< Ayubu 33 >
1 “Lakini Ayubu, sasa, sikiliza maneno yangu; zingatia kila kitu nitakachosema.
“Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva.
2 Karibu nitafungua kinywa changu; maneno yangu yapo katika ncha ya ulimi wangu.
Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu.
3 Maneno yangu yanatoka katika moyo mnyofu; midomo yangu hunena kwa uaminifu yale niyajuayo.
Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva.
4 Roho wa Mungu ameniumba; pumzi ya Mwenyezi hunipa uhai.
Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu.
5 Unijibu basi, kama unaweza; jiandae kunikabili mimi.
Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugomisidzana neni.
6 Mimi ni kama wewe mbele za Mungu; mimi pia nimetolewa kwenye udongo.
Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu.
7 Huna sababu ya kuniogopa, wala mkono wangu haupaswi kukulemea.
Kutyisa kwangu hakufaniri kukuvhundutsa, uye ruoko rwangu harufaniri kukuremera.
8 “Lakini umesema nikiwa ninakusikia, nami nilisikia maneno yenyewe:
“Asi wakati ini ndichizvinzwa, ndakanzwa mashoko acho chaiwo,
9 ‘Mimi ni safi na sina dhambi; mimi ni safi na sina hatia.
‘Ndakachena uye handina chivi; ndakanaka uye handina mhosva.
10 Lakini bado Mungu amepata dosari kwangu, naye ananiona kama adui yake.
Asi Mwari awana mhosva neni; anonditi muvengi wake.
11 Ananifunga miguu kwa pingu, tena anaziangalia njia zangu zote kwa karibu.’
Anosunga makumbo angu nezvisungo; anocherechedza nzira dzangu dzose.’
12 “Lakini mimi ninakuambia, katika jambo hili wewe una makosa, kwa maana Mungu ni mkuu kuliko mwanadamu.
“Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama, nokuti Mwari mukuru kukunda munhu.
13 Kwa nini unamlalamikia kwamba yeye hamjibu mwanadamu?
Seiko uchimunyunyutira kuti haasi kupindura mashoko omunhu?
14 Kwa kuwa Mungu husema, wakati huu kwa njia moja, au wakati mwingine kwa njia nyingine, ingawa mwanadamu anaweza asielewe.
Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira, pane imwe nguva neimwe nzira, kunyange munhu asingazvioni.
15 Mungu husema na mwanadamu katika ndoto, katika maono ya usiku, wakati usingizi mzito uwaangukiapo wanadamu wasinziapo vitandani mwao,
Mukurota, uye muchiratidzo chousiku, hope huru padzinowira vanhu, pavanotsimwaira pamibhedha yavo,
16 anaweza akasemea masikioni mwao, na kuwatia hofu kwa maonyo,
angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji,
17 ili kumgeuza mtu kutoka kwenye kutenda mabaya na kumwepusha na kiburi,
kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza,
18 kuiokoa nafsi yake na shimo, uhai wake usiangamizwe kwa upanga.
kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
19 Mtu anaweza kutiwa adabu kwa maumivu kitandani mwake, kwa dhiki za mfululizo katika mifupa yake,
Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa, achiramba achitambudzika mumapfupa ake,
20 kiasi kwamba maisha yake yenyewe yanakataa chakula nayo nafsi yake ikakichukia kabisa hata chakula kizuri.
saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.
21 Nyama ya mwili wake huisha kwa kukonda, nayo mifupa yake ambayo mwanzoni ilikuwa imefichika, sasa inatokeza nje.
Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.
22 Nafsi yake inakaribia kaburi, nao uhai wake karibu na wajumbe wa kifo.
Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu.
23 “Kama bado kuna malaika upande wake kama mtetezi, mmoja miongoni mwa elfu, wa kumwambia mwanadamu lililo jema kwake,
“Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,
24 kumwonea huruma na kusema, ‘Mwokoe asije akatumbukia shimoni; nimepata ukombozi kwa ajili yake’:
kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’
25 ndipo nyama ya mwili wake hufanywa mpya kama ya mtoto; hurudishwa upya kama siku za ujana wake.
ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana; inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake.
26 Humwomba Mungu, akapata kibali kwake, huuona uso wa Mungu na kushangilia kwa furaha; Mungu humrudisha katika hali yake ya uadilifu.
Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari, anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro; anodzoserwazve kururama kwake naMwari.
27 Ndipo huja mbele za watu na kusema, ‘Nilitenda dhambi na kupotosha kilichokuwa haki, lakini sikuadhibiwa kama nilivyostahili.
Ipapo anosvika kuvanhu agoti, ‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama, asi handina kuwana zvaindikodzera.
28 Alinikomboa nafsi yangu nisitumbukie shimoni, nami nitaishi ili kuufurahia mwanga.’
Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’
29 “Mungu hufanya haya yote kwa mwanadamu; mara mbili hata mara tatu,
“Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu,
30 ili aigeuze nafsi yake toka shimoni, ili nuru ya uzima imwangazie.
kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.
31 “Ayubu, zingatia, nisikilize mimi; nyamaza, nami nitanena.
“Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura.
32 Kama unalo lolote la kusema, unijibu; sema, kwa maana ninataka uonekane huna hatia.
Kana unacho chokureva, ndipindure; taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe.
33 Lakini kama huna la kusema, basi nisikilize mimi; nyamaza, nami nitakufundisha hekima.”
Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri; nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.”