< Isaya 48 >
1 “Sikilizeni hili, ee nyumba ya Yakobo, ninyi mnaoitwa kwa jina la Israeli, na mnaotoka katika ukoo wa Yuda, ninyi mnaoapa kwa jina la Bwana, mnaomwomba Mungu wa Israeli, lakini si katika kweli au kwa haki;
“Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsraeri, uye muchibva kurudzi rwaJudha, imi munoita mhiko muzita raJehovha, uye munodana kuna Mwari waIsraeri, asi musingaiti muzvokwadi kana mukururama,
2 ninyi mnaojiita raiya wa mji mtakatifu, na kumtegemea Mungu wa Israeli, Bwana Mwenye Nguvu Zote ndilo jina lake:
imi munozviti vagari vomuguta dzvene, muchivimba naMwari weIsraeri; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake:
3 Nilitoa unabii mambo ya kwanza tangu zamani, kinywa changu kiliyatangaza na kuyafanya yajulikane; kisha ghafula nikayatenda, nayo yakatokea.
Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare, muromo wangu wakazvireva uye ndakaita kuti zvizivikanwe; ipapo nokukurumidza ndakazviita, uye zvikaitika.
4 Kwa kuwa nalijua jinsi ulivyokuwa mkaidi; mishipa ya shingo yako ilikuwa chuma, kipaji chako cha uso kilikuwa shaba.
Nokuti ndaiziva kuti mwoyo wako wakanga wakasindimara sei; nokuti mutsipa wako wakanga uri runda rwesimbi, huma yako yakanga iri ndarira.
5 Kwa hiyo nilikuambia mambo haya tangu zamani, kabla hayajatokea nilikutangazia ili usije ukasema, ‘Sanamu zangu zilifanya hayo; kinyago changu cha mti na mungu wangu wa chuma aliyaamuru.’
Naizvozvo ndakakuudza zvinhu izvi kare kare; zvisati zvaitika ndakazvizivisa kwauri, kuitira kuti urege kuzoti, ‘Zvifananidzo zvangu, ndizvo zvakazviita; mufananidzo wangu wedanda namwari wangu wesimbi ndizvo zvakarayira izvozvo.’
6 Umesikia mambo haya; yaangalie hayo yote. Je, hutayakubali? “Kuanzia sasa na kuendelea nitakueleza mambo mapya, juu ya mambo yaliyofichika usiyoyajua.
Wakazvinzwa zvinhu izvi; zvitarire zvose. Haungazvibvumi here? “Kubva zvino ndichakuzivisa zvinhu zvitsva, zvakavanzika zvausingazivi.
7 Yameumbwa sasa, wala si tangu zamani; hukupata kuyasikia kabla ya siku ya leo. Hivyo huwezi kusema, ‘Naam, niliyajua hayo.’
Zvava kusikwa zvino, uye hakusi kare; hauna kumbozvinzwa zuva ranhasi risati rasvika. Saka haugoni kuti, ‘Hongu, ndaizviziva.’
8 Hujayasikia wala kuyaelewa, tangu zamani sikio lako halikufunguka. Ninafahamu vyema jinsi ulivyo mdanganyifu, uliitwa mwasi tangu kuzaliwa kwako.
Hauna kumbonzwa kana kunzwisisa; kubva kare nzeve yako yakanga isina kudziurwa. Ndinoziva kwazvo kuti uri munyengeri akadii; wakanzi mhandu kubva pakuzvarwa kwako.
9 Kwa ajili ya Jina langu mwenyewe ninaichelewesha ghadhabu yangu, kwa ajili ya sifa zangu nimeizuia isikupate, ili nisije nikakukatilia mbali.
Nokuda kwezita rangu ndinononoka kutsamwa; nokuda kwokurumbidzwa kwangu ndinozvidzora pamusoro pako, kuti ndisakuparadza.
10 Tazama, nimekusafisha, ingawa si kama fedha, nimekujaribu katika tanuru ya mateso.
Tarira, ndakakunatsa, kunyange zvisina kuita sesirivha; ndakakuedza muchoto chokutambudzika.
11 Kwa ajili yangu mwenyewe, kwa ajili yangu mwenyewe, nafanya hili. Jinsi gani niliache Jina langu lichafuliwe? Sitautoa utukufu wangu kwa mwingine.
Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndinoita izvi. Ko, ndingaregererei zita rangu richimhurwa? Handingapi kukudzwa kwangu kuno mumwe.
12 “Ee Yakobo, nisikilize mimi, Israeli, ambaye nimekuita: Mimi ndiye; mimi ndimi mwanzo na mwisho.
“Nditeerere, iwe Jakobho, Israeri, wandakadaidza; ndini iye: ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira.
13 Mkono wangu mwenyewe uliweka misingi ya dunia, nao mkono wangu wa kuume umezitanda mbingu; niziitapo, zote husimama pamoja.
Ruoko rwangu ndirwo rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rworudyi rwakatambanudza matenga; pandinozvidana, zvose zvinomira pamwe chete.
14 “Kusanyikeni, ninyi nyote, msikilize: Ni ipi miongoni mwa hizo sanamu ambayo imetabiri vitu hivi? Watu wa Bwana waliochaguliwa na kuungana watatimiza kusudi lake dhidi ya Babeli; mkono wa Mungu utakuwa dhidi ya Wakaldayo.
“Unganai pamwe chete, imi mose muteerere; Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika? Iye anodikanwa naJehovha achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi; ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi.
15 Mimi, naam, Mimi, nimenena; naam, nimemwita yeye. Nitamleta, naye atafanikiwa katika lile nililomtuma.
Ini, iyeni ndataura; hongu, ndamudana. Ndichauya naye, uye achabudirira pane zvaanotumwa.
16 “Nikaribieni na msikilize hili: “Tangu tangazo la kwanza sikusema kwa siri; wakati litokeapo, nitakuwako hapo.” Sasa Bwana Mwenyezi amenituma, kwa Roho wake.
“Swederai kwandiri muteerere izvi: “Kubvira pachiziviso chokutanga handina kumbotaura muchivande; panguva yazvinoitika, ndinenge ndiripo.” Uye zvino Ishe Jehovha andituma noMweya wake.
17 Hili ndilo asemalo Bwana, Mkombozi wako, yeye Aliye Mtakatifu wa Israeli: “Mimi ni Bwana, Mungu wako, nikufundishaye ili upate faida, nikuongozaye katika njia ikupasayo kuiendea.
Zvanzi naJehovha Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri: “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.
18 Laiti ungesikiliza kwa makini maagizo yangu, amani yako ingekuwa kama mto, haki yako kama mawimbi ya bahari.
Dai chete wakanga wateerera mirayiro yangu, rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, kururama kwako samafungu egungwa.
19 Wazao wako wangekuwa kama mchanga, watoto wako kama chembe zake zisizohesabika; kamwe jina lao lisingefutiliwa mbali, wala kuangamizwa kutoka mbele zangu.”
Zvizvarwa zvako zvingadai zvakaita sejecha, navana vako vakaita setsanga dzejecha dzisingaverengeki; zita ravo haraimboparara kana kuparadzwa pamberi pangu.”
20 Tokeni huko Babeli, kimbieni kutoka kwa Wakaldayo! Tangazeni hili kwa kelele za shangwe na kulihubiri. Lipelekeni mpaka miisho ya dunia; semeni, “Bwana amemkomboa mtumishi wake Yakobo.”
Mudai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”
21 Hawakuona kiu alipowaongoza kupita jangwani; alifanya maji yatiririke kutoka kwenye mwamba kwa ajili yao; akapasua mwamba na maji yakatoka kwa nguvu.
Havana kunzwa nyota paakavatungamirira mugwenga; akaita kuti mvura iyerere ichibva mudombo, achiitira ivo; akatsemura dombo mvura ikatubuka.
22 “Hakuna amani kwa waovu,” asema Bwana.
“Vakaipa havana rugare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.