< Hosea 12 >
1 Efraimu anajilisha upepo; hufukuzia upepo wa mashariki kutwa nzima na kuzidisha uongo na jeuri. Anafanya mkataba na Ashuru na kutuma mafuta ya zeituni Misri.
Efuremu anodya mhepo; anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba. Anoita sungano neAsiria, uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.
2 Bwana analo shtaka dhidi ya Yuda, atamwadhibu Yakobo kwa kadiri ya njia zake na kumlipa kwa kadiri ya matendo yake.
Jehovha ane mhaka yaanopa Judha; acharanga Jakobho maererano nenzira dzake uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.
3 Yakobo akiwa tumboni alishika kisigino cha kaka yake; kama mwanadamu, alishindana na Mungu.
Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake; somunhu akaita mutsimba naMwari.
4 Alishindana na malaika na kumshinda; alilia na kuomba upendeleo wake. Alimkuta huko Betheli na kuzungumza naye huko:
Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira; akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye. Akamuwana paBheteri akataura naye ipapo,
5 Bwana Mungu Mwenye Nguvu Zote, Bwana ndilo jina lake!
Jehovha Mwari Wamasimba Ose, Jehovha ndiro zita rake raane mukurumbira naro!
6 Lakini ni lazima urudi kwa Mungu wako; dumisha upendo na haki, nawe umngojee Mungu wako siku zote.
Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako; chengetedza rudo nokururamisira, uye umirire Mwari wako nguva dzose.
7 Mfanyabiashara hutumia vipimo vya udanganyifu; hupenda kupunja.
Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera; anofarira kubiridzira.
8 Efraimu hujisifu akisema, “Mimi ni tajiri sana; nimetajirika. Pamoja na utajiri wangu wote hawatakuta ndani yangu uovu wowote au dhambi.”
Efuremu anozvikudza achiti, “Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye. Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”
9 “Mimi ndimi Bwana Mungu wenu niliyewaleta kutoka Misri; nitawafanya mkae tena kwenye mahema, kama vile katika siku za sikukuu zenu zilizoamriwa.
“Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti; ndichakugarisazve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.
10 Niliongea na manabii, nikawapa maono mengi na kusema mifano kupitia wao.”
Ndakataura kuvaprofita, ndikavapa zviratidzo zvizhinji uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”
11 Je, Gileadi si mwovu? Watu wake hawafai kitu! Je, hawatoi dhabihu za mafahali huko Gilgali? Madhabahu zao zitakuwa kama malundo ya mawe katika shamba lililolimwa.
Ko, Gireadhi yakaipa here? Vanhu vayo havana maturo! Vanobayira nzombe here paGirigari? Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo mumunda wakarimwa.
12 Yakobo alikimbilia katika nchi ya Aramu; Israeli alitumika ili apate mke, ili aweze kulipa kwa ajili yake alichunga kondoo.
Jakobho akatizira kunyika yeAramu; Israeri akashandira kuti awane mukadzi, uye kuti amuwane akafudza makwai.
13 Bwana alimtumia nabii kumpandisha Israeli kutoka Misri, kwa njia ya nabii alimtunza.
Jehovha akashandisa muprofita kuti abudise Israeri kubva muIjipiti, nomuprofita akavachengeta.
14 Lakini Efraimu amemchochea sana hasira; Bwana wake ataleta juu yake hatia yake ya kumwaga damu naye atamlipiza kwa ajili ya dharau yake.
Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa; Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.