< Isaya 24 >

1 Tazama, Bwana ataifanya dunia kuwa ukiwa na kuiharibu, naye atauharibu uso wake na kutawanya wakaao ndani yake:
Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyika achiiparadza zvachose; achanyangadza kutarisika kwayo uye achaparadzira vanogaramo,
2 ndivyo itakavyokuwa kwa makuhani na kwa watu, kwa bwana na kwa mtumishi, kwa bibi na kwa mtumishi wake wa kike, kwa muuzaji na kwa mnunuzi, kwa mkopaji na kwa mkopeshaji, kwa mdaiwa na kwa mdai.
zvichangofanana, zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu, zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda, zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri, zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi, zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa, zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu.
3 Dunia itaharibiwa kabisa na kutekwa nyara kabisa. Bwana amesema neno hili.
Nyika ichaparadzwa zvachose uye ichatorerwa zvayo zvose. Jehovha ataura shoko irori.
4 Dunia inakauka na kunyauka, dunia inanyongʼonyea na kunyauka, waliotukuzwa wa dunia wananyongʼonyea.
Nyika inooma uye inosvava, pasi pose panorwadziwa uye panounyana, vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa.
5 Dunia imetiwa unajisi na watu wake; wameacha kutii sheria, wamevunja amri na kuvunja agano la milele.
Nyika inosvibiswa navanhu vayo; havana kuteerera mirayiro, vakapandukira mitemo uye vakaputsa sungano isingaperi.
6 Kwa hiyo laana inaiteketeza dunia, watu wake lazima waichukue hatia yao. Kwa hiyo wakazi wa dunia wameteketezwa, nao waliosalia ni wachache sana.
Naizvozvo chituko chinoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vapiswa, uye vashoma ndivo vasara.
7 Divai mpya inakauka na mzabibu unanyauka, watu wote wafurahishao wanalia kwa huzuni.
Waini itsva inopera uye muzambiringa unosvava; vose vanoda mafaro vanogomera.
8 Furaha ya matoazi imekoma, kelele za wenye furaha zimekoma, shangwe za kinubi zimenyamaza.
Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.
9 Hawanywi tena mvinyo pamoja na wimbo, kileo ni kichungu kwa wanywaji wake.
Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo.
10 Mji ulioharibiwa umekuwa ukiwa, mlango wa kila nyumba umefungwa.
Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.
11 Barabarani wanalilia kupata mvinyo, furaha yote imegeuka kuwa majonzi, furaha yote imefukuziwa mbali na dunia.
Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika.
12 Mji umeachwa katika uharibifu, lango lake limevunjwa vipande.
Guta rasara rava dongo, masuo aro aputswa-putswa.
13 Ndivyo itakavyokuwa duniani na miongoni mwa mataifa, kama vile wakati mzeituni upigwavyo, au kama vile wakati masazo yabakiavyo baada ya zabibu kuvunwa.
Ndizvo zvazvichaita munyika napakati pendudzi, zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi, kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.
14 Wanainua sauti zao, wanapiga kelele kwa furaha, kutoka magharibi wanasifu kwa ukelele utukufu wa Bwana.
Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro; kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.
15 Kwa hiyo upande wa mashariki mpeni Bwana utukufu, liadhimisheni jina la Bwana, Mungu wa Israeli, katika visiwa vya bahari.
Naizvozvo kumabvazuva, mbiri kuna Jehovha; kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeri pazviwi zvegungwa.
16 Kutoka miisho ya dunia tunasikia uimbaji: “Utukufu kwa Yule Mwenye Haki.” Lakini nilisema, “Ninadhoofika, ninadhoofika! Ole wangu! Watenda hila wanasaliti! Kwa hila watenda hila wanasaliti!”
Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti: “Ngaakudzwe iye Akarurama.” Asi ini ndakati, “Ndiri kupera muviri, ndiri kupera muviri! Ndine nhamo! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!”
17 Hofu, shimo na mtego vinakungojea, ewe mtu ukaaye duniani.
Kutya negomba zvakakumirirai, imi vanhu vapanyika.
18 Kila akimbiaye asikiapo sauti ya hofu atatumbukia shimoni, naye yeyote apandaye kutoka shimoni, atanaswa kwenye mtego. Malango ya gharika ya mbinguni yamefunguliwa, misingi ya dunia inatikisika.
Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa, achawira mugomba; ani naani anokwira achibuda mugomba achabatwa mumusungo. Nokuti mawindo okudenga azaruka, uye nheyo dzapanyika dzozungunuka.
19 Dunia imepasuka, dunia imechanika, dunia imetikiswa kabisa.
Nyika yaputswa-putswa, nyika yakamurwa napakati, nyika yozungunuswa chose.
20 Dunia inapepesuka kama mlevi, inayumbayumba kama kibanda kwenye upepo; imelemewa sana na mzigo wa hatia ya uasi wake na ikianguka kamwe haitainuka tena.
Nyika yodzedzereka sechidhakwa, inozengaira semba iri mumhepo; kudarika nokumukira kwayo kwairemera kwazvo, zvokuti inowa, ikasazomukazve.
21 Katika siku ile Bwana ataadhibu nguvu zilizoko mbinguni juu, na wafalme walioko duniani chini.
Pazuva iro Jehovha acharanga masimba omuchadenga kumusoro, uye namadzimambo ari pamusoro penyika pasi.
22 Watakusanywa pamoja kama wafungwa waliofungwa gerezani, watafungiwa gerezani na kuadhibiwa baada ya siku nyingi.
Vachaunganidzwa pamwe chete kufanana navasungwa vakasungwa mugomba; vachapfigirwa mutorongo vagozorangwa kwamazuva mazhinji.
23 Mwezi utatiwa haya, nalo jua litaaibishwa; kwa maana Bwana Mwenye Nguvu Zote atawala juu ya Mlima Sayuni na katika Yerusalemu, tena mbele ya wazee wake kwa utukufu.
Mwedzi uchanyadziswa, zuva richanyara; nokuti Jehovha Wamasimba Ose achatonga pamusoro peGomo reZioni nomuJerusarema, napamberi pavakuru varo, nokubwinya kukuru.

< Isaya 24 >