< Hechos 23 >
1 ENTONCES Pablo, poniendo los ojos en el concilio, dice: Varones hermanos, yo con toda buena conciencia he conversado delante de Dios hasta el día de hoy.
Pauro akatarisisa kuDare Guru ravaJudha akati kwavari, “Hama dzangu, ini ndakaita basa rangu kuna Mwari nehana yakanaka kusvikira zuva ranhasi.”
2 El príncipe de los sacerdotes, Ananías, mandó entonces á los que estaban delante de él, que le hiriesen en la boca.
Ipapo muprista mukuru ainzi Ananiasi akarayira vaya vakanga vamire pedyo naye kuti vamurove pamuromo.
3 Entonces Pablo le dijo: Herirte ha Dios, pared blanqueada: ¿y estás tú sentado para juzgarme conforme á la ley, y contra la ley me mandas herir?
Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro chakacheneswa nependi! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako unodarika murayiro nokurayira kuti ndirohwe!”
4 Y los que estaban presentes dijeron: ¿Al sumo sacerdote de Dios maldices?
Vaya vakanga vamire pedyo naPauro vakati, “Iwe uri kutotuka muprista mukuru waMwari nhai?”
5 Y Pablo dijo: No sabía, hermanos, que era el sumo sacerdote; pues escrito está: Al príncipe de tu pueblo no maldecirás.
Pauro akapindura akati, “Hama dzangu, ndanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’”
6 Entonces Pablo, sabiendo que la una parte era de Saduceos, y la otra de Fariseos, clamó en el concilio: Varones hermanos, yo soy Fariseo, hijo de Fariseo: de la esperanza y de la resurrección de los muertos soy yo juzgado.
Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.”
7 Y como hubo dicho esto, fué hecha disensión entre los Fariseos y los Saduceos; y la multitud fué dividida.
Akati ataura izvozvo, nharo dzakamuka pakati pavaFarisi navaSadhusi, nokudaro ungano yakapesana.
8 Porque los Saduceos dicen que no hay resurrección, ni ángel, ni espíritu; mas los Fariseos confiesan ambas cosas.
VaSadhusi vanoti hakuna kumuka kwavakafa, uye kuti hakuna mutumwa kana mweya, asi vaFarisi vanotenda izvozvo zvose.
9 Y levantóse un gran clamor: y levantándose los escribas de la parte de los Fariseos, contendían diciendo: Ningún mal hallamos en este hombre; que si espíritu le ha hablado, ó ángel, no resistamos á Dios.
Pakava nebope guru, uye vamwe vadzidzisi vomurayiro vainge vari vaFarisi vakasimuka vakaita nharo zvikuru. Vakati, “Hatina chakaipa chatinoona pamunhu uyu. Ko, kana ari mweya kana mutumwa akataura kwaari?”
10 Y habiendo grande disensión, el tribuno, teniendo temor de que Pablo fuese despedazado de ellos, mandó venir soldados, y arrebatarle de en medio de ellos, y llevarle á la fortaleza.
Kupesana kwakava nemhirizhonga zvokuti mukuru wamauto akatya kuti Pauro angangobvamburwa-bvamburwa navo. Akarayira varwi kuti vaburuke vandomutora vamubvise kwavari nechisimba vagomuendesa kudzimba dzavarwi.
11 Y la noche siguiente, presentándosele el Señor, le dijo: Confía, Pablo; que como has testificado de mí en Jerusalem, así es menester testifiques también en Roma.
Usiku hwakatevera, Ishe akamira pedyo naPauro akati kwaari, “Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma.”
12 Y venido el día, algunos de los Judíos se juntaron, é hicieron voto bajo de maldición, diciendo que ni comerían ni beberían hasta que hubiesen muerto á Pablo.
Fume mangwana, vaJudha vakaita rangano vakazvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.
13 Y eran más de cuarenta los que habían hecho esta conjuración;
Varume vaipfuura makumi mana ndivo vakaita rangano iyi.
14 Los cuales se fueron á los príncipes de los sacerdotes y á los ancianos, y dijeron: Nosotros hemos hecho voto debajo de maldición, que no hemos de gustar nada hasta que hayamos muerto á Pablo.
Vakaenda kuvaprista vakuru navakuru vakati, “Isu tazvisunga nemhiko kuti tirege kudya kana chinhu kusvikira tauraya Pauro.
15 Ahora pues, vosotros, con el concilio, requerid al tribuno que le saque mañana á vosotros como que queréis entender de él alguna cosa más cierta; y nosotros, antes que él llegue, estaremos aparejados para matarle.
Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.”
16 Entonces un hijo de la hermana de Pablo, oyendo las asechanzas, fué, y entró en la fortaleza, y dió aviso á Pablo.
Asi, mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro.
17 Y Pablo, llamando á uno de los centuriones, dice: Lleva á este mancebo al tribuno, porque tiene cierto aviso que darle.
Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.”
18 El entonces tomándole, le llevó al tribuno, y dijo: El preso Pablo, llamándome, me rogó que trajese á ti este mancebo, que tiene algo que hablarte.
Saka akaenda naye kumukuru wavarwi. Mukuru wezana akati, “Pauro, musungwa uya, andidaidza akandikumbira kuti ndiuye nejaya iri, kwamuri nokuti rine zvarinoda kukuudzai.”
19 Y el tribuno, tomándole de la mano y retirándose aparte, le preguntó: ¿Qué es lo que tienes que decirme?
Mukuru wavarwi akabata ruoko rwejaya, akaenda naye padivi akamubvunza akati, “Chii chauri kuda kundiudza?”
20 Y él dijo: Los Judíos han concertado rogarte que mañana saques á Pablo al concilio, como que han de inquirir de él alguna cosa más cierta.
Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukukumbirai kuti muuyise Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha mangwana vachiita sevanoda kunyatsobvunzisisa pamusoro pake.
21 Mas tú no los creas; porque más de cuarenta hombres de ellos le acechan, los cuales han hecho voto debajo de maldición, de no comer ni beber hasta que le hayan muerto; y ahora están apercibidos esperando tu promesa.
Musavanzwa, nokuti pane vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.”
22 Entonces el tribuno despidió al mancebo, mandándole que á nadie dijese que le había dado aviso de esto.
Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.”
23 Y llamados dos centuriones, mandó que apercibiesen para la hora tercia de la noche doscientos soldados, que fuesen hasta Cesarea, y setenta de á caballo, y doscientos lanceros;
Ipapo akadana vakuru vezana vaviri akavarayira achiti, “Gadzirirai mazana maviri avarwi, navanotasva mabhiza makumi manomwe uye mazana maviri avarume vane mapfumo kuti vaende kuKesaria nenguva dzepfumbamwe manheru.
24 Y que aparejasen cabalgaduras en que poniendo á Pablo, le llevasen en salvo á Félix el Presidente.
Mutsvakirewo Pauro bhiza rokutasva kuitira kuti andosvika zvakanaka kuMubati Ferikisi.”
25 Y escribió una carta en estos términos:
Akanyora tsamba yaiti:
26 Claudio Lisias al excelentísimo gobernador Félix: Salud.
Kiraudhiyo Risiasi, kuna Changamire, Mubati Ferikisi: Kwaziwai.
27 A este hombre, aprehendido de los Judíos, y que iban ellos á matar, libré yo acudiendo con la tropa, habiendo entendido que era Romano.
Murume uyu akabatwa navaJudha uye vakanga voda kumuuraya, asi ini ndakabva ndasvika navarwi vangu ndikamununura, nokuti ndakanga ndanzwa kuti muRoma.
28 Y queriendo saber la causa por qué le acusaban, le llevé al concilio de ellos:
Ndakada kuziva kuti sei vakanga vachimupomera mhosva, saka ndikamuendesa kuDare ravo Guru.
29 Y hallé que le acusaban de cuestiones de la ley de ellos, y que ningún crimen tenía digno de muerte ó de prisión.
Ndakaona kuti aipomerwa mhosva pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi pakanga pasina mhosva ingafanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.
30 Mas siéndome dado aviso de asechanzas que le habían aparejado los Judíos, luego al punto le he enviado á ti, intimando también á los acusadores que traten delante de ti lo que [tienen] contra él. Pásalo bien.
Pandakanyeverwa pamusoro perangano yaakanga arongerwa, ndakabva ndamutumira kwamuri pakarepo. Ndakazivisawo vapomeri vake kuti vazosvitsa kwamuri mhosva yavanomupomera.
31 Y los soldados, tomando á Pablo como les era mandado, lleváronle de noche á Antipatris.
Saka varwi vakaita sezvavakanga varayirwa, vakatora Pauro vakaenda naye usiku vakandosvika naye kuAndipatirisi.
32 Y al día siguiente, dejando á los de á caballo que fuesen con él, se volvieron á la fortaleza.
Zuva rakatevera, vakarega vamabhiza vachienda naye, ivo vachibva vadzokera kudzimba dzavarwi.
33 Y como llegaron á Cesarea, y dieron la carta al gobernador, presentaron también á Pablo delante de él.
Vatasvi vamabhiza vakati vasvika kuKesaria, vakapa tsamba kumubati ndokubva vaisa Pauro mumaoko ake.
34 Y el gobernador, leída la carta, preguntó de qué provincia era; y entendiendo que de Cilicia,
Mubati akaverenga tsamba akamubvunza kuti akanga achibva kudunhu ripi. Akati aziva kuti akanga achibva kuSirisia,
35 Te oiré, dijo, cuando vinieren tus acusadores. Y mandó que le guardasen en el pretorio de Herodes.
akati kwaari, “Ndichazonzwa nyaya yako kana vanokupomera vasvika.” Ipapo akarayira kuti Pauro achengetwe navarindi vomumuzinda waHerodhi.