< Amosi 9 >

1 Nilimwona Bwana akiwa amesimama kando ya madhabahu, naye akasema: “Piga vichwa vya nguzo ili vizingiti vitikisike. Viangushe juu ya vichwa vya watu wote; na wale watakaosalia nitawaua kwa upanga. Hakuna awaye yote atakayekimbia, hakuna atakayetoroka.
Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati, “Rova misoro yembiru kuti zvikumbaridzo zvizunguzike. Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose; avo vachasara ndichavauraya nomunondo. Hapana kana mumwe chete achatiza, hapana achapunyuka.
2 Wajapojichimbia chini mpaka kwenye vina vya kuzimu, kutoka huko mkono wangu utawatoa. Wajapopanda juu hadi kwenye mbingu, kutoka huko nitawashusha. (Sheol h7585)
Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva, kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora. Kunyange vakakwira kumatenga, kubva ikoko ndichavadzikisa pasi. (Sheol h7585)
3 Wajapojificha juu ya kilele cha Karmeli, huko nitawawinda na kuwakamata. Wajapojificha kutoka kwenye uso wangu katika vilindi vya bahari, huko nako nitaamuru joka kuwauma.
Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri, ipapo ndichavavhima ndigovabata. Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa, ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.
4 Wajapopelekwa uhamishoni na adui zao, huko nako nitaamuru upanga uwaue. Nitawakazia macho yangu kwa mabaya wala si kwa mazuri.”
Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo, ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze. Ndichananʼanidza meso angu pavari kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”
5 Bwana, Bwana Mwenye Nguvu Zote, yeye agusaye dunia nayo ikayeyuka, na wote wakaao ndani mwake wakaomboleza: nayo nchi yote huinuka kama Naili, kisha hushuka kama mto wa Misri;
Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, iye anobata nyika igonyungudika, navose vagere mairi vagochema, nyika yose inozara seNairi, uye igoderera serwizi rweIjipiti,
6 yeye ambaye hujenga jumba lake la kifalme katika mbingu na kuisimika misingi yake juu ya dunia, yeye aitaye maji ya bahari na kuyamwaga juu ya uso wa nchi: Bwana ndilo jina lake.
iye anovaka muzinda wake kumatenga agomisa hwaro hwawo panyika, anodana mvura dzegungwa agodzidururira pamusoro penyika, Jehovha ndiro zita rake.
7 “Je, Waisraeli, ninyi si sawa kwangu kama Wakushi?” asema Bwana. “Je, sikuleta Israeli kutoka Misri, Wafilisti kutoka Kaftori, na Washamu kutoka Kiri?
“Nhai imi vaIsraeri, ko, hamusi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here, vaFiristia kubva kuKafitori navaAramu kubva kuKiri?
8 “Hakika macho ya Bwana Mwenyezi yako juu ya ufalme wenye dhambi. Nami nitauangamiza kutoka kwenye uso wa dunia: hata hivyo sitaiangamiza kabisa nyumba ya Yakobo,” asema Bwana.
“Zvirokwazvo meso aIshe Jehovha ari paumambo hunotadza. Ndichahuparadza kubva pamusoro penyika, asi handingaparadzi zvachose imba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9 “Kwa kuwa nitatoa amri, na nitaipepeta nyumba ya Israeli miongoni mwa mataifa yote, kama vile nafaka ipepetwavyo katika ungo, na hakuna hata punje moja itakayoanguka chini.
“Nokuti ndicharayira, uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose, sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero, uye hapana kana tsanga imwe chete ichawira pasi.
10 Watenda dhambi wote miongoni mwa watu wangu watauawa kwa upanga, wale wote wasemao, ‘Maafa hayatatupata wala kutukuta.’
Vatadzi vose pakati pavanhu vangu vachafa nomunondo, vose vanoti, ‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’
11 “Katika siku ile nitaisimamisha hema ya Daudi iliyoanguka. Nitakarabati mahali palipobomoka na kujenga upya magofu yake, na kuijenga kama ilivyokuwa awali,
“Pazuva iro ndichamisazve tende raDhavhidhi rakawa. Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika, ndigovakazve matongo aro, uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita,
12 ili wapate kuyamiliki mabaki ya Edomu, na mataifa yote yale yanayobeba Jina langu,” asema Bwana ambaye atafanya mambo haya.
kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu nendudzi dzose dzine zita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.
13 “Siku zinakuja,” asema Bwana, “wakati mvunaji atatanguliwa na mkulima, naye mpanzi atatanguliwa na yeye akamuaye zabibu. Divai mpya itadondoka kutoka milimani, na kutiririka kutoka vilima vyote.
“Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mucheki paachapfuurwa nomurimi, uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa. Waini itsva ichadonha kubva kumakomo, uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.
14 Nitawarejesha tena watu wangu Israeli waliohamishwa; wataijenga tena miji iliyoachwa magofu, nao wataishi ndani mwake. Watapanda mizabibu na kunywa divai yake; watalima bustani na kula matunda yake.
Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri; vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari. Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo. Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.
15 Nitaipanda Israeli katika nchi yao wenyewe, hawatangʼolewa tena kutoka nchi ambayo nimewapa,” asema Bwana Mungu wenu.
Ndichasima Israeri munyika yavo voga, havangazodzurwizve kubva panyika yandakavapa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako.

< Amosi 9 >