< Ayubu 22 >

1 Ndipo Elifazi Mtemani akajibu:
Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
2 “Je, mwanadamu aweza kuwa wa faida kwa Mungu? Je, hata mtu mwenye hekima aweza kumfaidi?
“Ko, munhu angabatsira Mwari here? Kunyange munhu akachenjera angamubatsira here?
3 Je, Mwenyezi angefurahia nini kama ungekuwa mwadilifu? Au je, yeye angepata faida gani kama njia zako zingekuwa kamilifu?
Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama?
4 “Je, ni kwa ajili ya utaua wako ndiyo maana anakukemea na kuleta mashtaka dhidi yako?
“Imhaka yokumunamata kwako here zvaanokutsiura uyewo achikupa mhosva?
5 Je, uovu wako si mkuu? Dhambi zako si hazina mwisho?
Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi?
6 Umedai dhamana kwa ndugu zako bila sababu; umewavua watu nguo zao, ukawaacha uchi.
Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.
7 Hukumpa maji aliyechoka, nawe ulimnyima chakula mwenye njaa,
Wakanyima mvura vakaneta uye wakanyima vane nzara zvokudya,
8 ingawa ulikuwa mtu mwenye uwezo ukimiliki nchi: mtu uliyeheshimiwa, ukiishi ndani yake.
kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane minda yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi.
9 Umewafukuza wajane mikono mitupu na kuzivunja nguvu za yatima.
Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna simba renherera.
10 Ndiyo sababu mitego imekuzunguka pande zote, hatari ya ghafula inakutia hofu,
Ndokusaka misungo yakakukomberedza, ndokusaka njodzi ichikuvhundutsa,
11 ndiyo sababu ni giza sana huwezi kuona, tena ndiyo sababu mafuriko ya maji yamekufunika.
ndokusaka kuine rima usingakwanisi kuona, uye mafashamu emvura achikufukidza.
12 “Je, Mungu hayuko katika mbingu za juu? Juu kuliko nyota zilizo juu sana!
“Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Tarira kukwirira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro!
13 Hivyo wewe wasema, ‘Mungu anajua nini?’ Je, yeye huhukumu katika giza kama hilo?
Asi imi munoti, ‘Mwari anoziveiko? Ko, anotonga murima rakadai here?
14 Mawingu mazito ni pazia lake, hivyo hatuoni sisi atembeapo juu ya anga la dunia.
Makore matema anomufukidza, saka haationi paanofamba-famba padenderedzwa ramatenga.’
15 Je, utaifuata njia ya zamani, ambayo watu waovu waliikanyaga?
Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here?
16 Waliondolewa kabla ya wakati wao, misingi yao ikachukuliwa na mafuriko.
Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.
17 Walimwambia Mungu, ‘Tuache sisi! Huyo Mwenyezi aweza kutufanyia nini?’
Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’
18 Lakini ndiye alizijaza nyumba zao na vitu vizuri, hivyo ninajitenga mbali na mashauri ya waovu.
Sezvo ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, ndinomira kure namano avakaipa.
19 “Wenye haki wanaona maangamizi yao na kufurahi, nao wasio na hatia huwadhihaki, wakisema,
“Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti,
20 ‘Hakika adui zetu wameangamizwa, nao moto umeteketeza mali zao.’
‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’
21 “Mjue sana Mungu ili uwe na amani, ndipo mema yatakapokujia.
“Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri.
22 Uyapokee mafundisho toka kinywani mwake, na maneno yake uyaweke moyoni mwako.
Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uchengete mashoko ake mumwoyo.
23 Kama ukimrudia Mwenyezi, utarudishwa upya: Kama ukiuondoa uovu uwe mbali na hema lako,
Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchadzoredzerwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako,
24 kama dhahabu yako ukiihesabu kama mavumbi, dhahabu yako ya Ofiri kama miamba ya mabondeni,
uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi,
25 ndipo Mwenyezi atakuwa dhahabu yako, naye atakuwa fedha yako iliyo bora.
ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa.
26 Hakika ndipo utakapojifurahisha kwa Mwenyezi, nawe utamwinulia Mungu uso wako.
Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
27 Utamwomba yeye, naye atakusikia, nawe utazitimiza nadhiri zako.
Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika.
28 Utakusudia jambo nalo litatendeka, nao mwanga utaangazia njia zako.
Zvaunotaura sechirevo zvichaitika, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.
29 Watu watakaposhushwa, nawe ukasema, ‘Wainue!’ ndipo atamwokoa aliyevunjika moyo.
Vanhu pavanodzikiswa iwe ukati, ‘Vasimudzei!’ ipapo vakaderedzwa vachaponeswa.
30 Atamwokoa hata yule ambaye ana hatia, ataokolewa kwa sababu ya usafi wa mikono yako.”
Achadzikinura kunyange uyo ane mhosva, acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”

< Ayubu 22 >