< Isaya 61 >
1 Roho wa Bwana Mwenyezi yu juu yangu, kwa sababu Bwana amenitia mafuta kuwahubiria maskini habari njema. Amenituma kuwaganga waliovunjika moyo, kuwatangazia mateka uhuru wao, na hao waliofungwa habari za kufunguliwa kwao;
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
2 kutangaza mwaka wa Bwana uliokubaliwa, na siku ya kisasi ya Mungu wetu, kuwafariji wote waombolezao,
kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema,
3 na kuwapa mahitaji wale wanaohuzunika katika Sayuni, ili kuwapa taji ya uzuri badala ya majivu, mafuta ya furaha badala ya maombolezo, vazi la sifa badala ya roho ya kukata tamaa. Nao wataitwa mialoni ya haki, pando la Bwana, ili kuonyesha utukufu wake.
uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
4 Watajenga upya magofu ya zamani na kupatengeneza mahali palipoachwa ukiwa zamani; watafanya upya miji iliyoharibiwa, iliyoachwa ukiwa kwa vizazi vingi.
Vachavakazve matongo akare uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare; vachavandudza matongo amaguta akaparadzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa zvakapfuura.
5 Wageni watayachunga makundi yenu, wageni watafanya kazi katika mashamba yenu, na kutunza mashamba yenu ya mizabibu.
Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu; vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.
6 Nanyi mtaitwa makuhani wa Bwana, mtaitwa watumishi wa Mungu wetu. Mtakula utajiri wa mataifa, nanyi katika utajiri wao mtajisifu.
Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha, muchanzi vashumiri vaMwari. Muchadya pfuma yendudzi, uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.
7 Badala ya aibu yao watu wangu watapokea sehemu maradufu, na badala ya fedheha watafurahia katika urithi wao; hivyo watarithi sehemu maradufu katika nchi yao, nayo furaha ya milele itakuwa yao.
Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo vanhu vangu vachagamuchira migove miviri, uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo; nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo, uye mufaro usingaperi uchava wavo.
8 “Kwa maana Mimi, Bwana, napenda haki, na ninachukia unyangʼanyi na uovu. Katika uaminifu wangu nitawapa malipo yao na kufanya agano la milele nao.
“Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira; ndinovenga kupamba nezvakaipa. Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro uye ndichaita sungano isingaperi navo.
9 Wazao wao watajulikana miongoni mwa mataifa, na uzao wao miongoni mwa kabila za watu. Wale wote watakaowaona watatambua kuwa ni taifa ambalo Bwana amelibariki.”
Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi uye navana vavo pakati pamarudzi. Vose vanovaona vachaziva kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”
10 Ninafurahia sana katika Bwana, nafsi yangu inashangilia katika Mungu wangu. Kwa maana amenivika mavazi ya wokovu, na kunipamba kwa joho la haki, kama vile bwana arusi apambavyo kichwa chake kama kuhani, na kama bibi arusi ajipambavyo kwa vito vyake vya thamani.
Ndinofara zvikuru muna Jehovha; mweya wangu unofara muna Mwari. Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso, uye akandishongedza nenguo yokururama, sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista, uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.
11 Kwa maana kama vile ardhi ifanyavyo chipukizi kuota, na bustani isababishavyo mbegu kuota, ndivyo Bwana Mwenyezi atafanya haki na sifa zichipuke mbele ya mataifa yote.
Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu, nebindu richiita kuti mbeu dzikure, saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo zvimere pamberi pendudzi dzose.