< Mika 6 >

1 Sikiliza asemalo Bwana: “Simama, tetea shauri lako mbele ya milima; vilima na visikie lile unalotaka kusema.
Teererai zvinotaurwa naJehovha: “Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo; zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura.
2 Sikilizeni, ee milima, mashtaka ya Bwana, sikilizeni, enyi misingi ya milele ya dunia. Kwa kuwa Bwana ana shauri dhidi ya watu wake; anatoa mashtaka dhidi ya Israeli.
Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha; teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi. Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake; anopa Israeri mhosva.
3 “Watu wangu, nimewatendea nini? Nimewalemea kwa jinsi gani? Mnijibu.
“Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei.
4 Nimewatoa kutoka Misri na kuwakomboa kutoka nchi ya utumwa. Nilimtuma Mose awaongoze, pia Aroni na Miriamu.
Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda. Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai, naAroniwo naMiriamu.
5 Watu wangu, kumbukeni jinsi Balaki mfalme wa Moabu alivyofanya shauri na kile Balaamu mwana wa Beori alichojibu. Kumbukeni safari yenu kutoka Shitimu mpaka Gilgali, ili mfahamu matendo ya haki ya Bwana.”
Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”
6 Nimjie Bwana na kitu gani na kusujudu mbele za Mungu aliyetukuka? Je, nije mbele zake na sadaka za kuteketezwa, nije na ndama za mwaka mmoja?
Ndichauya neiko pamberi paJehovha. Uye ndigokotama sei pamberi paMwari anokudzwa? Ndingauye pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here?
7 Je, Bwana atafurahishwa na kondoo dume elfu, au mito elfu kumi ya mafuta? Je, nimtoe mzaliwa wangu wa kwanza kwa ajili ya kosa langu, mtoto wangu mwenyewe kwa ajili ya dhambi ya nafsi yangu?
Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondobwe, uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here? Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here?
8 Amekuonyesha yaliyo mema, ee mwanadamu. Bwana anataka nini kwako? Ila kutenda kwa haki na kupenda rehema, na kwenda kwa unyenyekevu na Mungu wako.
Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.
9 Sikiliza! Bwana anauita mji: kulicha jina lako ni hekima: “Tii hiyo fimbo na yeye aliyeiamuru.
Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta, uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri: “Chenjererai shamhu naIye akaituma.
10 Je, bado nisahau, ee nyumba ya uovu, hazina yako uliyopata kwa udanganyifu na vipimo vilivyopunguka, ambavyo vimelaaniwa?
Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa?
11 Je, naweza kuhukumu kuwa mtu mwenye mizani ya udanganyifu hana hatia, aliye na mfuko wa mawe ya kupimia ya uongo?
Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here?
12 Matajiri wake ni wajeuri; watu wake ni waongo na ndimi zao zinazungumza kwa udanganyifu.
Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera.
13 Kwa hiyo, nimeanza kukuharibu, kuwaangamiza kwa sababu ya dhambi zenu.
Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai, kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
14 Mtakula lakini hamtashiba; matumbo yenu bado yatakuwa matupu. Mtaweka akiba lakini hamtaokoa chochote, kwa sababu mtakachoweka akiba nitatoa kwa upanga.
Muchadya asi hamungaguti: dumbu renyu richaramba risina chinhu. Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta, nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo.
15 Mtapanda lakini hamtavuna; mtakamua zeituni lakini hamtatumia mafuta yake. Mtakamua zabibu lakini hamtakunywa hiyo divai.
Muchadyara asi hamungakohwi; muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho, muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho.
16 Mmezishika sheria za Omri na matendo yote ya nyumba ya Ahabu, tena umefuata desturi zao. Kwa hiyo nitakutoa kwa maangamizi na watu wako kuwa dhihaka; mtachukua dharau za mataifa.”
Makachengeta zvirevo zvaOmuri uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo. Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa, nevanhu venyu mukusekwa; muchatakura kushorwa kwendudzi.”

< Mika 6 >