< Habakuki 1 >
1 Neno alilopokea nabii Habakuki.
Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki.
2 Ee Bwana, hata lini nitakuomba msaada, lakini wewe husikilizi? Au kukulilia, “Udhalimu!” Lakini hutaki kuokoa?
Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi?
3 Kwa nini unanifanya nitazame dhuluma? Kwa nini unavumilia makosa? Uharibifu na udhalimu viko mbele yangu; kuna mabishano na mapambano kwa wingi.
Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.
4 Kwa hiyo sheria imepotoshwa, nayo haki haipo kabisa. Waovu wanawazunguka wenye haki, kwa hiyo haki imepotoshwa.
Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi. Vakaipa vanokomba vakarurama, zvokuti kururamisira kunominamiswa.
5 “Yatazame mataifa, uangalie na ushangae kabisa. Kwa sababu katika siku zako nitafanya kitu ambacho hungeamini, hata kama ungeambiwa.
“Tarisa ndudzi dzavanhu, ucherechedze, ugoshamiswa zvirokwazvo. Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.
6 Nitawainua Wakaldayo, watu hao wakatili na wenye haraka, ambao hupita dunia yote kuteka mahali pa kuishi pasipo pao wenyewe.
Ndiri kumutsa vaBhabhironi ruya rudzi rune utsinye, rune hasha, runopararira pasi pose kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo.
7 Ni watu wanoogopwa na wanaotisha; wenyewe ndio sheria yao, na huinua heshima yao wenyewe.
Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa; vasina murayiro unovatonga uye vanongozvitsvakira kukudzwa.
8 Farasi wao ni wepesi kuliko chui, na wakali kuliko mbwa mwitu wakati wa machweo. Askari wapanda farasi wao huenda mbio; waendesha farasi wao wanatoka mbali. Wanaruka kasi kama tai ili kurarua;
Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe, anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana. Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki; vatasvi vamabhiza vanobva kure kure. Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza;
9 wote wanakuja tayari kwa fujo. Makundi yao ya wajeuri yanasonga mbele kama upepo wa jangwani, na kukusanya wafungwa kama mchanga.
vanouya vose kuzoita zvechisimba. Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga vachiunganidza nhapwa sejecha.
10 Wanawabeza wafalme, na kuwadhihaki watawala. Wanaicheka miji yote iliyozungushiwa maboma; wanafanya malundo ya udongo na kuiteka hiyo miji.
Vanozvidza madzimambo uye vanomhura vatongi. Vanoseka maguta ose akasimbiswa; vanovaka zvikomo zvevhu voatapa.
11 Kisha wanapita kasi kama upepo na kusonga mbele: watu wenye hatia, ambao nguvu zao ndio mungu wao.”
Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri, varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.”
12 Ee Bwana, je, wewe sio wa tangu milele? Mungu wangu, Uliye Mtakatifu wangu, hatutakufa. Ee Bwana, umewachagua wao ili watekeleze hukumu; Ee Mwamba, umewaamuru watuadhibu.
Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here? Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi. Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge; imi Dombo, makavagadza kuti varange.
13 Macho yako ni safi mno hata yasiweze kuutazama uovu, wala huwezi kuvumilia makosa. Kwa nini basi unawavumilia wadanganyifu? Kwa nini unakuwa kimya wakati waovu wanawameza wale wenye haki kuliko wao wenyewe?
Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama?
14 Umewafanya watu kama samaki baharini, kama viumbe wa bahari wasio na mtawala.
Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa, sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.
15 Adui mwovu anawavuta wote kwa ndoana, anawakamata katika wavu wake, anawakusanya katika juya lake; kwa hiyo anashangilia na anafurahi.
Muvengi anovaredza vose nezviredzo, anovabata mumumbure wake, achivakokorodza murutava rwake; naizvozvo anopembera nomufaro.
16 Kwa hiyo anatoa kafara kwa wavu wake, na kuchoma uvumba kwa juya lake, kwa kuwa kwa wavu wake anaishi kwa starehe, na anafurahia chakula kizuri.
Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake, uye anopisira zvinonhuhwira kumumbure wake, nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake, anodya zvokudya zvakaisvonaka.
17 Je, aendelee kuwatoa walio katika wavu wake, akiangamiza mataifa bila huruma?
Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake, achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?