< 1 Nyakati 23 >

1 Daudi alipokuwa mzee aliyeshiba siku, akamfanya Solomoni mwanawe kuwa mfalme juu ya Israeli.
Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita kuti mwanakomana wake Soromoni ave mambo pamusoro peIsraeri.
2 Pia akawakusanya pamoja viongozi wote wa Israeli, pamoja na makuhani na Walawi.
Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi.
3 Walawi waliokuwa na umri wa miaka thelathini au zaidi walihesabiwa, nayo hesabu ya wanaume ilikuwa 38,000.
VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere.
4 Daudi akasema, “Miongoni mwa hawa, 24,000 watasimamia kazi ya Hekalu la Bwana na 6,000 watakuwa maafisa na waamuzi,
Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi.
5 na 4,000 watakuwa mabawabu, na wengine 4,000 watamsifu Bwana kwa ala za uimbaji nilizotoa kwa ajili ya kusudi hilo.”
Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”
6 Daudi akawagawa Walawi katika makundi kufuatana na wana wa Lawi: Gershoni, Kohathi na Merari.
Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.
7 Wana wa Wagershoni walikuwa wawili: Ladani na Shimei.
VokwaGerishoni vaiva: Radhani naShimei.
8 Wana wa Ladani walikuwa watatu: Yehieli wa kwanza, Zethamu na Yoeli.
Vanakomana vaRadhani vaiva: Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete.
9 Wana wa Shimei walikuwa watatu: Shelomothi, Hazieli na Harani. Hawa watatu walikuwa viongozi wa jamaa za Ladani.
Vanakomana vaShimei vaiva: Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani.
10 Nao wana wa Shimei walikuwa wanne: Yahathi, Zina, Yeushi na Beria.
Uye vanakomana vaShimei vaiva: Jahati, Ziza, Jeushi naBheria. Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.
11 Yahathi alikuwa wa kwanza na Ziza wa pili, lakini Yeushi na Beria hawakuwa na wana wengi; kwa hiyo walihesabiwa kama jamaa moja, wakapewa wajibu kwa pamoja.
(Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.)
12 Wana wa Kohathi walikuwa wanne: Amramu, Ishari, Hebroni na Uzieli.
Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.
13 Wana wa Amramu walikuwa: Aroni na Mose. Aroni waliwekwa wakfu, yeye na wazao wake milele, wawe wakiweka wakfu vitu ambavyo ni vitakatifu mno, kutoa dhabihu mbele za Bwana, kuhudumu mbele zake na kutamka baraka katika Jina la Bwana milele.
Vanakomana vaAmiramu vaiva: Aroni naMozisi. Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene-tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.
14 Wana wa Mose mtu wa Mungu walihesabiwa kama sehemu ya kabila la Lawi.
Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.
15 Wana wa Mose walikuwa: Gershomu na Eliezeri.
Vanakomana vaMozisi vaiva: Gerishomi naEriezeri.
16 Wazao wa Gershomu: Shebueli alikuwa wa kwanza.
Zvizvarwa zvaGerishomi: Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.
17 Wazao wa Eliezeri: Rehabia alikuwa wa kwanza. Eliezeri alikuwa na mwana mmoja tu, lakini wana wa Rehabia walikuwa wengi sana.
Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva: Rehabhia ndiye aiva wokutanga. (Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rehabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.)
18 Wana wa Ishari: Shelomithi alikuwa wa kwanza.
Vanakomana vaIzhari: Sheromiti ndiye aiva wokutanga.
19 Wana wa Hebroni walikuwa: Yeria alikuwa wa kwanza, wa pili Amaria, wa tatu Yahazieli, na wa nne Yekameamu.
Vanakomana vaHebhuroni: Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.
20 Wana wa Uzieli walikuwa: Mika wa kwanza na Ishia wa pili.
Vanakomana vaUzieri: Mika wokutanga naIshia wechipiri.
21 Wana wa Merari walikuwa: Mahli na Mushi. Wana wa Mahli walikuwa: Eleazari na Kishi.
Vanakomana vaMerari, vaiva: Mari naMushi. Vanakomana vaMari vaiva: Ereazari naKishi.
22 Eleazari akafa bila ya kuwa na wana: alikuwa na binti tu. Binamu zao, wana wa Kishi, wakawaoa.
(Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.)
23 Wana wa Mushi: Mahli, Ederi na Yeremothi; wote walikuwa watatu.
Vanakomana vaMushi vaiva: Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.
24 Hawa walikuwa wazao wa Lawi kwa jamaa zao. Wakuu wa jamaa kama walivyoandikwa kwa majina yao na kuhesabiwa kila mmoja, yaani, wenye uwezo wa kufanya kazi kuanzia miaka ishirini au zaidi, waliohudumu katika Hekalu la Bwana.
Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha.
25 Kwa maana Daudi alikuwa amesema, “Kwa vile Bwana, Mungu wa Israeli amewapa watu wake raha na amekuja kuishi Yerusalemu milele,
Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi,
26 Walawi hawahitaji tena kubeba Maskani wala chombo chochote cha utumishi wake.”
vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.”
27 Kulingana na maagizo ya mwisho ya Daudi, Walawi waliohesabiwa ni wale wa kuanzia umri wa miaka ishirini au zaidi.
Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri kana anopfuura ipapo.
28 Wajibu wa Walawi ulikuwa kuwasaidia wazao wa Aroni kuhudumu katika Hekalu la Bwana: Kuwa wasimamizi wa nyua, vyumba vya pembeni, kutakasa vyombo vitakatifu na utendaji mwingine wowote katika nyumba ya Mungu.
Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari.
29 Walikuwa wasimamizi wa mikate iliyowekwa mezani, unga kwa ajili ya sadaka za nafaka, mikate isiyotiwa chachu, uokaji na uchanganyaji, pamoja na vipimo vyote vya wingi na ukubwa.
Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru.
30 Pia ulikuwa wajibu wao kila asubuhi kumshukuru na kumsifu Bwana. Iliwapasa pia kufanya hivyo jioni
Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda uye vachirumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru
31 na wakati wowote sadaka za kuteketezwa zilipotolewa kwa Bwana siku za Sabato na kwenye sikukuu za Mwezi Mwandamo na katika sikukuu nyingine zilizoamriwa. Iliwapasa kuhudumu mbele za Bwana mara kwa mara kwa idadi maalum na kwa namna waliyokuwa wamepewa maelekezo.
uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarayirwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.
32 Hivyo Walawi wakafanya wajibu wao katika Hema la Kukutania, katika Mahali Patakatifu chini ya uongozi wa ndugu zao wazao wa Aroni, kwa ajili ya utumishi katika Hekalu la Bwana.
Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha.

< 1 Nyakati 23 >