< Job 23 >

1 Y RESPONDIÓ Job, y dijo:
Ipapo Jobho akapindura akati:
2 Hoy también hablaré con amargura; que es más grave mi llaga que mi gemido.
“Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.
3 ¡Quién me diera el saber dónde hallar á Dios! yo iría hasta su silla.
Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!
4 Ordenaría juicio delante de él, y henchiría mi boca de argumentos.
Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo.
5 Yo sabría lo que él me respondería, y entendería lo que me dijese.
Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.
6 ¿Pleitearía conmigo con grandeza de fuerza? No: antes él la pondría en mí.
Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka.
7 Allí el justo razonaría con él: y escaparía para siempre de mi juez.
Ipapo munhu akarurama aigona kuzotaura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.
8 He aquí yo iré al oriente, y no lo [hallaré]; y al occidente, y no lo percibiré:
“Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.
9 Si al norte él obrare, yo no lo veré; al mediodía se esconderá, y no lo veré.
Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.
10 Mas él conoció mi camino: probaráme, y saldré como oro.
Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo; kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe.
11 Mis pies tomaron su rastro; guardé su camino, y no me aparté.
Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.
12 Del mandamiento de sus labios nunca me separé; guardé las palabras de su boca más que mi comida.
Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.
13 Empero si él [se determina] en una cosa, ¿quién lo apartará? Su alma deseó, é hizo.
“Asi iye anomira oga, uye ndiani angapikisana naye? Anoita zvaanoda.
14 El pues acabará lo que ha determinado de mí: y muchas cosas como estas hay en él.
Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.
15 Por lo cual yo me espanto en su presencia: consideraré, y temerélo.
Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.
16 Dios ha enervado mi corazón, y hame turbado el Omnipotente.
Mwari akaita kuti mwoyo wangu unete; Wamasimba Ose akandivhundutsa.
17 ¿Por qué no fuí yo cortado delante de las tinieblas, y cubrió con oscuridad mi rostro?
Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, iro rima guru rinofukidza chiso changu.

< Job 23 >