< Isaya 62 >

1 Kwa ajili ya Sayuni sitanyamaza, kwa ajili ya Yerusalemu sitatulia, mpaka haki yake itakapoangaza kama mapambazuko, wokovu wake kama mwanga wa moto.
Nokuda kweZioni handinganyarari, nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere, kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza, noruponeso rwake somwenje unopfuta.
2 Mataifa wataona haki yako, nao wafalme wote wataona utukufu wako; wewe utaitwa kwa jina jipya lile ambalo kinywa cha Bwana kitatamka.
Ndudzi dzichaona kururama kwako, uye madzimambo ose achaona kubwinya kwako; iwe uchadaidzwa nezita idzva richataurwa nomuromo waJehovha.
3 Utakuwa taji ya fahari mkononi mwa Bwana, taji ya kifalme mkononi mwa Mungu wako.
Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha, ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.
4 Hawatakuita tena Aliyeachwa, wala nchi yako kuiita Ukiwa. Bali utaitwa Hefsiba, nayo nchi yako itaitwa Beula, kwa maana Bwana atakufurahia, nayo nchi yako itaolewa.
Havachazokutizve Musiyiwa, kana kutumidza nyika yako kuti Dongo. Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha uye nyika yako ichanzi Bhiyura; nokuti Jehovha achakufarira, uye nyika yako icharoorwa.
5 Kama vile kijana aoavyo mwanamwali, ndivyo wanao watakavyokuoa wewe; kama bwana arusi amfurahiavyo bibi arusi wake, ndivyo Mungu wako atakavyokufurahia wewe.
Sejaya zvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; sechikomba chinofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.
6 Nimeweka walinzi juu ya kuta zako, ee Yerusalemu, hawatanyamaza mchana wala usiku. Ninyi wenye kumwita Bwana, msitulie,
Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangambonyarari masikati kana usiku. Imi munodana kuna Jehovha, musazorora,
7 msimwache apumzike hadi atakapoufanya imara Yerusalemu na kuufanya uwe sifa ya dunia.
uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika.
8 Bwana ameapa kwa mkono wake wa kuume na kwa mkono wake wenye nguvu: “Kamwe sitawapa tena adui zenu nafaka zenu kama chakula chao; kamwe wageni hawatakunywa tena divai mpya ambayo mmeitaabikia,
Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, noruoko rwake rune simba achiti, “Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu, uye vatorwa havachazonwizve waini itsva yamakatamburira;
9 lakini wale waivunao nafaka wataila na kumsifu Bwana, nao wale wakusanyao zabibu watainywa divai yake katika nyua za patakatifu pangu.”
asi ivo vanokohwa ndivo vachadya uye vacharumbidza Jehovha, uyewo vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa mumavazhe eimba yangu tsvene.”
10 Piteni, piteni katika malango! Tengenezeni njia kwa ajili ya watu. Jengeni, jengeni njia kuu! Ondoeni mawe. Inueni bendera kwa ajili ya mataifa.
Pfuurai, pfuurai napamasuo! Gadzirirai vanhu nzira. Vakai, vakai mugwagwa mukuru! Bvisai mabwe. Simudzirai ndudzi mureza.
11 Bwana ametoa tangazo mpaka miisho ya dunia: “Mwambie Binti Sayuni, ‘Tazama, mwokozi wako anakuja! Tazama ujira wake uko pamoja naye, na malipo yake yanafuatana naye!’”
Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’”
12 Wataitwa Watu Watakatifu, Waliokombolewa na Bwana; nawe utaitwa Aliyetafutwa, Mji Usioachwa Tena.
Vachanzi Vanhu Vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; uye iwe uchanzi Mutsvakwa, iro Guta Risina Kuzova Dongo.

< Isaya 62 >