< 3 Juan 1 >

1 El anciano a Gayo el amado, a quien amo en la verdad.
Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.
2 Amados, ruego que prosperéis en todo y que tengáis salud, así como prospera vuestra alma.
Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira.
3 Porque me alegré mucho cuando vinieron los hermanos y dieron testimonio de tu verdad, así como tú andas en la verdad.
Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.
4 No tengo mayor alegría que ésta: oír que mis hijos andan en la verdad.
Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.
5 Amado, haces una obra fiel en todo lo que realizas en favor de los que son hermanos y extraños.
Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni,
6 Ellos han dado testimonio de tu amor ante la asamblea. Haréis bien en enviarlos a su viaje de manera digna de Dios,
vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.
7 porque por causa del Nombre salieron, sin tomar nada de los gentiles.
Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.
8 Nosotros, pues, debemos recibir a los tales, para que seamos colaboradores de la verdad.
Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.
9 Yo escribí a la asamblea, pero Diótrefes, que ama ser el primero entre ellos, no acepta lo que decimos.
Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.
10 Por eso, si vengo, llamaré la atención sobre sus actos, que realiza acusándonos injustamente con palabras inicuas. No contento con esto, él mismo no recibe a los hermanos, y a los que lo harían, se lo prohíbe y los echa de la asamblea.
Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.
11 Amado, no imites lo que es malo, sino lo que es bueno. El que hace el bien es de Dios. El que hace el mal no ha visto a Dios.
Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
12 Demetrio tiene el testimonio de todos y de la verdad misma; sí, nosotros también damos testimonio, y vosotros sabéis que nuestro testimonio es verdadero.
Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.
13 Tenía muchas cosas que escribirte, pero no quiero hacerlo con tinta y pluma;
Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14 pero espero verte pronto. Entonces hablaremos cara a cara. La paz sea contigo. Los amigos te saludan. Saluda a los amigos por su nombre.
asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.

< 3 Juan 1 >