< Génesis 15 >

1 Después de todo esto, Dios habló con Abram en una visión, y le dijo: “¡No tengas miedo, Abram! ¡Yo soy tu protector y tu gran recompensa!”
Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhurama muchiratidzo richiti: “Usatya, Abhurama. Ndiri nhoo yako, mubayiro wako mukuru chaizvo.”
2 Pero Abram respondió: “Señor Dios, ¿de qué me beneficiará cualquier cosa que me des? No tengo hijos, y el único heredero de todo lo que tengo es Eliezer de Damasco”.
Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, muchandipeiko sezvo ndisina mwana uye Eriezeri weDhamasiko ndiye achava mudyi wenhaka yangu here?”
3 Y Abram continuó, expresando tu queja: “¡Mira, no me has dado hijos, y me toca darle toda mi herencia a un sirviente de mi casa!”
Uye Abhurama akati, “Hamuna kundipa vana; saka muranda ari mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.”
4 Pero entonces el Señor le dijo: “Este hombre no será tu heredero. Tu heredero será tu propio hijo”.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Murume uyu haangavi mudyi wenhaka yako, asi mwanakomana anobva mumuviri wako ndiye achava mudyi wenhaka yako.”
5 Entonces el Señor llevó a Abram afuera y le dijo: “Mira al cielo, y dime si puedes contar las estrellas. ¡Así será la cantidad de descendientes que tendrás!”
Akamutora akamubudisa panze akati, “Tarisa kumusoro kumatenga uye uverenge nyeredzi uone zvirokwazvo kana ukakwanisa kudziverenga.” Ipapo akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.”
6 Y Abram creyó en lo que el Señor le dijo, y el Señor concluyó que Abram y él tenían una relación buena.
Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake.
7 El Señor también le dijo: “Yo soy el Señor, que te saqué de Ur de los caldeos para darte esta tierra”.
Akatiwo kwaari, “Ndini Jehovha, akakubudisa munyika yeUri yavaKaradhea kuti ndikupe nyika iyi kuti uitore ive yako.”
8 “Pero Señor, ¿cómo podré estar seguro de que es mía?” preguntó Abram.
Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndingaziva seiko kuti ndichaitora?”
9 Entonces el Señor me dijo: “Tráeme una vaca, una cabra y un carnero, todos de tres años de edad, y además una paloma adulta y una paloma joven”.
Saka Jehovha akati kwaari, “Ndivigire tsiru, mbudzi negondobwe, chimwe nechimwe chazvo china makore matatu pamwe chete nenjiva uye nehangaiwa.”
10 Así que Abram mató a los tres animales, luego los cortó por la mitad, y puso cada mitad frente a la otra. Sin embargo, no cortó a las aves por la mitad.
Abhurama akauyisa zvose izvi kwaari, akazvigura napakati uye akaronga hafu dzacho dzakatarisana; asi shiri haana kudzipamura napakati.
11 Cuando los buitres descendían para comerse los cadáveres, Abram los espantaba.
Ipapo shiri dzinodya nyama dzakaburukira panyama, asi Abhurama akadzidzinga.
12 Cuando se puso el sol, Abram sintió mucho sueño, y a la vez una oscuridad espesa y terrible se posó sobre él.
Zuva parakanga rovira, Abhurama akabatwa nehope huru, uye rima guru rinotyisa rakauya pamusoro pake.
13 Entonces el Señor le explicó a Abram: “Puedes estar seguro de que tus descendientes serán extranjeros en otras naciones, donde sufrirán esclavitud y maltratados por 400 años.
Ipapo Jehovha akati kwaari, “Uzive zvirokwazvo kuti zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isati iri yavo, uye vachabatwa senhapwa uye vachibatwa zvakaipa kwamakore mazana mana.
14 Sin embargo, yo castigaré a la nación que los tendrá como esclavos, y después tus descendientes saldrán, llevándose muchas posesiones de gran valor.
Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa, uye shure kwaizvozvo vachabuda vaine pfuma zhinji kwazvo.
15 Pero en lo que a ti concierne, morirás en paz y serás sepultado después de haber vivido una buena vida.
Kunyange zvakadaro, iwe uchaenda kumadzibaba ako norugare uye uchavigwa wakwegura kwazvo.
16 Cuatro generaciones más tarde, tus descendientes volverán para vivir aquí, porque ahora mismo los pecados de los amonitas no han logrado su máximo alcance”.
Parudzi rwechina, zvizvarwa zvako zvichadzoka pano, nokuti chivi chavaAmori hachisati chasvika pakuzara kwacho.”
17 Después de que el sol se puso y se hizo de noche, de repente apareció un horno echando humo y una antorcha encendida que pasaba entre las mitades de los cadáveres de los animales.
Zuva rakati ravira, uye kwasviba, choto chinopfungaira utsi uye nomwenje unopfuta zvakaonekwa uye zvikapfuura napakati penhindi.
18 Así fue como el Señor hizo un acuerdo con Abram ese día, prometiéndole: “Yo le daré esta tierra a tus descendientes. Se extiende desde el Wadi de Egypto hasta el gran río Éufrates,
Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi,
19 e incluye el territorio de los quenitas, los quenizitas, los cadmoneos,
nyika yavaKeni, navaKenazi, vaKadhimoni,
20 los heteos, los ferezeos, los refaítas,
vaHiti, vaPerizi, vaRefaimi,
21 los amorreos, los cananeos, los gergeseos, y los jebuseos”.
vaAmori, vaKenani, vaGirigashi navaJebhusi.”

< Génesis 15 >