< Salmos 23 >

1 Salmo de David. JEHOVÁ es mi pastor; nada me faltará.
Pisarema raDhavhidhi. Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
2 En lugares de delicados pastos me hará yacer: junto á aguas de reposo me pastoreará.
Anondivatisa pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza,
3 Confortará mi alma; guiaráme por sendas de justicia por amor de su nombre.
anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.
4 Aunque ande en valle de sombra de muerte, no temeré mal alguno; porque tú estarás conmigo: tu vara y tu cayado me infundirán aliento.
Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
5 Aderezarás mesa delante de mí, en presencia de mis angustiadores: ungiste mi cabeza con aceite: mi copa está rebosando.
Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira.
6 Ciertamente el bien y la misericordia me seguirán todos los días de mi vida: y en la casa de Jehová moraré por largos días.
Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.

< Salmos 23 >