< 1 Wafalme 8 >

1 Kisha Mfalme Solomoni akawaita mbele zake huko Yerusalemu wazee wa Israeli, viongozi wote wa makabila na wakuu wa jamaa za Waisraeli, ili walilete Sanduku la Agano la Bwana kutoka Sayuni, Mji wa Daudi.
Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi.
2 Wanaume wote wa Israeli wakakusanyika kwa Mfalme Solomoni wakati wa sikukuu ya mwezi wa Ethanimu, ndio mwezi wa saba.
Vanhu vose veIsraeri vakaungana pana Mambo Soromoni panguva yomutambo mumwedzi waEtanimi, unova mwedzi wechinomwe.
3 Wazee wote wa Israeli walipofika, makuhani wakajitwika Sanduku la Agano,
Vakuru vose veIsraeri vakati vasvika, vaprista vakatakura areka,
4 nao wakalipandisha Sanduku la Bwana, na Hema la Kukutania pamoja na vyombo vyote vitakatifu vilivyokuwa ndani yake. Makuhani na Walawi wakavibeba,
uye vakauyisa areka yaJehovha, neTende Rokusangana nemidziyo yose yakatsaurwa yaiva mairi. Vaprista navaRevhi vakazvitakura,
5 naye Mfalme Solomoni na kusanyiko lote la Israeli waliokusanyika kumzunguka walikuwa mbele ya hilo Sanduku, nao wakatoa dhabihu nyingi za kondoo na ngʼombe ambao idadi yao haikuwezekana kuandikwa au kuhesabiwa.
uye Mambo Soromoni neungano yose yeIsraeri yakanga yaungana paari, vakanga vanaye pamberi peareka, vachibayira makwai nehando zvakawanda zvokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.
6 Makuhani wakalileta Sanduku la Agano la Bwana hadi mahali pake ndani ya sehemu takatifu ndani ya Hekalu, yaani Patakatifu pa Patakatifu, na kuliweka chini ya mabawa ya makerubi.
Ipapo vaprista vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaenda nayo kunzvimbo yayo munzvimbo tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene, vakaigadzika pasi pamapapiro amakerubhi.
7 Makerubi yalitandaza mabawa yao juu ya mahali pa Sanduku la Agano na kutia kivuli Sanduku pamoja na mipiko yake ya kubebea.
Makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa.
8 Mipiko hiyo ilikuwa mirefu sana kiasi kwamba ncha zake zilionekana kutoka Mahali Patakatifu mbele ya Patakatifu pa Patakatifu, lakini sio nje ya Mahali Patakatifu. Hiyo mipiko ipo hata leo.
Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo yaionekwa munhu ari paNzvimbo Tsvene pamberi penzvimbo tsvene yomukati, asi kwete munhu ari kunze kweNzvimbo Tsvene; uye achiripo nanhasi.
9 Ndani ya Sanduku hapakuwepo kitu kingine chochote isipokuwa zile mbao mbili za mawe ambazo Mose alikuwa ameziweka ndani yake huko Horebu, mahali ambapo Bwana alifanya Agano na Waisraeli baada ya kutoka Misri.
Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri amabwe ayo akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha paakaita sungano navaIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.
10 Makuhani walipoondoka katika Mahali Patakatifu, wingu likajaza Hekalu la Bwana.
Vaprista vakati vabuda paNzvimbo Tsvene, gore rakazadza temberi yaJehovha.
11 Nao makuhani hawakuweza kufanya huduma yao kwa sababu ya lile wingu, kwa kuwa utukufu wa Bwana ulijaza Hekalu lake.
Uye vaprista vakatadza kuita shumiro yavo nokuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi yaJehovha.
12 Ndipo Solomoni akasema, “Bwana alisema kwamba ataishi katika giza nene;
Ipapo Soromoni akati, “Jehovha ati anoda kugara mukati merima guru;
13 naam, hakika nimekujengea Hekalu zuri sana, mahali pako pa kuishi milele.”
zvirokwazvo ndakuvakirai temberi yakanakisisa, nzvimbo yamungagara nokusingaperi.”
14 Kusanyiko lote la Israeli lilipokuwa limesimama hapo, mfalme akageuka na kuwabariki.
Ungano yose yaIsraeri imire ipapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza.
15 Kisha akasema: “Ahimidiwe Bwana, Mungu wa Israeli, ambaye kwa mkono wake mwenyewe ametimiza lile alilomwahidi Daudi baba yangu kwa kinywa chake mwenyewe. Kwa kuwa alisema,
Zvino akati: “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo ashandisa ruoko rwake kuzadzisa zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi.
16 ‘Tangu siku niliyowatoa watu wangu Israeli kutoka Misri, sikuchagua mji katika kabila lolote la Israeli ili Hekalu lijengwe humo ili Jina langu lipate kuwamo humo, bali nimemchagua Daudi kuwatawala watu wangu Israeli.’
Nokuti akati, ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu Israeri kubva muIjipiti, handina kusarudza guta rorudzi rupi rweIsraeri kuti ndivake temberi, kuti Zita rangu rive ipapo, asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu Israeri.’
17 “Ilikuwa moyoni mwa Daudi baba yangu kujenga Hekalu kwa ajili ya Jina la Bwana, Mungu wa Israeli.
“Baba vangu Dhavhidhi, mumwoyo mavo vaida kuvakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi.
18 Lakini Bwana akamwambia Daudi baba yangu, ‘Kwa sababu ilikuwa moyoni mwako kujenga Hekalu kwa ajili ya Jina langu, ulifanya vyema kuwa na jambo hili moyoni mwako.
Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Nokuti zvakanga zviri mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi, wakaita zvakanaka kuva naizvozvo mumwoyo mako.
19 Hata hivyo, sio wewe utakayenijengea hekalu, bali mwanao, ambaye ni nyama yako na damu yako mwenyewe, yeye ndiye atakayejenga Hekalu kwa ajili ya Jina langu.’
Kunyange zvakadaro, iwe hausi kuzovaka temberi iyi, asi mwanakomana wako, wauchabereka ndiye achavakira Zita rangu temberi.’
20 “Bwana ametimiza ahadi aliyoiweka: Nimeingia mahali pa Daudi baba yangu na sasa ninakikalia kiti cha ufalme cha Israeli, kama vile Bwana alivyoahidi, nami nimejenga Hekalu kwa ajili ya Jina la Bwana, Mungu wa Israeli.
“Jehovha achengeta chivimbiso chaakaita: ini ndatevera panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, uye zvino ndigere pachigaro chokutonga chaIsraeri, sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndavakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi.
21 Nimetenga nafasi humo kwa ajili ya Sanduku la Agano, ambamo ndani yake kuna lile Agano la Bwana alilofanya na baba zetu wakati alipowatoa Misri.”
Imomo ndakagadzira nzvimbo yeareka, iyo ine sungano yaJehovha yaakaita namadzibaba edu paakavabudisa kubva muIjipiti.”
22 Kisha Solomoni akasimama mbele ya madhabahu ya Bwana machoni pa kusanyiko lote la Israeli, akakunjua mikono yake kuelekea mbinguni
Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri, akatambanudza maoko ake kudenga,
23 na kusema: “Ee Bwana, Mungu wa Israeli, hakuna Mungu kama wewe juu mbinguni wala chini duniani, wewe unayetunza Agano lako la upendo na watumishi wanaodumu katika njia yako kwa moyo wote.
akati, “Jehovha, Mwari weIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kumusoro kudenga kana pasi panyika, imi munochengeta sungano yorudo yavaranda venyu vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose.
24 Umetimiza ahadi yako kwa mtumishi wako Daudi baba yangu, kwa kinywa chako uliahidi na kwa mkono wako umetimiza, kama ilivyo leo.
Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; makavimbisa nomuromo wenyu uye mazvizadzisa noruoko rwenyu sezvazviri nhasi.
25 “Sasa Bwana, Mungu wa Israeli, mtimizie mtumishi wako Daudi baba yangu ahadi zako ulizomwahidi uliposema, ‘Kamwe hutakosa kuwa na mtu atakayeketi mbele zangu kwenye kiti cha ufalme cha Israeli, kama wanao wakiangalia yote wayafanyayo kuenenda mbele zangu kama vile ulivyofanya.’
“Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, zvivimbiso zvamakamuitira pamakati, ‘Pamberi pangu hapangazoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe cheIsraeri, kana vana vako vakachenjera pane zvose zvavanoita, vakafamba pamberi pangu sezvawakaita iwe.’
26 Sasa, Ee Mungu wa Israeli, acha neno lako lile ulilomwahidi mtumishi wako Daudi baba yangu litimie.
Naizvozvo zvino, haiwa Mwari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu ramakavimbisa kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu riitike.
27 “Lakini kweli, je, Mungu atafanya makao duniani? Mbingu, hata mbingu zilizo juu sana, haziwezi kukutosha wewe. Sembuse Hekalu hili nililojenga!
“Chingava chokwadi here kuti Mwari angagara panyika? Tarirai, matenga kana nokudengadenga hazvingagoni kukukwanai. Ko, kuzoti temberi iyi yandakuvakirai!
28 Hata hivyo sikiliza dua ya mtumishi wako na maombi yake kwa huruma, Ee Bwana Mungu wangu. Sikia kilio na dua ambayo mtumishi wako anaomba mbele zako siku hii ya leo.
Kunyange zvakadaro, teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake, haiwa Jehovha Mwari wangu. Inzwai kudanidzira nomunyengetero uri kuitwa nomuranda wenyu pamberi penyu nhasi.
29 Macho yako na yafumbuke kuelekea Hekalu hili usiku na mchana, mahali hapa ambapo ulisema, ‘Jina langu litakuwako humo,’ ili kwamba upate kusikia maombi ambayo mtumishi wako ataomba kuelekea mahali hapa.
Meso enyu ngaarambe akatarisa temberi iyi usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura muchiti, ‘Zita rangu richavapo,’ kuti muzonzwa munyengetero unonamatwa nomuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino.
30 Usikie maombi ya mtumishi wako na ya watu wako Israeli wakati wanapoomba kuelekea mahali hapa. Sikia kutoka mbinguni, mahali pa makao yako na usikiapo, samehe.
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera.
31 “Mtu anapomkosea jirani yake na akatakiwa kuapa, akija na kuapa mbele ya madhabahu yako ndani ya Hekalu hili,
“Kana munhu achinge atadzira muvakidzani wake, akanzi apike mhiko uye akauya akapika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino,
32 basi, sikia kutoka mbinguni na ukatende. Hukumu kati ya watumishi wako, ukimhukumu yule mwenye hatia na kuleta juu ya kichwa chake yale aliyoyatenda. Umtangazie mwenye haki kwamba hana hatia, hivyo ukathibitishe kuwa haki kwake.
ipapo inzwai muri kudenga uye muwane zvamunoita. Tongai pakati pavaranda venyu, mupe mhosva kumutadzi nokuisa pamusoro wake iye zvaanenge aita. Mururamisire akarurama nokumupa zvakafanira kururama kwake.
33 “Wakati watu wako Israeli watakapokuwa wameshindwa na adui kwa sababu ya dhambi walizofanya dhidi yako, watakapokugeukia na kulikiri jina lako, wakiomba na kufanya dua kwako katika Hekalu hili,
“Kana vanhu venyu Israeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nokuti vakutadzirai, uye vakadzokazve kwamuri, vakapupura zita renyu, vakanamata nokukumbira kwamuri mutemberi, ino,
34 basi usikie kutoka mbinguni, ukasamehe dhambi ya watu wako Israeli na kuwarudisha katika nchi uliyowapa baba zao.
ipapo inzwai muri kudenga mugoregerera chivi chavanhu venyu Israeri, uye mugovadzosera kunyika yamakapa madzibaba avo.
35 “Wakati mbingu zitakapokuwa zimefungwa kusiwe na mvua kwa sababu watu wako wametenda dhambi dhidi yako, watakapoomba kuelekea mahali hapa na kulikiri jina lako nao wakageuka kutoka dhambi zao kwa sababu umewaadhibu,
“Kana denga richinge razarirwa mvura ikasanaya nokuti vanhu venyu vakutadzirai, pavanonamata vakatarisa kunzvimbo ino, uye vakapupura zita renyu, vakatendeuka kubva kuchivi chavo nokuti mavaranga,
36 basi usikie kutoka mbinguni na usamehe dhambi ya watumishi wako, watu wako Israeli. Wafundishe njia sahihi ya kuishi na ukanyeshe mvua juu ya nchi uliyowapa watu wako kuwa urithi.
ipapo inzwai muri kudenga uye mugoregerera chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira yakanaka yavanofanira kurarama nayo, uye nayisai mvura panyika yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
37 “Wakati njaa au tauni vikija juu ya nchi, au koga au kawa, nzige au panzi, au wakati adui atakapowazingira katika mji wao wowote, maafa ya namna yoyote au ugonjwa wowote unaoweza kuwajia,
“Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana muhuvhe, mhashu, kana ndongwe kana muvengi wavo akavakomba mune ripi zvaro ramaguta avo, zvisinei kuti inyatwa ipi kana kuti idenda ripi rauya,
38 wakati dua au maombi yatakapofanywa na mmojawapo wa watu wako Israeli, kila mmoja akitambua taabu za moyo wake mwenyewe, naye akainyoosha mikono yake kuelekea Hekalu hili:
uye, kana munyengetero kana chikumbiro chaitwa naani zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achiziva zvinomutambudza mumwoyo make, akatambanudzira maoko ake kutemberi ino,
39 basi usikie kutoka mbinguni, katika makao yako. Usamehe na utende, umpe kila mtu kulingana na matendo yake, kwa kuwa unaujua moyo wake (kwa kuwa ni wewe peke yako ujuaye mioyo ya watu wote),
ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara. Regererai mugowana zvamunoita; mugoitira mumwe nomumwe maererano nazvose zvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi chete ndimi munoziva zviri mumwoyo momunhu wose),
40 ili wakuogope kwa wakati wote watakaoishi katika nchi uliyowapa baba zetu.
kuti vakutyei mazuva ose avanorarama panyika yamakapa madzibaba edu.
41 “Kwa habari ya mgeni ambaye si miongoni mwa watu wako Israeli, lakini amekuja kutoka nchi ya mbali kwa sababu ya jina lako,
“Zvino kana ari mutorwa, asiri wavanhu venyu Israeri asi anouya achibva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu,
42 kwa maana watu watasikia juu ya Jina lako kuu na juu ya mkono wako wenye nguvu na mkono wako ulionyooshwa, atakapokuja na kuomba kuelekea Hekalu hili,
nokuti vanhu vachanzwa nezvezita renyu guru, ruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, paanouya akanyengetera akatarisa kutemberi ino,
43 basi na usikie kutoka mbinguni, mahali pa makao yako, ukafanye lolote ambalo mgeni huyo anakuomba, ili mataifa yote ya dunia wapate kujua jina lako na wakuogope kama wafanyavyo watu wako Israeli nao wapate pia kujua kwamba nyumba hii niliyoijenga imeitwa kwa Jina lako.
ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara, uye mugoita chinhu chipi nechipi chinokumbirwa kwamuri nomutorwa uyu, kuti marudzi ose enyika azive zita renyu uye agokutyai, sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.
44 “Wakati watu wako watakapokwenda vitani dhidi ya adui zao, popote utakapowapeleka, wakati watakapoomba kwa Bwana kuelekea mji ambao umeuchagua, na Hekalu nililolijenga kwa ajili ya Jina lako,
“Kana vanhu venyu vakaenda kundorwa navavengi vavo, kwose kwamunovatuma, uye pavanonyengetera kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu,
45 basi usikie dua na maombi yao kutoka mbinguni, ukawatetee haki yao.
ipapo muri kudenga, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira.
46 “Watakapotenda dhambi dhidi yako, kwa kuwa hakuna mtu yeyote ambaye hatendi dhambi, nawe ukachukizwa nao na kuwakabidhi kwa adui, ambaye atawachukua utumwani katika nchi yake mwenyewe, mbali au karibu;
“Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, imi mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko omuvengi, uye akavaita nhapwa munyika yake, kure kana pedyo;
47 na kama watabadilika mioyo yao katika nchi wanakoshikiliwa mateka, nao wakatubu na kukulilia katika nchi ya wale waliowashinda na kusema, ‘Tumetenda dhambi, tumefanya makosa, tumetenda uovu’;
uye kana vakapinduka pamwoyo munyika umo mavari nhapwa, uye vakatendeuka nokudemba kwamuri munyika yavatapi vavo, vakati, ‘Takaita, zvakaipa zvisakarurama;’
48 kama wakikugeukia kwa moyo wao wote na nafsi zao katika nchi ya adui zao ambao waliwachukua mateka, wakakuomba kuelekea nchi uliyowapa baba zao, kuelekea mji uliouchagua na Hekalu nililolijenga kwa ajili ya Jina lako;
uye kana vakadzokera kwamuri nomwoyo nomweya wavo wose munyika yavavengi vavo avo vakavatapa vakanyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu;
49 basi kutoka mbinguni, mahali pa makao yako, usikie dua yao na maombi yao na kuitetea haki yao.
ipapo, muri kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira.
50 Uwasamehe watu wako, waliotenda dhambi dhidi yako; uwasamehe makosa yote waliyoyatenda dhidi yako, ukawafanye wale waliowashinda kuwaonea huruma;
Muregerere vanhu venyu, vakakutadzirai; muvaregerere pamhosva dzose dzavakapara kwamuri, mugoita kuti vakavatapa vavanzwire tsitsi;
51 kwa maana ni watu wako na urithi wako, uliowatoa Misri, kutoka kwenye lile tanuru la kuyeyushia chuma.
nokuti vanhu venyu nenhaka yenyu vamakabudisa kubva muIjipiti, vira romoto.
52 “Macho yako na yafumbuke juu ya ombi la mtumishi wako na ombi la watu wako Israeli, nawe uwasikilize wakati wowote wanapokulilia.
“Meso enyu ngaaone chikumbiro chomuranda wenyu nechikumbiro chavanhu venyu Israeri, uye muteerere kwavari nguva dzose pavanochema kwamuri.
53 Kwa maana uliwachagua wao kutoka mataifa yote ya ulimwengu kuwa urithi wako mwenyewe, kama ulivyotangaza kupitia mtumishi wako Mose wakati wewe, Ee Bwana Mwenyezi, ulipowatoa baba zetu kutoka Misri.”
Nokuti makavasarudza pamarudzi ose enyika kuti vave nhaka yenyu, sezvamakataura nokumuranda wenyu Mozisi, imi Jehovha Mwari, pamakabudisa madzibaba edu kubva muIjipiti.”
54 Wakati Solomoni alipomaliza dua hizi zote na maombi kwa Bwana, akainuka kutoka mbele ya madhabahu ya Bwana, mahali alipokuwa amepiga magoti, mikono yake ikawa imekunjuliwa kuelekea juu mbinguni.
Zvino Soromoni akati apedza munyengetero uyu wose nokukumbira uku kuna Jehovha, akasimuka achibva pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga.
55 Akasimama na kubariki kusanyiko lote la Israeli kwa sauti kubwa akisema:
Akamira akaropafadza ungano yose yeIsraeri nenzwi guru akati:
56 “Ahimidiwe Bwana, aliyewapa pumziko watu wake Israeli kama vile alivyokuwa ameahidi. Hakuna hata neno moja lililopunguka kati ya ahadi zote nzuri alizozitoa kupitia mtumishi wake Mose.
“Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa zororo kuvanhu vake Israeri sezvaakavimbisa chaizvoizvo. Hapana kana shoko rimwe chete risina kuitika pazvivimbiso zvose zvakanaka zvaakapa nokumuranda wake Mozisi.
57 Bwana Mungu wetu na awe pamoja nasi kama alivyokuwa na baba zetu, kamwe asituache wala kutukataa.
Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa.
58 Yeye na aielekeze mioyo yetu kwake, ili tutembee katika njia zake zote na kuzishika amri na maagizo na masharti aliyowapa baba zetu.
Ngaaite kuti mwoyo yedu yose ive yake, kuti tifambe munzira dzake dzose tichichengeta mirayiro, mitemo nezvaakareva izvo zvaakapa madzibaba edu.
59 Nami maneno yangu haya, ambayo nimeyaomba mbele za Bwana, yawe karibu na Bwana Mungu wetu usiku na mchana, ili kwamba atetee shauri la mtumishi wake na la watu wake Israeli kulingana na hitaji lao la kila siku,
Zvino mashoko angu aya, andanyengetera pamberi paJehovha, ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti asimudzire zvinorwirwa nomuranda wake nezvinorwirwa navanhu vake Israeri nezvinenge zvichidiwa zuva nezuva,
60 ili kwamba mataifa yote ya dunia wajue kwamba Bwana ndiye Mungu na kwamba hakuna mwingine.
kuti vanhu vose vapanyika vazive kuti Jehovha ndiMwari, uye kuti hakuna mumwe.
61 Lakini ni lazima mwiweke mioyo yenu kikamilifu kwa Bwana Mungu wetu, kuishi kwa maagizo yake na kutii amri zake, kama ilivyo wakati huu.”
Asi mwoyo yenyu inofanira kuva yakapiwa zvachose kuna Jehovha Mwari wedu, kuti murarame nemitemo yake uye muteerere mirayiro yake sezvamuri kuita iye zvino.”
62 Kisha mfalme na Israeli wote pamoja naye wakatoa dhabihu mbele za Bwana.
Zvino mambo navaIsraeri vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
63 Solomoni akatoa dhabihu sadaka za amani kwa Bwana: ngʼombe 22,000, pamoja na kondoo na mbuzi 120,000. Hivyo ndivyo mfalme na Waisraeli wote walivyoweka wakfu Hekalu la Bwana.
Soromoni akabayira chibayiro chezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha; zviuru makumi maviri nezviviri zvemombe nezviuru zana namakumi maviri zvamakwai nembudzi. Saizvozvo mambo navaIsraeri vose vakakumikidza temberi yaJehovha.
64 Siku iyo hiyo mfalme akaweka wakfu sehemu ya katikati ya ua uliokuwa mbele ya Hekalu la Bwana na hapo akatoa sadaka za kuteketezwa, sadaka za nafaka na mafuta ya sadaka za amani, kwa sababu madhabahu ya shaba iliyokuwa mbele za Bwana ilikuwa ndogo sana kuweza kubeba sadaka hizo za kuteketezwa, sadaka za nafaka na mafuta ya sadaka ya amani.
Musi iwoyo mambo akakumikidza chikamu chapakati chechivanze chaiva pamberi petemberi yaJehovha, uye ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, namafuta ezvipiriso zvokuwadzana nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yakanga yakanyanya kuita duku kuti ikwane zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, namafuta ezvipiriso zvokuwadzana.
65 Hivyo Solomoni akaiadhimisha sikukuu kwa wakati ule, na Israeli wote pamoja naye. Walikuwa kusanyiko kubwa sana, watu kutoka Lebo-Hamathi hadi Kijito cha Misri. Wakaiadhimisha mbele za Bwana Mungu wetu kwa siku saba na siku saba zaidi, yaani, jumla siku kumi na nne.
Saka Soromoni akaita mutambo uyu panguva iyoyo, neIsraeri yose pamwe chete naye, ungano huru kwazvo, vanhu vachibva kuRebho Hamati vachisvika kuWadhi yeIjipiti. Vakaupemberera pamberi paJehovha Mwari wedu kwamazuva manomwe namamwe manomwe pamusoro, mazuva gumi namana pamwe chete.
66 Siku iliyofuata, aliwaruhusu watu waondoke. Wakambariki mfalme, kisha wakaenda nyumbani, wakiwa na mashangilio na furaha rohoni kwa ajili ya mambo yote mema ambayo Bwana ametenda kwa ajili ya Daudi mtumishi wake na watu wake Israeli.
Pazuva rakatevera akaita kuti vanhu vaende. Vanhu vakaropafadza mambo vakaenda kumisha yavo vane rufaro mumwoyo mavo nokuda kwezvinhu zvakanaka zvose Jehovha zvaakanga aitira muranda wake Dhavhidhi navanhu vake Israeri.

< 1 Wafalme 8 >