashbadani, Zekaria na Meshulamu.
Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Marikiya, Hashumi, Hashibhadhana, Zekaria naMeshurami.
5 Ezra akakifungua kile kitabu. Watu wote waliweza kumwona kwa sababu alikuwa amesimama juu zaidi, naye alipokifungua watu wote wakasimama.
Ezira akazarura bhuku. Vanhu vose vaigona kumuona nokuti akanga akamira pakakwirira; uye paakarizarura, vanhu vose vakasimuka.
6 Ezra akamsifu Bwana, Mungu mkuu, nao watu wote wakainua mikono yao na kuitikia, “Amen! Amen!” Kisha wakasujudu na kumwabudu Bwana hali nyuso zao zikigusa ardhi.
Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi vakanamata Jehovha zviso zvavo zvakatsikitsira pasi.
7 Watu wakiwa wamesimama pale, Walawi wafuatao waliwafunza ile Sheria: Yeshua, Bani, Sherebia, Yamini, Akubu, Shabethai, Hodia, Maaseya, Kelita, Azaria, Yozabadi, Hanani na Pelaya.
VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhani, Sherebhia, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azaria, Jozabhadhi, Hanani naPeraya vakadzidzisa vanhu Murayiro vanhu vamire ipapo.
8 Walisoma kutoka kile Kitabu cha Sheria ya Mungu, wakiifafanua na kuwapa maelezo ili watu waweze kufahamu kile kilichokuwa kikisomwa.
Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa.
9 Ndipo Nehemia aliyekuwa mtawala, Ezra kuhani na mwandishi, pamoja na Walawi waliokuwa wakiwafundisha watu wakawaambia wote, “Siku hii ni takatifu kwa Bwana Mungu wenu. Msiomboleze wala msilie.” Kwa kuwa watu wote walikuwa wakilia walipokuwa wakisikiliza maneno ya ile Sheria.
Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro.
10 Nehemia akasema, “Nendeni mkafurahie chakula kizuri na vinywaji vitamu, na mpeleke sehemu kwa wale ambao hawana chochote cha kula. Siku hii ni takatifu kwa Bwana. Msihuzunike, kwa kuwa furaha ya Bwana ni nguvu zenu.”
Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”
11 Walawi wakawatuliza watu wote wakisema, “Kuweni watulivu, kwa kuwa hii ni siku takatifu. Msihuzunike.”
VaRevhi vakanyaradza vanhu vose vakati, “Nyararai, nokuti iri izuva dzvene. Musazvidya mwoyo.”
12 Kisha watu wote wakaondoka kwenda kula na kunywa, na kupeana sehemu ya chakula, na wakaadhimisha kwa furaha kubwa, kwa sababu sasa walifahamu maneno yale waliyokuwa wameelezwa.
Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa.
13 Katika siku ya pili ya mwezi, wakuu wa mbari zote, pamoja na makuhani na Walawi, walikusanyika wakimzunguka Ezra mwandishi ili wapate kusikiliza kwa makini maneno ya Sheria.
Pazuva rechipiri romwedzi, vakuru vemhuri, pamwe chete navaprista navaRevhi, vakaungana vakakomberedza Ezira munyori kuti vateerere kumashoko oMurayiro.
14 Wakakuta imeandikwa katika ile Sheria, ambayo Bwana aliiamuru kupitia kwa Mose, kwamba Waisraeli walipaswa kukaa katika vibanda wakati wa sikukuu ya mwezi wa saba,
Vakawana zvakanga zvakanyorwa muMurayiro, zvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, zvokuti vaIsraeri vaizogara mumatumba panguva dzomutambo womwedzi wechinomwe.
15 na kwamba walipaswa kutangaza neno hili na kulieneza katika miji yao na katika Yerusalemu wakisema: “Enendeni katika nchi ya mlima na kuleta matawi kutoka miti ya mizeituni, mizeituni mwitu, mihadasi, mitende na miti ya kivuli, ili kutengeneza vibanda,” kama ilivyoandikwa.
Uye kuti vaifanira kuparidza shoko iri nokuriparadzira mumaguta avo ose nomuJerusarema vachiti: “Endai munyika yezvikomo muuye namapazi omuorivhi nemiti yemiorivhi yomusango, neomukonachando, nemichindwe nemiti yemimvuri, kuti muite matumba sezvazvakanyorwa.”
16 Basi watu wakaenda na kuleta matawi, nao wakajijengea vibanda juu ya paa za nyumba zao, katika nyua zao, katika nyua za nyumba ya Mungu, na katika uwanja karibu na Lango la Maji na uwanja wa Lango la Efraimu.
Naizvozvo vanhu vakabuda vakanouya namapazi vakazvivakira matumba pamusoro pamatenga avo, nomuminhanga yavo, nomumavazhe eimba yaMwari uye napachivara paSuo reMvura uye napaSuo raEfuremu.
17 Jamii yote ya watu waliorudi kutoka utumwani wakajenga vibanda na kuishi ndani yake. Tangu wakati wa Yoshua mwana wa Nuni mpaka siku ile, Waisraeli hawakuwahi kuiadhimisha namna hii. Furaha yao ilikuwa kubwa sana.
Ungano yose yakanga yadzoka kuutapwa yakavaka matumba ikagaramo. Kubva pamazuva aJoshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iroro, vaIsraeri havana kumbopemberera saizvozvi. Uye mufaro wavo waiva mukuru kwazvo.
18 Siku baada ya siku, kuanzia siku ya kwanza hadi ya mwisho, Ezra alisoma kutoka kwenye kile Kitabu cha Sheria ya Mungu. Wakaiadhimisha sikukuu ile kwa siku saba, nayo siku ya nane, kufuatana na maagizo, kulikuwa na kusanyiko maalum.
Zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pane rokupedzisira, Ezira akaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari. Vakapemberera mutambo kwamazuva manomwe, uye pazuva rorusere, maererano nezvakanga zvarayirwa, pakava neungano ipapo.

< Nehemia 8 >