< Isaya 59 >
1 Hakika mkono wa Bwana si mfupi hata usiweze kuokoa, wala sikio lake si zito hata lisiweze kusikia.
Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa, uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa.
2 Lakini maovu yenu yamewatenga ninyi na Mungu wenu, dhambi zenu zimewaficha ninyi uso wake, ili asisikie.
Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa.
3 Kwa maana mikono yenu imetiwa mawaa kwa damu na vidole vyenu kwa hatia. Midomo yenu imenena uongo, nazo ndimi zenu zimenongʼona mambo maovu.
Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, minwe yenyu nezvakaipa. Miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa.
4 Hakuna hata mmoja anayedai kwa haki; hakuna hata mmoja anayetetea shauri lake kwa haki. Wanategemea mabishano matupu na kusema uongo, huchukua mimba ya magomvi na kuzaa uovu.
Hapana anochemera kururamisira; hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka. Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema; vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa.
5 Huangua mayai ya nyoka wenye sumu kali na kutanda wavu wa buibui. Yeyote alaye mayai yao atakufa, na wakati moja lianguliwapo, nyoka hutoka humo.
Vanochochonya mazai emvumbi, uye vanoruka dandira redandemutande. Ani naani anodya mazai avo achafa, uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka.
6 Utando wao wa buibui haufai kwa nguo; hawawezi kujifunika kwa kile walichokitengeneza. Matendo yao ni matendo maovu, vitendo vya jeuri vipo mikononi mwao.
Matandira avo haabatsiri pakupfeka; havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira. Mabasa avo mabasa akaipa, uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.
7 Miguu yao hukimbilia kwenye dhambi, ni myepesi kumwaga damu isiyo na hatia. Mawazo yao ni mawazo maovu; uharibifu na maangamizi huonekana katika njia zao.
Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi; vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva. Mirangariro yavo mirangariro yakaipa; kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo.
8 Hawajui njia ya amani, hakuna haki katika mapito yao. Wameyageuza kuwa njia za upotovu, hakuna apitaye njia hizo atakayeifahamu amani.
Nzira yorugare havaizivi; hapana kururamisira pamakwara avo. Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama; hakuna anofamba madziri achaziva rugare.
9 Hivyo uadilifu uko mbali nasi, nayo haki haitufikii. Tunatazamia nuru, kumbe! Yote ni giza, tunatazamia mwanga, lakini tunatembea katika giza kuu.
Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu, uye kururama hakusviki kwatiri. Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima; tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima.
10 Tunapapasa ukuta kama kipofu, tunapapasa katika njia zetu kama watu wasio na macho. Adhuhuri tunajikwaa kama wakati wa gizagiza; katikati ya wenye nguvu, tuko kama wafu.
Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro, tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso. Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni; pakati pavane simba, tangoita savakafa.
11 Wote tunanguruma kama dubu; tunalia kwa maombolezo kama hua. Tunatafuta haki, kumbe hakuna kabisa; tunatafuta wokovu, lakini uko mbali.
Tose tiri kuomba samapere; tinorira nokurira kukuru senjiva. Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani; tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure.
12 Kwa sababu makosa yetu ni mengi machoni pako, na dhambi zetu zinashuhudia dhidi yetu. Makosa yetu yako pamoja nasi daima, nasi tunayatambua maovu yetu:
Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu, uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa. Kudarika kwedu kunogara nesu, uye tinobvuma kutadza kwedu:
13 Uasi na udanganyifu dhidi ya Bwana, kumgeuzia Mungu wetu kisogo, tukichochea udhalimu na maasi, tukinena uongo ambao mioyo yetu imeuhifadhi.
kumukira nokunyengera Jehovha, kufuratira Mwari wedu, kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka, nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu.
14 Hivyo uadilifu umerudishwa nyuma, nayo haki inasimama mbali, kweli imejikwaa njiani, uaminifu hauwezi kuingia.
Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure, uye kururama kwamira kure; chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha, kutendeka hakuchagoni kupinda.
15 Kweli haipatikani popote, na yeyote aepukaye uovu huwa mawindo. Bwana alitazama naye akachukizwa kwamba hapakuwepo haki.
Zvokwadi haichawanikwi uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa. Jehovha akatarisa akasafara kuti pakanga pasisina kururamisira.
16 Aliona kuwa hakuwepo hata mtu mmoja, akashangaa kwamba hakuwepo hata mmoja wa kuingilia kati; hivyo mkono wake mwenyewe ndio uliomfanyia wokovu, nayo haki yake mwenyewe ndiyo iliyomtegemeza.
Akaona kuti pakanga pasina munhu, akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, uye kururama kwake kwakamuraramisa.
17 Alivaa haki kama dirii kifuani mwake, na chapeo ya wokovu kichwani mwake, alivaa mavazi ya kisasi naye akajifunga wivu kama joho.
Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso mumusoro make; akashonga nguo dzokutsiva akazviputira mukushingaira kwake seanozviputira nejasi.
18 Kulingana na kile walichokuwa wametenda, ndivyo atakavyolipa ghadhabu kwa watesi wake na kisasi kwa adui zake, atavilipa visiwa sawa na wanavyostahili.
Sezvavakaita, saizvozvo acharipira hasha kuvavengi vake nokutsiva kuvadzivisi vake; acharipira zvakafanira kuzviwi.
19 Kuanzia magharibi, watu wataliogopa jina la Bwana na kuanzia mawio ya jua, watauheshimu utukufu wake. Wakati adui atakapokuja kama mafuriko, Roho wa Bwana atainua kiwango dhidi yake na kumshinda.
Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha.
20 “Mkombozi atakuja Sayuni, kwa wale wa Yakobo wanaozitubu dhambi zao,” asema Bwana.
“Mudzikinuri achauya kuZioni, kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 “Kwa habari yangu mimi, hili ndilo agano langu nao,” asema Bwana. “Roho wangu, aliye juu yenu, na maneno yangu ambayo nimeyaweka katika vinywa vyenu, havitaondoka vinywani mwenu, wala kutoka vinywani mwa watoto wenu, wala kutoka vinywani mwa wazao wao, kuanzia sasa na hata milele,” asema Bwana.
“Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.