< 1 Crónicas 4 >
1 Los hijos de Judá fueron Fares, Hezrón, Carmi, Hur y Sobal.
Zvizvarwa zvaJudha zvaiva: Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari.
2 Reaía, hijo de Sobal, fue el padre de Jahath. Jahat fue el padre de Ahumai y Lahad. Estas fueron las familias de los zoratitas.
Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati.
3 Estos fueron los hijos de Etam: Jezreel, Isma e Ibdas. Su hermana se llamaba Haze-lelponi.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami: Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi.
4 Penuel fue el padre de Gedor, y Ezer fue el padre de Husa. Estos fueron los descendientes de Hur, primogénito de Efrata y padre de Belén.
Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema.
5 Asur fue el padre de Tecoa y tuvo dos esposas, Helá y Naara.
Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.
6 Naara fue la madre de Ahuzam, Hefer, Temeni y Ahastari. Estos fueron los hijos de Naara.
Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaahashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.
7 Los hijos de Hela: Zeret, Zohar, Etnán,
Vanakomana vaHera vaiva: Zareti, Zohari, Etinani
8 y Cos, que fue el padre de Anub y Zobeba, y de las familias de Aharhel, hijo de Harum.
naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.
9 Jabes fue más fiel a Dios que sus hermanos. Su madre le había puesto el nombre de Jabes, diciendo: “Lo di a luz con dolor”.
Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanunʼuna vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.”
10 Jabes suplicó al Dios de Israel: “¡Por favor, bendíceme y amplía mis fronteras! Acompáñame y mantenme a salvo de cualquier daño para que no tenga dolor”. Y Dios le dio lo que pidió.
Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni, rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.
11 Quelub, hermano de Súa, fue el padre de Mehir, quien a su vez fue el padre de Estón.
Kerubhi, mununʼuna waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni.
12 Estón fue el padre de Bet-Rafa, Paseah y Tehina, el padre de Ir-Nahas. Estos fueron los hombres de Reca.
Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.
13 Los hijos de Kenaz: Otoniel y Seraías. Los hijos de Otoniel: Hatat y Meonothai.
Vanakomana vaKenazi vaiva: Otinieri naSeraya. Vanakomana vaOtinieri vaiva: Hatati naMeonotai.
14 Meonothai fue el padre de Ofra. Seraías fue el padre de Joab, el padre de Gue-Harashim, llamado así porque allí vivían artesanos.
Meonotai aiva baba vaOfira. Seraya aiva baba vaJoabhu, baba vaGe Harashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.
15 Los hijos de Caleb hijo de Jefone: Iru, Ela y Naam. El hijo de Elah: Kenaz.
Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva: Iru, Era naNaami. Mwanakomana waEra ainzi Kenazi.
16 Los hijos de Jehalelel: Zif, Zifa, Tirías y Asarel.
Vanakomana vaJehareri vaiva: Zifi, Zifa, Tiria naAsareri.
17 Los hijos de Esdras: Jeter, Mered, Efer y Jalón. Una de las esposas de Mered fue la madre de Miriam, Samai e Ishbah el padre de Estemoa.
Vanakomana vaEzira vaiva: Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni. Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa.
18 (Otra esposa que vino de Judá fue la madre de Jered el padre de Gedor, Heber el padre de Soco, y Jecuthiel el padre de Zanoa.) Estos eran Los hijos de Bitia, la hija del Faraón, con quien Mered se había casado.
Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi. Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa.
19 Los hijos de la esposa de Hodías, hermana de Natán: un hijo fue el padre de Keila la Garmita, y otro el padre de Estemoa la Maacatea.
Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva: baba vaKeira muGarimi naEshitemoa muMaakati.
20 Los hijos de Simón: Amnón, Rinah, Ben-Hanan y Tilón. Los hijos de Isi: Zohet y Ben-Zohet.
Vanakomana vaShimoni vaiva: Amunoni, Rina, Bheni-Hanani naTironi. Zvizvarwa zvaIshi zvaiva: Zoheti naBheni-Zoheti.
21 Los hijos de Selá hijo de Judá: Er, que fue el padre de Leca; Laada, que fue el padre de Maresa; las familias de los trabajadores del lino en Beth Asbea;
Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva: Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibhea.
22 Jaocim, los hombres de Cozeba, y Joas y Saraf, que gobernaron sobre Moab y Jasubi-Lehem.
Jokimi, varume veKozebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.)
23 Eran alfareros, habitantes de Netaim y Gedera, que vivían allí y trabajaban para el rey.
Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo.
24 Los hijos de Simeón: Nemuel, Jamín, Jarib, Zera y Saúl.
Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva: Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri;
25 Salum era hijo de Saúl, Mibsam su hijo y Mismá su hijo.
Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.
26 Los hijos de Mismá: Hamuel su hijo, Zacur su hijo y Simei su hijo.
Zvizvarwa zvaMishima zvaiva: Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.
27 Simei tuvo dieciséis hijos y seis hijas, pero sus hermanos no tuvieron muchos hijos, por lo que su tribu no fue tan numerosa como la de Judá.
Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanunʼuna vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.
28 Vivían en Beerseba, Molada, Hazar Sual,
Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,
30 Betuel, Horma, Ziclag,
Bhetueri, Horima, Zikiragi,
31 Bet Marcabot, Hazar Susim, Bet Birai y Saaraim. Estas fueron sus ciudades hasta que David llegó a ser rey.
Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri neSharaimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.
32 También vivían en Etam, Ain, Rimón, Toquén y Asán, un total de cinco ciudades,
Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimoni, Tokeni neAshani, maguta mashanu
33 junto con todas las aldeas de los alrededores hasta Baal. Estos fueron los lugares donde vivieron y registraron su genealogía.
nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. Uye vakachengeta nhoroondo yezvizvarwa zvavo:
34 Mesobab, Jamlec, Josá, hijo de Amasías,
Meshobhabhi, Jamireki, Josha mwanakomana waAmazia,
35 Joel, Jehú, hijo de Josibías, hijo de Seraías, hijo de Asiel,
Joere, Jehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri,
36 Elioenai, Jaacoba, Jesohaía, Asaías, Adiel, Jesimiel, Benaía,
uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,
37 y Ziza, hijo de Sifi, hijo de Alón, hijo de Jedaiah, hijo de Shimri, hijo de Semaías.
naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.
38 Estos fueron los nombres de los jefes de sus familias, cuyo linaje aumentó considerablemente.
Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo. Mhuri dzavo dzakakura kwazvo
39 Llegaron hasta la frontera de Gedor, en el lado oriental del valle, para buscar pastos para sus rebaños.
uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro.
40 Allí encontraron buenos pastos, y la zona era abierta, tranquila y apacible, pues los que vivían allí eran descendientes de Cam.
Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare.
41 En la época de Ezequías, rey de Judá, los líderes mencionados por su nombre vinieron y atacaron a estos descendientes de Cam donde vivían, junto con los meunitas de allí y los destruyeron totalmente, como está claro hasta el día de hoy. Luego se establecieron allí, porque había pastizales para sus rebaños.
Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo.
42 Algunos de estos simeonitas invadieron el monte de Seir: quinientos hombres dirigidos por Pelatías, Nearías, Refaías y Uziel, los hijos de Isi.
Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri.
43 Destruyeron al resto de los amalecitas que habían escapado. Ellos han vivido allí hasta el día de hoy.
Vakauraya vaAmareki vakanga vasara avo vakanga vapunyuka, uye vakagarapo kusvikira nhasi.