< Juan 9 >

1 Cuando pasaba, [Jesús] vio a un hombre ciego de nacimiento.
Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa.
2 Sus discípulos le preguntaron: Maestro, ¿quién pecó, éste o sus padres, para que naciera ciego?
Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu?
3 Jesús respondió: No pecó éste ni sus padres, sino [está ciego] para que las obras de Dios se manifiesten en él.
Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
4 Mientras es día nos es necesario realizar las obras del que me envió. Viene [la] noche cuando nadie puede trabajar.
Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.
5 Mientras [Yo] esté en el mundo, soy [la] Luz del mundo.
Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.
6 Después de decir esto escupió en la tierra, hizo barro con la saliva, untó el barro sobre los ojos [del ciego]
Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu,
7 y le dijo: Vé, lávate en el estanque de Siloé, que significa enviado. [El ciego] fue, se lavó y cuando regresó veía.
akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona.
8 Los vecinos y los que antes veían que era un mendigo, decían: ¿No es éste el que se sentaba y mendigaba?
Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haasi iye uyu waigara achipemha here?
9 Otros decían: Éste es. Y otros: No, pero se le parece. Él decía: Soy yo.
Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini.
10 Entonces le preguntaron: ¿Cómo te fueron abiertos los ojos?
Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei?
11 Él respondió: El hombre que se llama Jesús hizo barro, me untó los ojos y me dijo: Vé al Siloé y lávate. Por tanto fui, me lavé y vi.
Akapindura izvo akati: Munhu anonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami unoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve.
12 Le preguntaron: ¿Dónde está Él? Contestó: No sé.
Naizvozvo vakati kwaari: Iye aripi? Akati: Handizivi.
13 Entonces llevaron al que había sido ciego ante los fariseos,
Vakamuisa kuVaFarisi, iye waimbova bofu.
14 porque el día cuando Jesús hizo barro y le abrió los ojos era sábado.
Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake.
15 Otra vez los fariseos le preguntaron como vio. Y él les respondió: Me puso barro sobre los ojos, me lavé y veo.
Naizvozvo zvekare VaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndava kuona.
16 Entonces algunos de los fariseos decían: Este hombre no es de Dios, porque no guarda el sábado. Otros preguntaban: ¿Cómo puede un hombre pecador hacer señales como éstas? Y había división entre ellos.
Naizvozvo vamwe veVaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu ari mutadzi angaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo.
17 Volvieron a preguntar al que había sido ciego: ¿Tú qué dices del que te abrió los ojos? Él respondió: Que es profeta.
Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
18 Pero los judíos no creyeron que él había sido ciego y que vio. Por tanto llamaron a los padres del que vio
Zvino VaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve,
19 y les preguntaron: ¿Éste es su hijo de quien ustedes dicen que nació ciego? ¿Cómo ve ahora?
zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Naizvozvo ikozvino woona sei?
20 Entonces sus padres respondieron: Sabemos que éste es nuestro hijo y que nació ciego.
Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;
21 Pero cómo ve ahora, no lo sabemos. Quién le abrió los ojos, no lo sabemos. Pregúntenle, tiene edad. Él hablará por él mismo.
asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake achazvitaurira.
22 Sus padres dijeron esto porque temían a los judíos, pues estos ya habían acordado que si alguno lo confesaba como el Cristo, fuera expulsado de la congregación.
Vabereki vake vakareva izvi, nokuti vaitya VaJudha; nokuti VaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani anobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
23 Por esto sus padres dijeron: Tiene edad, pregúntenle.
Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.
24 Llamaron por segunda vez al hombre que había sido ciego, y le dijeron: ¡Da gloria a Dios! Nosotros sabemos que este hombre es pecador.
Naizvozvo vakadana rwechipiri uyo munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
25 Entonces él respondió: Si es pecador, no lo sé. Una cosa sé: Que yo era ciego y ahora veo.
Naizvozvo iye akapindura achiti: Kana ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona.
26 Insistieron: ¿Qué te hizo? ¿Cómo te abrió los ojos?
Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?
27 Les respondió: Ya les dije y no escucharon. ¿Por qué quieren oír otra vez? ¿También ustedes quieren ser sus discípulos?
Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi?
28 Lo insultaron: ¡Tú eres discípulo de Él, pero nosotros somos discípulos de Moisés!
Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.
29 Nosotros sabemos que Dios [le] habló a Moisés, pero no sabemos de dónde es Éste.
Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva.
30 El hombre respondió: Lo asombroso es que ustedes no sepan de dónde es, y a mí me abrió los ojos.
Munhu akapindura akati kwavari: Nokuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu.
31 Sabemos que Dios no oye a pecadores, pero sí oye a quien es temeroso de Él y hace su voluntad.
Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu anomunzwa.
32 Jamás se oyó que alguien abrió los ojos de uno que nació ciego. (aiōn g165)
Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu. (aiōn g165)
33 Si Éste no viniera de Dios, nada podría hacer.
Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haasaigona kuita chinhu.
34 [Ellos] respondieron: Tú naciste completamente en pecados, ¿y nos enseñas? Y lo expulsaron de la congregación.
Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachese wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.
35 Jesús oyó que lo expulsaron, y cuando lo halló le preguntó: ¿Crees tú en el Hijo del Hombre?
Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?
36 Él respondió: ¿Quién es, Señor, para que crea en Él?
Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari?
37 Jesús le contestó: No solo lo viste. Es el que habla contigo.
Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye anotaura newe, ndiye.
38 Y él dijo: Creo, Señor. Y lo adoró.
Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.
39 Jesús dijo: Yo vine a este mundo para juicio, a fin de que los que no ven, vean, y los que ven, sean cegados.
Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu.
40 [Algunos] fariseos que estaban con Él oyeron esto y le preguntaron: ¿Nosotros también somos ciegos?
Uye avo veVaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here?
41 Jesús les respondió: Si fueran ciegos, no tendrían pecado. Pero ahora [porque] dicen que ven, su pecado permanece.
Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinogara.

< Juan 9 >