< Kutoka 30 >
1 “Tengeneza madhabahu kwa mbao za mshita kwa ajili ya kufukizia uvumba.
“Uite aritari yokupisira zvinonhuhwira namatanda omuunga.
2 Madhabahu hayo yawe mraba, urefu na upana wake dhiraa moja, na kimo cha dhiraa mbili, nazo pembe zake zitakuwa kitu kimoja nayo.
Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti maviri, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo.
3 Funika hayo madhabahu juu na pande zote na pia pembe zake kwa dhahabu safi, na uifanyizie ukingo wa dhahabu kuizunguka.
Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka,
4 Tengeneza pete mbili za dhahabu kwa ajili ya madhabahu chini ya huo ukingo, ziwe mbili kila upande, za kushikilia hiyo mipiko itumikayo kuibebea madhabahu.
uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura.
5 Tengeneza mipiko kwa miti ya mshita na uifunike kwa dhahabu.
Uite mapango aya nomuti womuunga uye uafukidze negoridhe.
6 Weka hayo madhabahu mbele ya lile pazia lililo mbele ya Sanduku la Ushuhuda, lililo mbele ya kiti cha rehema kilicho juu ya Sanduku la Ushuhuda, mahali ambapo nitakutana nawe.
Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe.
7 “Itampasa Aroni kufukiza uvumba wenye harufu nzuri juu ya madhabahu kila siku asubuhi wakati anapowasha zile taa.
“Aroni anofanira kupisa zvinonhuhwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje.
8 Itampasa afukize uvumba tena wakati anapowasha taa wakati wa machweo ili uvumba ufukizwe daima mbele za Bwana kwa vizazi vijavyo.
Anofanira kupisazve zvinonhuhwira paanenge achitungidza mwenje zuva richangovira saka zvinonhuhwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.
9 Usifukize uvumba mwingine wowote juu ya madhabahu haya au sadaka nyingine yoyote ya kuteketezwa wala sadaka ya nafaka, wala usimimine sadaka ya kinywaji juu yake.
Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuhwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo.
10 Mara moja kwa mwaka Aroni atafanya upatanisho juu ya pembe za hayo madhabahu. Upatanisho huu wa mwaka lazima ufanywe kwa damu ya sadaka ya upatanisho kwa ajili ya dhambi kwa vizazi vijavyo. Ni takatifu sana kwa Bwana.”
Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”
11 Naye Bwana akamwambia Mose,
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
12 “Utakapowahesabu Waisraeli, kila mmoja lazima alipe kwa Bwana fidia kwa ajili ya nafsi yake wakati wa kuhesabiwa kwake. Ndipo hakutakuwa na pigo juu yao unapowahesabu.
“Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga.
13 Kila mmoja anayekwenda upande wa wale waliokwisha hesabiwa atatoa nusu shekeli, kulingana na shekeli ya mahali patakatifu, ambayo ina uzito wa gera ishirini. Hii nusu shekeli ni sadaka kwa Bwana.
Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha.
14 Wote wale wanaovuka, wenye umri wa miaka ishirini au zaidi, watatoa sadaka kwa Bwana.
Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana anopfuura iwayo, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha.
15 Matajiri hawatalipa zaidi ya nusu shekeli, nao maskini hawatatoa pungufu wakati mnatoa sadaka kwa Bwana kwa kufanya upatanisho wa nafsi zenu.
Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu.
16 Utapokea fedha ya upatanisho kutoka kwa Waisraeli na uzitumie kwa ajili ya huduma ya Hema la Kukutania. Itakuwa ni ukumbusho kwa Waisraeli mbele za Bwana kufanya upatanisho kwa ajili ya nafsi zenu.”
Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”
17 Kisha Bwana akamwambia Mose,
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
18 “Tengeneza sinia la shaba lenye kitako cha shaba kwa ajili ya kunawia. Liweke kati ya Hema la Kukutania na madhabahu, kisha uweke maji ndani yake.
“Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendarira. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri.
19 Aroni na wanawe watanawa mikono na miguu yao kwa maji yatokayo katika hilo sinia.
Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura.
20 Wakati wowote wanapoingia katika Hema la Kukutania, watanawa kwa maji ili kwamba wasije wakafa. Pia, wanapokaribia madhabahu ili kuhudumu kwa kuleta sadaka zilizotolewa kwa Bwana kwa moto,
Pose pavachapinda muTende Rokusangana vachashamba kuitira kuti varege kufa. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto,
21 watanawa mikono na miguu yao ili kwamba wasije wakafa. Hii itakuwa ni amri ya kudumu kwa ajili ya Aroni na wazao wake kwa vizazi vijavyo.”
vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.”
22 Kisha Bwana akamwambia Mose,
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
23 “Chukua vikolezi bora vifuatavyo: shekeli 500 za manemane ya maji, shekeli 250 za mdalasini wenye harufu nzuri, shekeli 250 za miwa yenye harufu nzuri,
“Tora zvinonhuhwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekeri emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuhwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe,
24 shekeli 500 za aina nyingine ya mdalasini, vyote kulingana na shekeli ya mahali patakatifu, pia hini ya mafuta ya zeituni.
mashekeri omuunga mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehini yamafuta omuorivhi.
25 Vitengeneze vikolezi hivi kuwa mafuta matakatifu ya upako yenye harufu nzuri, kazi ya mtengeneza manukato. Yatakuwa mafuta matakatifu ya upako.
Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuhwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Achava mafuta matsvene okuzodza.
26 Kisha yatumie kupaka hilo Hema la Kukutania, Sanduku la Ushuhuda,
Ipapo ugoashandisa kuzodza Tende Rokusangana, neareka yeChipupuriro,
27 meza na vifaa vyake vyote, kinara cha taa na vifaa vyake vyote, madhabahu ya kufukizia uvumba,
tafura nemidziyo yayo yose, chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira,
28 madhabahu ya sadaka ya kuteketezwa na vyombo vyake vyote na sinia pamoja na kitako chake.
aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo, uye mudziyo wokushambira nechigadziko chawo.
29 Utaviweka wakfu ili viwe vitakatifu sana na kila kitakachoigusa kitakuwa kitakatifu.
Unofanira kuzvitsaura kuti zvigova zvitsvene-tsvene, uye zvose zvichazvigunzva zvichava zvitsvene.
30 “Mtie Aroni na wanawe mafuta na uwaweke wakfu ili waweze kunitumikia katika kazi ya ukuhani.
“Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista.
31 Waambie Waisraeli, ‘Haya yatakuwa mafuta matakatifu yangu ya upako kwa vizazi vijavyo.
Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza kuzvizvarwa zvinotevera.
32 Usiyamimine juu ya miili ya wanadamu wala usitengeneze mafuta ya aina nyingine kwa utaratibu huu. Ni mafuta matakatifu na ni lazima myaone kuwa ni matakatifu.
Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene.
33 Mtu yeyote atakayetengeneza manukato kama hayo na yeyote atakayeyamimina juu ya mtu yeyote ambaye si kuhani atakatiliwa mbali na watu wake.’”
Ani naani anoita mafuta anonhuhwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’”
34 Kisha Bwana akamwambia Mose, “Chukua vikolezi vyenye harufu nzuri vifuatavyo: natafi, shekelethi, kelbena na uvumba safi vyote vikiwa na vipimo sawa,
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuhwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuhwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana,
35 pia tengeneza mchanganyiko wa uvumba wenye harufu nzuri, kazi ya mtengeneza manukato. Utiwe chumvi ili upate kuwa safi na mtakatifu.
uye ugoita zvinonhuhwira zvakavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Zvinofanira kurungwa nomunyu, uye zvitsvene.
36 Saga baadhi yake kuwa unga na uweke mbele ya Sanduku la Ushuhuda ndani ya Hema la Kukutania, mahali ambapo nitakutana nawe. Itakuwa takatifu sana kwenu.
Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri.
37 Msitengeneze uvumba mwingine wowote wa namna hii kwa ajili yenu wenyewe; uoneni kuwa ni mtakatifu kwa Bwana.
Usazviitira zvinonhuhwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha.
38 Yeyote atakayetengeneza uvumba kama huu ili kufurahia harufu yake nzuri lazima akatiliwe mbali na watu wake.”
Ani naani achaita chipi zvacho chakafanana nacho kuti afadzwe nokunhuhwira kwacho, anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”