< 2 Crónicas 34 >

1 Josías tenía ocho años cuando se convirtió en rey, y reinó en Jerusalén durante treinta y un años.
Josia aiva namakore masere paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe chete.
2 Hizo lo que era correcto a los ojos del Señor y siguió los caminos de su antepasado David; no se desvió ni a la derecha ni a la izquierda.
Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha akafamba munzira dzababa vake Dhavhidhi, asingatendeukiri kurudyi kana kuruboshwe.
3 En el octavo año de su reinado, siendo aún joven, Josías comenzó a adorar públicamente al Dios de David, su antepasado, y en el duodécimo año de su reinado comenzó a limpiar Judá y Jerusalén, quitando los lugares altos, los postes de Asera, los ídolos tallados y las imágenes de metal.
Mugore rorusere rokutonga kwake, paakanga achiri mudiki akatanga kutsvaka Mwari wababa vake Dhavhidhi. Mugore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo dzakakwirira, matanda aAshera, zvifananidzo zvakavezwa nezvakaumbwa.
4 Hizo derribar los altares de Baal que estaban frente a él, y los altares de incienso que estaban sobre ellos fueron cortados. Además, los postes de Asera, los ídolos tallados y las imágenes de metal fueron hechos pedazos y esparcidos sobre las tumbas de los que les habían ofrecido sacrificios.
Pakurayira kwake aritari dzavanaBhaari dzakaputsirwa pasi; akatema-tema aritari dzezvinonhuhwira dzaiva pamusoro padzo akaparadza matanda aAshera, zvifananidzo nezviumbwa izvi akazviputsa kuita zvidimbu zvidimbu akazviparadzira pamakuva avanhu vaibayira kwazviri.
5 Quemó los huesos de los sacerdotes idólatras en sus altares. De esta manera purificó a Judá y a Jerusalén.
Akapisa mapfupa avaprista paaritari dzavo, uye saizvozvo akachenesa Judha neJerusarema.
6 Josías repitió esto en las ciudades de Manasés, Efraín y Simeón, hasta Neftalí, y en sus alrededores.
Mumaguta aManase, Efuremu neSimeoni kusvikira kuNafutari, nomumatongo akaapoteredza,
7 Derribó los altares y redujo a polvo los postes de Asera y las imágenes, y cortó todos los altares de incienso en toda la tierra de Israel. Luego regresó a Jerusalén.
akaputsira pasi aritari namatanda aAshera akaparadza zvifananidzo kusvikira zvaita upfu, akatema-tema kuita zvidimbu zvidimbu aritari dzose dzezvinonhuhwira muIsraeri yose. Ipapo akadzokera kuJerusarema.
8 En el año dieciocho de su reinado, una vez que terminó de limpiar la tierra y el Templo, Josías envió a Safán, hijo de Azalías, a Maasías, el gobernador de la ciudad, y a Joá, hijo de Joacaz, el guardián de los registros, a reparar el Templo del Señor su Dios.
Mugore regumi namasere rokutonga kwaJosia pakuchenesa nyika netemberi, akatuma Shafani mwanakomana waAzaria naMaaseya mutongi weguta, vaina Joa mwanakomana waJohazi munyori, kuti vagadziridze temberi yaJehovha Mwari wake.
9 Fueron a ver al sumo sacerdote Hilcías y le dieron el dinero que se había llevado al Templo de Dios. Los levitas de las entradas habían recogido este dinero del pueblo de Manasés y Efraín, de lo que quedaba del pueblo de Israel, así como las contribuciones de Judá, Benjamín y el pueblo de Jerusalén.
Vakaenda kuna Hirikia muprista mukuru vakamupa mari yakanga yauyiswa mutemberi yaMwari, yakanga yaunganidzwa navaRevhi vaiva vachengeti vamasuo, kubva kuvanhu vaManase, Efuremu navose vakanga vasara veIsraeri uye kubva kuvanhu vose veJudha neBhenjamini navagari vomuJerusarema.
10 Lo entregaron a los que supervisaban los trabajos de reparación del Templo del Señor, que a su vez pagaban a los obreros que hacían la restauración y la reparación.
Ipapo vakaichengetesa varume vakanga vapiwa basa rokuva vatariri vebasa rapatemberi yaJehovha. Varume ava vakaripira vashandi vakagadziridza uye vakavandudza temberi.
11 También pagaron a los carpinteros y constructores para que compraran piedra cortada, así como madera para viguetas y vigas para los edificios que los reyes de Judá habían dejado deteriorar.
Vakapawo mari kuvavezi navavaki kuti vatenge matombo okuvakisa akavezwa namatanda okubatanidza nokuita mapango edzimba dzakanga dzaregererwa namadzimambo eJudha dzichiparara.
12 Los hombres hicieron un trabajo bueno y honesto. Al frente de ellos estaban Jahat y Abdías, levitas de los hijos de Merari; y Zacarías y Mesulam, levitas de los hijos de los coatitas. Los levitas, todos ellos hábiles músicos,
Varume ava vakaita basa zvakatendeka. Vakanga vari vatungamiri vaiva Jahati naObhadhia, vaRevhi vaiva zvizvarwa zvaMerari, uye Zekaria naMeshurami zvizvarwa zvaKohati. VaRevhi, vose vaigona kuridza zviridzwa,
13 estaban a cargo de los obreros y dirigían a todos los involucrados, según lo que se requiriera. Algunos de los levitas eran escribas, otros oficiales y otros porteros.
vaitungamirira vashandi vari vatariri vavashandi vose pamabasa akasiyana-siyana. Vamwe vaRevhi vaiva vanyori, vatariri navachengeti vamasuo.
14 En el proceso de sacar el dinero donado al Templo del Señor, el sacerdote Hilcías descubrió el Libro de la Ley del Señor escrito por Moisés.
Pavakanga vachiburitsa mari yakanga yaiswa mutemberi yaJehovha, Hirikia muprista akawana Bhuku roMurayiro waJehovha wakanga wapiwa kubudikidza naMozisi.
15 Hilcías le dijo al escriba Safán: “He encontrado el Libro de la Ley en el Templo del Señor”. Se lo dio a Safán.
Hirikia akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani.
16 Safán llevó el libro al rey y le dijo: “Nosotros, tus siervos, estamos haciendo todo lo que se nos ordenó.
Ipapo Shafani akatora bhuku riya akaenda naro kuna Mambo akati, “Machinda enyu ari kuita zvose zvaakanzi aite.
17 El dinero recaudado en el Templo del Señor ha sido entregado a los que están supervisando a los trabajadores, pagándoles para que hagan las reparaciones”.
Vakapa mari yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaiisa mumaoko avatariri navashandi.”
18 El escriba Safán le dijo al rey: “El sacerdote Hilcías me dio este libro”. Safán se lo leyó al rey.
Ipapo Shafani munyori akati kuna mambo, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akaverenga kubva mariri pamberi pamambo.
19 Cuando el rey oyó lo que decía la Ley, se rasgó las vestiduras.
Mambo paakanzwa mashoko omurayiro, akabvarura nguo dzake.
20 Entonces dio las siguientes órdenes a Hilcías, a Ajicam, hijo de Safán, a Abdón, hijo de Miqueas, al escriba Safán y a Asaías, ayudante del rey:
Akarayira Hirikia, Ahikami mwanakomana waShafani, Abhidhoni mwanakomana waMika, Shafani munyori naAsaya mushandi wamambo kuti,
21 “Vayan y hablen con el Señor por mí, y también por los que aún viven en Israel y en Judá, sobre lo que dice el libro que se ha encontrado. Porque el Señor debe estar realmente enojado con nosotros porque nuestros antepasados no han obedecido las instrucciones del Señor siguiendo todo lo que está escrito en este libro”.
“Endai munondibvunzira kuna Jehovha, mubvunzewo vakasara muIsraeri neJudha pamusoro pezvakanyorwa mubhuku iri rawanikwa. Hasha dzaJehovha zhinji kwazvo dzinodururirwa pamusoro pedu nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha; havana kuita sezvakanyorwa mubhuku iri.”
22 Hilcías y los que el rey había seleccionado fueron a hablar con la profetisa Hulda, esposa de Salum, hijo de Tojat, hijo de Hasra, guardián del armario. Vivía en Jerusalén, en el segundo barrio de la ciudad.
Hirikia naavo vakatumwa naro namambo vakaenda kundotaura nomuprofitakadzi Huridha, uyo aiva mukadzi waSharumi mwanakomana waTokati mwanakomana waHazira muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri.
23 Hulda les dijo: “Esto es lo que dice el Señor, el Dios de Israel: Díganle al hombre que los envió a verme:
Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: Udza murume akutumirai kwandiri kuti,
24 Esto es lo que dice el Señor: Estoy a punto de hacer caer el desastre sobre este lugar y sobre su pueblo, de acuerdo con todas las maldiciones escritas en el libro que se le ha leído al rey de Judá.
‘Zvanzi naJehovha: Ndichauyisa zvakaipa munzvimbo iyi nomuvanhu vayo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku raverengwa pamberi pamambo weJudha.
25 Me han abandonado y han ofrecido sacrificios a otros dioses, haciéndome enojar por todo lo que han hecho. Mi ira se derramará sobre este lugar y no se detendrá.
Nokuti vakandisiya vakapisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari vakamutsa hasha dzangu nezvose zvakagadzirwa namaoko avo, hasha dzangu dzichadururirwa panzvimbo ino uye hadzizodzimurwi.’
26 “Pero dile al rey de Judá que te envió a preguntar al Señor, dile que esto es lo que dice el Señor, el Dios de Israel: En cuanto a lo que oíste que te leyeron,
Taurirai mambo weJudha, akutumai kuti muzobvunza kuna Jehovha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko awanzwa:
27 porque fuiste receptivo y te arrepentiste ante Dios cuando oíste sus advertencias contra este lugar y contra su pueblo, y porque te has arrepentido, rasgando tus vestiduras y llorando ante mí, yo también los he oído, declara el Señor.
Nokuti mwoyo wako wateerera uye wazvininipisa pamberi paMwari pawanzwa zvaakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo zvakaipa, uye nokuti wazvininipisa pamberi pangu ukabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
28 Todo esto no sucederá hasta después de tu muerte, y morirás en paz. No verás todo el desastre que voy a hacer caer sobre este lugar y sus habitantes”. Volvieron al rey y le dieron su respuesta.
Zvino iwe ndichakuuyisa kuna madzibaba ako, uye uchavigwa murunyararo. Meso ako haachazooni zvakaipa zvose zvandichauyisa panzvimbo ino napane vose vanogara pano.’” Saka vakatora mhinduro yake vakadzoka nayo kuna mambo.
29 Entonces el rey convocó a todos los ancianos de Judá y de Jerusalén.
Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema.
30 Fue al Templo del Señor con todo el pueblo de Judá y de Jerusalén, junto con los sacerdotes y los levitas, todo el pueblo desde el más pequeño hasta el más grande, y les leyó todo el Libro del Acuerdo que había sido descubierto en el Templo del Señor.
Akaenda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, vanhu veJerusarema, vaprista navaRevhi, vanhu vose kubva kuno mudiki kusvika kuno mukuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha.
31 El rey se puso de pie junto a la columna e hizo un acuerdo solemne ante el Señor de seguirlo y de cumplir sus mandamientos, leyes y reglamentos con total dedicación, y de observar los requisitos del acuerdo tal como estaban escritos en el libro.
Mambo akamira pashongwe yavo vakamutsiridza sungano pamberi paJehovha, kuti vatevere Jehovha uye vachengete mirayiro yake, zvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose nomweya wake wose uye kuti ateerere mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri.
32 Entonces hizo que todos los presentes de Jerusalén y de Benjamín se pusieran de pie para mostrar que estaban de acuerdo. Así todo el pueblo de Jerusalén aceptó y siguió el acuerdo con Dios, el Dios de sus antepasados.
Ipapo akaita kuti munhu wose womuJerusarema neBhenjamini azvipire kwairi; vanhu vomuJerusarema vakaita izvi maererano nesungano yaMwari, Mwari wamadzibaba avo.
33 Josías demolió todos los ídolos viles de todo el territorio perteneciente a los israelitas, e hizo que todos en Israel sirvieran al Señor, su Dios. Durante su reinado no dejaron de adorar al Señor, el Dios de sus padres.
Josia akabvisa zvifananidzo zvose zvinonyangadza munyika yose yavaIsraeri akaita kuti vose vaiva muIsraeri vashumire Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose, havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

< 2 Crónicas 34 >