< Yeremia 32 >
1 Hili ndilo neno lililomjia Yeremia kutoka kwa Bwana, katika mwaka wa kumi wa utawala wa Sedekia mfalme wa Yuda, ambao ulikuwa mwaka wa kumi na nane wa utawala wa Mfalme Nebukadneza.
Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mugore regumi raZedhekia mambo weJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhinezari.
2 Wakati huo jeshi la mfalme wa Babeli lilikuwa limeuzunguka mji wa Yerusalemu, naye nabii Yeremia alikuwa amezuiliwa katika ua wa walinzi katika jumba la kifalme la Yuda.
Hondo yamambo Nebhukadhinezari yakanga yakakomberedza Jerusarema, uye Jeremia muprofita akanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi rwakanga rwuri mumuzinda wamambo weJudha.
3 Basi Sedekia mfalme wa Yuda alikuwa amemfunga huko akisema, “Kwa nini unatabiri hivyo? Wewe unasema, ‘Hili ndilo asemalo Bwana: Ninakaribia kuutia mji huu mkononi mwa mfalme wa Babeli, naye atauteka.
Zvino Zedhekia mambo weJudha akanga amupfigira imomo, achiti, “Unoprofitirei sezvaunoita? Unoti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava kuda kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi, uye acharipamba.
4 Sedekia mfalme wa Yuda hataweza kuponyoka mikononi mwa Wakaldayo, lakini kwa hakika atatiwa mikononi mwa mfalme wa Babeli, naye atazungumza naye ana kwa ana na kumwona kwa macho yake mwenyewe.
Zedhekia mambo weJudha haangapukunyuki pamaoko avaBhabhironi, asi zvirokwazvo achaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso achimuona nameso ake.
5 Atamchukua Sedekia hadi Babeli, mahali atakapoishi mpaka nitakapomshughulikia, asema Bwana. Kama utapigana dhidi ya Wakaldayo, hutashinda.’”
Iye achaendesa Zedhekia kuBhabhironi, kwaachagara kusvikira ndagadzirisana naye, ndizvo zvinotaura Jehovha. Kana ukarwa navaBhabhironi haungavakundi.’”
6 Yeremia akasema, “Neno la Bwana lilinijia kusema:
Jeremia akati, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
7 Hanameli mwana wa Shalumu mjomba wako atakuja kwako na kusema, ‘Nunua shamba langu huko Anathothi, kwa sababu wewe kama jamaa ya karibu ni haki na wajibu wako kulinunua.’
Hanameri mwanakomana wasekuru vako Sharumi achauya kwauri achiti, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti, nokuti sezvo uriwe hama yepedyo, ndiwe une kodzero yokuutenga.’
8 “Kisha, kama Bwana alivyosema, binamu yangu Hanameli alinijia katika ua wa walinzi na kusema: ‘Nunua shamba langu lililoko Anathothi katika nchi ya Benyamini. Kwa kuwa ni haki yako kulikomboa na kulimiliki, jinunulie.’ “Nilijua kwamba hili lilikuwa neno la Bwana.
“Ipapo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, sekuru wangu Hanameri akauya kwandiri ndiri muruvazhe rwavarindi akati, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti munyika yeBhenjamini. Chizvitengera iwe kuti uve wako sezvo uriwe une kodzero yokuudzikinura.’ “Ndakazviziva kuti iri raiva shoko raJehovha;
9 Hivyo nikalinunua shamba hilo lililoko Anathothi kutoka kwa binamu yangu Hanameli, nami nikampimia shekeli kumi na saba za fedha.
saka ndakatenga munda waiva paAnatoti kubva kuna sekuru vangu Hanameri ndokumuyerera mashekeri gumi namanomwe esirivha.
10 Nikatia sahihi na kuweka muhuri hati ya kumiliki, nikaweka mashahidi, na kupima ile fedha kwenye mizani.
Ndakanyora rugwaro rwokutenga ndikarunama, ndikaita kuti pave nezvapupu, ndikamuyerera sirivha pazviyero.
11 Nikachukua ile hati ya kununulia, nakala iliyotiwa muhuri yenye makubaliano na masharti, pia pamoja na ile nakala isiyo na muhuri,
Ndakatora gwaro rokutengeserana, riya rakanga rakanamwa riine mirayiro nezvimwe, pamwe chete neriya rakanga risina kunamwa,
12 nami nikampa Baruku mwana wa Neria, mwana wa Maaseya, hati hii mbele ya binamu yangu Hanameli, na mbele ya mashahidi waliokuwa wameweka sahihi kwenye hati hii na mbele ya Wayahudi wote waliokuwa wameketi katika ua wa walinzi.
ndokupa gwaro iri kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, pamberi paHanameri mwanakomana wasekuru vangu napamberi pezvapupu zvakanga zvaisa runyoro pagwaro rokutengeserana, napamberi pavaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi.
13 “Nilimpa Baruku maelezo haya mbele yao:
“Ndakarayira Bharuki pamberi pavo, ndichiti,
14 ‘Hili ndilo asemalo Bwana Mwenye Nguvu Zote, Mungu wa Israeli: Chukua hati hizi, yaani nakala zote zenye muhuri na zisizo na muhuri za hati ya kununulia, na uziweke kwenye gudulia la udongo wa mfinyanzi ili zidumu kwa muda mrefu.
‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Tora magwaro aya, okutengeserana ari maviri akanamwa neasina kunamwa, ugoisa muhari yevhu kuitira kuti agare kwamazuva mazhinji.
15 Kwa kuwa hili ndilo asemalo Bwana Mwenye Nguvu Zote, Mungu wa Israeli: Nyumba, mashamba na mashamba ya mizabibu yatanunuliwa tena katika nchi hii.’
Nokuti zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Dzimba, minda, uye minda yemizambiringa zvichatengwazve munyika ino.’
16 “Baada ya kumkabidhi Baruku mwana wa Neria hii hati ya kununulia, nilimwomba Bwana:
“Mushure mokunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeria gwaro rokutengeserana, ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichiti:
17 “Ee Bwana Mwenyezi, umeumba mbingu na nchi kwa uwezo wako mkuu na kwa mkono ulionyooshwa. Hakuna jambo lililo gumu usiloliweza.
“Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri.
18 Wewe huonyesha upendo kwa maelfu, lakini huleta adhabu kwa ajili ya dhambi za baba mapajani mwa watoto wao baada yao. Ee Mungu mkuu na mwenye uweza, ambaye jina lako ni Bwana Mwenye Nguvu Zote,
Imi munoratidza rudo rwenyu kuzviuru nezviuru asi muchiuyisa shamhu yezvivi zvamadzibaba pamakumbo avana vavo vanovatevera. Haiwa imi Mwari mukuru ane simba guru, mune zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose,
19 makusudi yako ni makuu, na matendo yako ni yenye uwezo. Macho yako yanaona njia zote za wanadamu, nawe humlipa kila mmoja kulingana na mwenendo wake, na kama yanavyostahili matendo yake.
zvinangwa zvenyu zvikuru uye mabasa enyu makuru. Meso enyu akasvinurira nzira dzose dzavanhu; munopa mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake uye nezvakafanira mabasa ake.
20 Ulitenda ishara za miujiza na maajabu huko Misri, na umeyaendeleza mpaka leo, katika Israeli na miongoni mwa wanadamu wote, nawe umejulikana na kufahamika hivyo mpaka leo.
Makaita zviratidzo nezvishamiso muIjipiti uye mukaramba muchizviita kusvikira pazuva ranhasi, pakati peIsraeri napakati pendudzi dzimwe dzose, uye mukazviwanira mukurumbira sezvazvakaita nanhasi.
21 Uliwatoa watu wako Israeli kutoka Misri kwa ishara na maajabu, kwa mkono wenye nguvu na ulionyooshwa na kwa matisho makuu.
Makabudisa vanhu venyu veIsraeri kubva muIjipiti nezviratidzo nezvishamiso, noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru.
22 Uliwapa nchi hii uliyokuwa umeapa kuwapa baba zao, nchi inayotiririka maziwa na asali.
Makavapa nyika ino yamakanga mapikira kupa madzibaba avo, nyika inoyerera mukaka nouchi.
23 Waliingia na kuimiliki, lakini hawakukutii wala kuifuata sheria yako. Hawakufanya kile ulichowaamuru kufanya. Hivyo ukaleta maafa haya yote juu yao.
Vakapinda vakaitora kuti ive yavo, asi havana kukuteererai kana kutevera murayiro wenyu; havana kuita zvamakanga mavarayira kuti vaite. Saka makauyisa njodzi yose iyi pamusoro pavo.
24 “Tazama jinsi tumezungukwa na jeshi ili kuuteka mji huu. Kwa sababu ya upanga, njaa na tauni, mji utatiwa mikononi mwa Wakaldayo ambao wanaushambulia. Ulilosema limetokea kama vile unavyoona sasa.
“Tarirai mavakirwo ari kuitwa mirwi yokukomba kuti vatore guta. Nokuda kwomunondo, nenzara uye denda, guta richaiswa mumaoko avaBhabhironi vari kurirwisa. Zvamakataura zvaitika sezvamuri kuona zvino.
25 Ingawa mji utatiwa mikononi mwa Wakaldayo, wewe, Ee Bwana Mwenyezi, uliniambia, ‘Nunua shamba kwa fedha, na jambo hilo lishuhudiwe.’”
Kunyange hazvo guta rino richizoiswa mumaoko avaBhabhironi, imi, Ishe Jehovha makati kwandiri, ‘Zvitengere munda nesirivha uye uite kuti zvapupu zvivepo pakutengeserana uku.’”
26 Ndipo neno la Bwana likamjia Yeremia kusema:
Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia, richiti,
27 “Mimi ndimi Bwana, Mungu wa wote wenye mwili. Je, kuna jambo lolote lililo gumu nisiloliweza?
“Ndini Jehovha, Mwari wavanhu vose. Ko, pane chinhu chingandiomera here?
28 Kwa hiyo, hili ndilo asemalo Bwana: Ninakaribia kuutia mji huu mikononi mwa Wakaldayo, na mwa Nebukadneza mfalme wa Babeli ambaye atauteka.
Naizvozvo zvanzi naJehovha: ndava pedyo nokuisa guta rino mumaoko avaBhabhironi, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uyo acharikunda.
29 Wakaldayo ambao wanaushambulia mji huu watakuja na kuuchoma moto na kuuteketeza, pamoja na nyumba ambamo watu wamenikasirisha kwa kumfukizia Baali uvumba katika mapaa na kumimina sadaka za vinywaji kwa miungu mingine.
VaBhabhironi vari kurwisa guta rino vachauya vagopinda vagoritungidza nomoto; vacharipisa, pamwe chete nedzimba dzavanhu vakanditsamwisa nokupisira zvinonhuhwira kuna Bhaari pamusoro pamatenga adzo uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari.
30 “Watu wa Israeli na wa Yuda hawakufanya kitu kingine ila uovu mbele zangu tangu ujana wao. Naam, watu wa Israeli hawakufanya kitu kingine ila kunikasirisha kwa kazi ambazo mikono yao imetengeneza, asema Bwana.
“Vanhu veIsraeri navanhu veJudha havana kugona kuita chinhu chakanaka asi zvakaipa chete pamberi pangu kubva pauduku hwavo; zvirokwazvo vanhu veIsraeri havana kumbogona kuita zvakanaka asi vakanditsamwisa nezvavakaita namaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
31 Tangu siku ulipojengwa hadi sasa, mji huu umenikasirisha na kunighadhibisha kiasi kwamba ni lazima niuondoe machoni pangu.
Kubva pazuva rakavakwa guta rino kusvikira zvino, guta rino rakamutsa hasha dzangu nokunditsamwisa zvikuru zvokuti ndinofanira kuribvisa pamberi pangu.
32 Watu wa Israeli na wa Yuda wamenikasirisha kwa uovu wote waliofanya: wao, wafalme wao na maafisa wao, makuhani wao na manabii wao, watu wa Yuda na wakazi wa Yerusalemu.
Vanhu veIsraeri navanhu veJudha vakanditsamwisa nezvakaipa zvose zvavakaita, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navaprista vavo, navaprofita vavo, ivo vanhu veJudha navanhu veJerusarema.
33 Walinigeuzia visogo vyao, wala si nyuso zao. Ingawa niliwafundisha tena na tena, hawakupenda kusikiliza wala kuitikia adhabu.
Vakandifuratira uye havana kunditarisa nezviso zvavo; kunyange ndakavadzidzisa ndadzidzisazve, havana kuteerera kana kutsiurika.
34 Waliweka miungu yao ya kuchukiza sana katika nyumba iitwayo kwa Jina langu na kuinajisi.
Vakaisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakatumidzwa Zita rangu vakaisvibisa.
35 Wakajenga mahali pa juu pa kuabudia miungu kwa ajili ya Baali katika Bonde la Ben-Hinomu, ambapo walitoa wana wao na binti zao kafara kwa Moleki, ingawa kamwe sikuamuru, wala halikuingia akilini mwangu, kwamba watafanya chukizo kama hilo na kumfanya Yuda atende dhambi.
Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha itadze.
36 “Mnasema kuhusu mji huu, ‘Kwa upanga, njaa na tauni, mji utatiwa mkononi mwa mfalme wa Babeli,’ lakini hili ndilo Bwana, Mungu wa Israeli asemalo:
“Imi munotaura pamusoro peguta rino muchiti, ‘Guta rino richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, nomunondo, nenzara, uye nedenda’; zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri:
37 Hakika nitawakusanya kutoka nchi zote nilizowafukuzia katika hasira yangu kali na ghadhabu yangu kuu, nitawarudisha mahali hapa na kuwaruhusu waishi kwa salama.
Zvirokwazvo ndichavaunganidza kubva kunyika dzose dzandakanga ndavadzingira pakutsamwa kwangu kukuru nehasha dzangu huru; ndichavadzosazve kunzvimbo ino ndigovagarisa zvakanaka.
38 Watakuwa watu wangu, nami nitakuwa Mungu wao.
Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo.
39 Nitawapa moyo mmoja na kutenda pamoja, ili kwamba waniche daima kwa mema yao wenyewe na kwa mema ya watoto wao baada yao.
Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera.
40 Nitafanya nao agano la milele: Kamwe sitaacha kuwatendea mema, nami nitawavuvia kunicha mimi, ili kamwe wasigeukie mbali nami.
Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri.
41 Nitafurahia kuwatendea mema, na kwa hakika nitawapanda katika nchi hii kwa moyo wangu wote na roho yangu yote.
Ndichafarira kuvaitira zvakanaka uye zvirokwazvo ndichavasima munyika ino, nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.
42 “Hili ndilo asemalo Bwana: Kama nilivyoleta maafa haya makubwa kwa watu hawa, ndivyo nitakavyowapa mafanikio niliyowaahidi.
“Zvanzi naJehovha: Sezvandakauyisa njodzi huru yose iyi pamusoro pavanhu ava, saizvozvo ndichavapa kubudirira kwose kwandakavavimbisa.
43 Kwa mara nyingine tena mashamba yatanunuliwa katika nchi hii ambayo mlisema, ‘Imekuwa ukiwa, isiyofaa, isiyo na watu wala wanyama, kwa sababu imetiwa mikononi mwa Wakaldayo.’
Zvakare, minda ichatengwa munyika ino yamunoti, ‘Idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, nokuti yakaiswa mumaoko avaBhabhironi.’
44 Mashamba yatanunuliwa kwa fedha, na hati zitatiwa sahihi, zitatiwa muhuri na kushuhudiwa katika nchi ya Benyamini, katika vijiji vinavyoizunguka Yerusalemu, katika miji ya Yuda na katika miji ya nchi ya vilima, sehemu za magharibi katika miji ya tambarare na katika Negebu, kwa sababu nitarudisha tena mafanikio yao, asema Bwana.”
Minda ichatengwa nesirivha, uye magwaro okutengeserana achanyorwa, agonamwa uye agopupurirwa munyika yeBhenjamini, mumisha yakapoteredza Jerusarema, nomumaguta eJudha nomumaguta omunyika yezvikomo, nomujinga mezvikomo zvokumavirira, nokuNegevhi, nokuti ndichadzosazve pfuma yavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”