< Job 41 >

1 “¿Puedes sacar a Leviatán con un anzuelo? ¿Puedes atarle la boca?
“Ungagona kukweva ngwena nechiredzo, kana kusunga rurimi rwayo netambo here?
2 ¿Puedes pasar una cuerda por su nariz? ¿Puedes pasarle un anzuelo por la mandíbula?
Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo, kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here?
3 ¿Te rogará que lo dejes ir? ¿O te hablará suavemente?
Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here? Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here?
4 ¿Hará un contrato contigo? ¿Acepta ser tu esclavo para siempre?
Ko, ingaita chitenderano newe here kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose?
5 ¿Jugarás con él como con un pájaro? ¿Le pondrás una correa para tus chicas?
Ungagona kuipfuwa seshiri here kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?
6 ¿Decidirán tus socios comerciales un precio para él y lo repartirán entre los mercaderes?
Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here? Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here?
7 ¿Pueden atravesar su piel con muchos arpones, su cabeza con lanzas de pesca?
Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve ine nzeve here, kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove?
8 Si lo agarraras, ¡imagina la batalla que tendrías! ¡No volverías a hacerlo!
Kana ukaisa ruoko rwako pairi uchazorangarira kurwisana kwako nayo uye haungazozvipamhizve!
9 Cualquier esperanza de capturarlo es una tontería. Cualquiera que lo intente será arrojado al suelo.
Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema; kungoiona bedzi kunopedza simba.
10 Ya que nadie tiene el valor de provocar al Leviatán, ¿quién se atrevería a enfrentarse a mí?
Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha. Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni?
11 ¿Quién se ha enfrentado a mí con alguna reclamación que deba pagar? Todo lo que hay bajo el cielo me pertenece.
Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira? Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu.
12 “Permítanme hablarles del Leviatán: sus poderosas patas y sus gráciles proporciones.
“Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo, simba rayo uye chimiro chayo chakanaka.
13 ¿Quién puede quitarle la piel? ¿Quién puede penetrar su doble armadura?
Ndianiko angabvisa dehwe rayo? Ndianiko angasvika kwairi namatomu?
14 ¿Quién puede abrir sus mandíbulas? Sus dientes son aterradores.
Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo, iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa?
15 Su orgullo son sus hileras de escamas, cerradas con fuerza.
Musana wayo une mitsara yamakwande yakanyatsonamirwa pamwe chete;
16 Sus escamas están tan juntas que el aire no puede pasar entre ellas.
rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe, zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.
17 Cada escama se adhiere a la siguiente; se cierran entre sí y nada puede penetrar en ellas.
Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe; akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.
18 Cuando estornuda, brilla la luz. Sus ojos son como el sol naciente.
Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto; meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.
19 De su boca salen llamas y chispas de fuego.
Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo; zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.
20 De sus fosas nasales sale humo, como el vapor de una caldera sobre un fuego de cañas.
Utsi hunobuda mumhino dzayo sepahari inovira pamusoro pomoto wetsanga.
21 Su aliento prende fuego al carbón mientras las llamas salen de su boca.
Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto, uye murazvo unobuda mumuromo mayo.
22 Su cuello es poderoso, y todos los que se enfrentan a él tiemblan de terror.
Simba rinogara pamutsipa wayo; kuvhundutsa kuri pamberi payo.
23 Su cuerpo es denso y sólido, como si estuviera hecho de metal fundido.
Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba; dzakasimba uye hadzizungunuswi.
24 Su corazón es duro como una piedra de molino.
Chipfuva chayo chakaoma sebwe, chakaoma sapasi peguyo.
25 Cuando se levanta, incluso los poderosos se aterrorizan; retroceden cuando se agita.
Painosimuka, vane simba vanovhundutswa, vanodududzira shure isati yarova mvura.
26 Las espadas rebotan en él, al igual que las lanzas, los dardos y las jabalinas.
Munondo unosvika kwairi hauna simba, uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.
27 El hierro es como la paja y el bronce es como la madera podrida.
Simbi inoita seshanga kwairi, uye ndarira sedanda rakaora.
28 Las flechas no pueden hacerle huir; las piedras de las hondas son como trozos de rastrojo.
Miseve haingaiti kuti itize; zvimviriri zvakaita sehundi kwairi.
29 Los garrotes son también como rastrojos; se ríe del ruido de las lanzas que vuelan.
Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi; inoseka panorira bakatwa.
30 Sus partes inferiores están cubiertas de puntas afiladas como ollas rotas; cuando se arrastra por el barro deja marcas como un trillo.
Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari, inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa.
31 Revuelve el mar como el agua en una olla hirviendo, como un cuenco humeante cuando se mezcla el ungüento.
Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira, uye inokurunga gungwa sehari yamafuta.
32 Deja tras de sí una estela reluciente, como si el mar tuviera cabellos blancos.
Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya; mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena.
33 No hay nada en la tierra como él: una criatura que no tiene miedo.
Hapana chakaenzana nayo munyika, chisikwa chisingatyi.
34 Mira con desprecio a todas las demás criaturas. Es el más orgulloso de todos”.
Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza; ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.”

< Job 41 >