< Yeremia 31 >
1 “Wakati huo, nitakuwa Mungu wa koo zote za Israeli nao watakuwa watu wangu,” asema Bwana.
“Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.”
2 Hili ndilo asemalo Bwana: “Watu watakaopona upanga watapata upendeleo jangwani; nitakuja niwape Israeli pumziko.”
Zvanzi naJehovha: “Vanhu vakapunyuka pamunondo vachawana nyasha mugwenga; ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”
3 Bwana alitutokea wakati uliopita, akisema: “Nimekupenda kwa upendo wa milele, nimekuvuta kwa wema.
Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti: “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
4 Nitakujenga tena nawe utajengeka upya, ewe Bikira Israeli. Utachukua tena matari yako na kwenda kucheza na wenye furaha.
Ndichakuvakazve, ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri. Uchatorazve matambureni ako ugoenda kundotamba navanofara.
5 Utapanda tena shamba la mizabibu juu ya vilima vya Samaria, wakulima watapanda na kufurahia matunda yake.
Zvakare, muchasima minda yemizambiringa pamusoro pezvikomo zveSamaria; varimi vachaisima, vagofadzwa nezvibereko zvayo.
6 Itakuja siku wakati walinzi watakapowapigia kelele juu ya vilima vya Efraimu wakisema, ‘Njooni, twendeni juu Sayuni, kwake Bwana Mungu wetu.’”
Pachava nezuva richadanidzira nharirire dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti, ‘Uyai, ngatikwidzei kuZioni, kuna Jehovha Mwari wedu.’”
7 Hili ndilo asemalo Bwana: “Mwimbieni Yakobo kwa furaha, mpigieni kelele aliye mkuu wa mataifa. Zifanyeni sifa zenu zisikike, nanyi mseme, ‘Ee Bwana, okoa watu wako, mabaki ya Israeli.’
Zvanzi naJehovha: “Imbirai Jakobho nomufaro; pururudzirai mukuru wendudzi. Paridzai, rumbidzai, muchiti, ‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsraeri.’
8 Tazama, nitawaleta kutoka nchi ya kaskazini na kuwakusanya kutoka miisho ya dunia. Miongoni mwao watakuwepo vipofu na viwete, mama wajawazito na wenye utungu wa kuzaa. Umati mkubwa wa watu utarudi.
Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika. Pakati pavo pachava namapofu nezvirema, navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa; boka guru richadzoka kuno.
9 Watakuja wakilia; wataomba wakati ninawarudisha. Nitawaongoza kando ya vijito vya maji katika mapito yaliyo tambarare ambapo hawatajikwaa, kwa sababu mimi ndimi baba wa Israeli, naye Efraimu ni mzaliwa wangu wa kwanza.
Vachauya vachichema; vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa. Ndichavafambisa nepahova dzemvura, napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi, nokuti ndiri baba vaIsraeri, uye Efuremu ndiye dangwe rangu.
10 “Sikieni neno la Bwana, enyi mataifa, litangazeni katika nchi za pwani ya mbali: ‘Yeye aliyewatawanya Israeli atawakusanya na atalichunga kundi lake la kondoo kama mchungaji.’
“Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose; muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti: ‘Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza, uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’
11 Kwa kuwa Bwana atamlipia fidia Yakobo na kuwakomboa mkononi mwa walio na nguvu kuliko wao.
Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho, uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo.
12 Watakuja na kupiga kelele kwa furaha katika miinuko ya Sayuni; watashangilia ukarimu wa Bwana: nafaka, divai mpya na mafuta, wana-kondoo wachanga na ndama wa makundi ya ngʼombe nitakaowapa. Watakuwa kama bustani iliyonyeshewa vizuri, wala hawatahuzunika tena.
Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni; vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha, nokuda kwezviyo, newaini itsva uye namafuta, makwayana nemombe. Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa, uye havachazosuwazve.
13 Kisha wanawali watacheza na kufurahi, vijana waume na wazee pia. Nitageuza maombolezo yao kuwa furaha, nitawapa faraja na furaha badala ya huzuni.
Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara, majaya navatana vachafarawo. Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro; ndichavanyaradza uye ndichavapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.
14 Nitawashibisha makuhani kwa wingi, nao watu wangu watajazwa kwa ukarimu wangu,” asema Bwana.
Ndichagutsa vaprista nezvakawanda, uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
15 Hili ndilo asemalo Bwana: “Sauti imesikika huko Rama, maombolezo na kilio kikubwa, Raheli akiwalilia watoto wake na anakataa kufarijiwa, kwa sababu watoto wake hawako tena.”
Zvanzi naJehovha: “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.”
16 Hili ndilo asemalo Bwana: “Izuie sauti yako kulia, na macho yako yasitoe machozi, kwa kuwa kazi yako itapata thawabu,” asema Bwana. “Watarudi kutoka nchi ya adui.
Zvanzi naJehovha: “Dzora inzwi rako pakuchema nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.
17 Kwa hiyo kuna tumaini kwa siku zijazo,” asema Bwana. “Watoto wako watarudi nchi yao yenyewe.
Saka ramangwana rako rine tariro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”
18 “Hakika nimeyasikia maombolezo ya Efraimu: ‘Ulinirudi kama ndama mkaidi, nami nimekubali kutii. Unirudishe, nami nitarudi, kwa sababu wewe ndiwe Bwana, Mungu wangu.
“Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti: ‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa, nokudaro ndakarangwa. Ndidzorei, ipapo ndichadzoka, nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.
19 Baada ya kupotea, nilitubu; baada ya kuelewa, nilijipiga kifua. Niliaibika na kuona haya kwa sababu niliibeba aibu ya ujana wangu.’
Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndakazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’
20 Je, Efraimu si mwanangu mpendwa, mtoto ninayependezwa naye? Ingawa mara kwa mara ninanena dhidi yake, bado ninamkumbuka. Kwa hiyo moyo wangu unamwonea shauku, nina huruma kubwa kwa ajili yake,” asema Bwana.
Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange ndichimupikisa kazhinji, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 “Weka alama za barabara, weka vibao vya kuelekeza. Zingatia vyema njia kuu, barabara ile unayoipita. Rudi, ee Bikira Israeli, rudi kwenye miji yako.
“Zvimisirei shongwe dzenzira; misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamunofamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako.
22 Utatangatanga hata lini, ee binti usiye mwaminifu? Bwana ameumba kitu kipya duniani: mwanamke atamlinda mwanaume.”
Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mwanasikana wokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.”
23 Hili ndilo Bwana Mwenye Nguvu Zote, Mungu wa Israeli, asemalo, “Nitakapowarudisha toka nchi ya kutekwa kwenu, watu walio katika nchi ya Yuda na miji yake kwa mara nyingine tena watatumia maneno haya: ‘Bwana akubariki, ee makao ya haki, ee mlima mtakatifu.’
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: “Pandichavadzosazve kubva kuutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’
24 Watu wataishi pamoja katika Yuda na miji yake yote, wakulima na wote wanaohamahama na mifugo yao.
Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.
25 Nitawaburudisha waliochoka na kuwatuliza walio na huzuni.”
Ndichasimbisa vanenge vaneta uye ndichagutsa vanenge vaziya.”
26 Kwa jambo hili niliamka na kuangalia pande zote. Usingizi wangu ulikuwa mtamu kwangu.
Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.
27 Bwana asema, “Siku zinakuja, nitakapoongeza idadi ya watu, na kuzidisha hesabu ya mifugo katika nyumba ya Israeli na nyumba ya Yuda.
“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.
28 Kama vile nilivyowaangalia ili kungʼoa na kubomoa, kuharibu, kuangamiza na kuleta maafa juu yao, vivyo hivyo nitawaangalia ili kujenga na kupanda,” asema Bwana.
Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, uye ndiwisire pasi, ndiparadze, ndiuyise njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake uye ndisime,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
29 “Katika siku hizo, watu hawatasema tena, “‘Baba wamekula zabibu chachu, nayo meno ya watoto yakatiwa ganzi.’
“Mumazuva iwayo vanhu havangazoti, “‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino avana akaita hwadzira.’
30 Badala yake, kila mmoja atakufa kwa ajili ya dhambi zake mwenyewe; yeyote alaye zabibu chachu, meno yake mwenyewe yatatiwa ganzi.
Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira.
31 “Siku zinakuja,” asema Bwana, “nitakapofanya agano jipya na nyumba ya Israeli na nyumba ya Yuda.
“Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.
32 Halitafanana na agano nililofanya na baba zao wakati nilipowashika mkono kuwaongoza watoke Misri, kwa sababu walivunja agano langu, ijapokuwa nilikuwa mume kwao,” asema Bwana.
Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
33 “Hili ndilo agano nitakalofanya na nyumba ya Israeli baada ya siku zile,” asema Bwana. “Nitaweka sheria yangu katika nia zao, na kuiandika mioyoni mwao. Nitakuwa Mungu wao, nao watakuwa watu wangu.
“Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
34 Mtu hatamfundisha tena jirani yake, wala mtu kumfundisha ndugu yake akisema, ‘Mjue Bwana Mungu,’ kwa sababu wote watanijua mimi, tangu aliye mdogo kabisa kwao, hadi aliye mkuu sana,” asema Bwana. “Kwa sababu nitasamehe uovu wao, wala sitazikumbuka dhambi zao tena.”
Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”
35 Hili ndilo asemalo Bwana, yeye aliyeweka jua liwake mchana, yeye anayeamuru mwezi na nyota kungʼaa usiku, yeye aichafuaye bahari ili mawimbi yake yangurume; Bwana Mwenye Nguvu Zote ndilo jina lake:
Zvanzi naJehovha, iye anogadza zuva kuti rivhenekere masikati, anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi kuti zvivhenekere usiku, iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake:
36 “Ikiwa amri hizi zitaondoka machoni pangu,” asema Bwana, “ndipo wazao wa Israeli watakoma kuwa taifa mbele yangu daima.”
“Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiko kuti zvizvarwa zvaIsraeri zvigume kuva rudzi pamberi pangu.”
37 Hili ndilo asemalo Bwana: “Ikiwa mbingu zilizo juu zitaweza kupimika na misingi ya dunia chini ikaweza kuchunguzwa, ndipo nitakapowakataa wazao wote wa Israeli kwa sababu ya yote waliyoyatenda,” asema Bwana.
Zvanzi naJehovha: “Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa, uye nheyo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa, ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri nokuda kwezvose zvavakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
38 “Siku zinakuja,” asema Bwana, “wakati mji huu utajengwa upya kwa ajili yangu, kuanzia mnara wa Hananeli hadi Lango la Pembeni.
“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona.
39 Kamba ya kupimia itaanzia hapo kuendelea hadi kwenye kilima cha Garebu, na kisha kugeuka kuelekea Goa.
Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa.
40 Bonde lote watupwapo maiti na majivu pia na matuta yote kutoka Bonde la Kidroni upande wa mashariki hadi pembe ya Lango la Farasi, itakuwa takatifu kwa Bwana. Kamwe mji huu hautangʼolewa tena wala kubomolewa.”
Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”