< Baloma 2 >
1 Lino obe weshikombolosha banobe, na njobe bani, uliya pakuleyela sobwe. Pakwinga pacindi mpolomboloshonga munobe ukute kulitoteka wenka, pakwinga nenjobe weshikombolosha ukute kubinsa bintu ibyo.
Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi anotonga; nokuti neicho chaunotonga nacho umwe, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro.
2 Tucinsheti Lesa walulama pakombolosha bantu beshikwinsa bintu byamushoboyo.
Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu zvakadaro.
3 Nomba obe muntususu, okute kombolosha bantu bambi beshikwinsa bintu ibi, pakwinsa bintu ibi, sena ukute kuyeyeti nukakuleye kombolosha kwa Lesa?
Zvino unofunga izvi, haiwa munhu anotonga vanoita zvinhu zvakadaro, uchiitawo zvakadaro, kuti iwe uchatiza kutonga kwaMwari here?
4 Sena ulapubishinga kwina moyo kunene kwa Lesa ne kutakalala bwangu ne moyonteka wakendi? Sena nkocinsheti Lesa lakwinshilinga nkumbo kwambeti usanduke kufuma kubwipishi bwakobe?
Kana unozvidza here fuma yenyasha dzake nemoyo murefu nemoyo munyoro, usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka?
5 Pakwinga moyo wakobe wayuma kayi nkausanduku, nukatambule cisubulo ca Lesa. Cisubulo ico nicikakuwile pabusuba mboshakaleshe bukalu bwakendi ne kombolosha kwakendi kwalulama.
Asi neukukutu hwako nemoyo usingatendeuki unozvichengetera hasha nezuva rehasha nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari,
6 Lesa nakabweshele uliyense kwelana ne incito shakendi.
iye achapa mubairo kune umwe neumwe maererano nemabasa ake;
7 Bantu balapitilishinga kwinsa byaina ne balalangaulunga bulemu ne bulemeneno bwa Lesa ne buyumi butapu, balenshingeco, neye Lesa nakabape buyumi butapu. (aiōnios )
upenyu husingaperi kune vanotsungirira pakuita kwakanaka vanotsvaka kubwinya nekukudzwa nekusafa; (aiōnios )
8 Nomba bantu bakute kwinsa bintu mbyobasuni ne kukana kwinsa byalulama ne kukonkela byaipa, Lesa nakabape cisubulo mubukalu bwakendi.
asi kune vane nharo, uye vasingateereri chokwadi asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha,
9 Mapensho ne makatasho nakabawile beshikwinsa byaipa, kutatikila Bayuda kushikila ne kubantu ba mishobo naimbi.
dambudziko nekumanikidzika, pamusoro pemweya umwe neumwe wemunhu anoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha newemuGirikiwo;
10 Nsombi Lesa nakabape bulemu ne bulemeneno ne lumuno bonse beshikwinsa byaina, kutatikila Bayuda kushikila ku bantu bamishobo naimbi.
asi kubwinya nerukudzo nerugare kune umwe neumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo;
11 Pakwinga Lesa nkakute kusalaula.
nokuti hakuna rusarura rwemunhu kuna Mwari.
12 Bantu ba mishobo naimbi balabula kwinshiba Milawo ya Mose, ne kwinsa bwipishi, naboyo nibakonongeketi bantu babula kwinshiba Mulawo. Nomba abo Bayuda balepisha kabalibenshiba Milawo ya Mose nibakomboloshewe kwelana ne Mulawo,
Nokuti vese vakatadza vasina murairo, vachapararawo vasina murairo; uye vese vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo;
13 Pakwinga bantu balulama pamenso a Lesa ntebo bakute kunyumfwowa Milawo sobwe. Nsombi bakute kwinsa mbuli Mulawo nceulambanga.
nokuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo vachanzi vakarurama.
14 Naboyo bantu babula kuba Bayuda babula Mulawo, nsombi na balenshi mbuli Milawo ncoikute kwamba palwabo bene, bakute kulesheti bakute Milawo mumyoyo yabo, nambi baliya Milawo ya Mose.
Nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zviri pamurairo, ivo, vasina murairo, ndivo murairo kwavari vamene;
15 Bwikalo bwabo bukute kulesheti Milawo yalembwa mumyoyo yabo. Kayi myoyo yabo ikute kulesheti nicakubinga, pakwinga mengashilo abo nacimbi cindi akute kubatoteka kayi ne kubasuminisha.
vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo; hana yavo ichipupurawo, nemirangariro ichipa mhosva kanawo kuvapembedza pakati pavo,
16 Mbuli Mulumbe Waina ngonkute kukambauka nicikabe mushoboyo pabusuba Lesa mposhakomboloshe bantu kupitila muli Yesu Klistu pali ibyo byasolekwa mbyobakute kuyeya bene.
nezuva Mwari raachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu.
17 Nomba lino obe ukute kulyambeti o Muyuda wacinkila manungo mu Milawo, kayi ukute kulisumpula muli Lesa wakobe.
Tarira iwe unonzi muJudha, uye unozembera pamurairo, unozvikudza muna Mwari,
18 Ucinshi ncalayandanga Lesa kwambeti winse, kayi waleishiwa mu Milawo, kusala byaina nambi byaipa.
uye unoziva chido chake, nekugamuchira zvakanakisa, uchidzidziswa kubva pamurairo,
19 Washometi njobe mutangunishi wa bantu bashipilwa, mumuni weshikumunikila bantu bali mumushinshe,
uye unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima,
20 kayi njobe shikwiyisha baluya ne bantu batacinshi. Washometi mu Milawo muli lwinshibo lwa bintu byancine ncine byonse.
murairiri wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo;
21 Nomba obe shikwiyisha banobe, nicani nkokute kuliyisha omwine? Obe shikukambauketi, “Kwiba sobwe.” Nicani obe ukute kwiba?
naizvozvo iwe anodzidzisa umwe, hauzvidzidzisi here? Iwe anoparidza kuti usaba, unoba here?
22 Nomba uleishingeti, “Nkamwelela kwinsa bupombo.” Nicani obe ulenshinga bupombo? Wapela kukambilila tumbwanga, nomba kayi nicani ukute kuya mu ng'anda kuya kwibamo tumbwanga?
Iwe anoti usapomba, unopomba here? Iwe anosema zvifananidzo, unopamba tembere here?
23 Ukute kulisumpuleti nkute Milawo ya Lesa, nomba nicani ulapanga nsoni Lesa pakupwaya Milawo?
Iwe anozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here?
24 Mbuli Mabala ncakute kwambeti, “Bantu bamishoboyo naimbi bakute kunyansha Lesa pacebo ca njamwe Bayuda.”
Nokuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni nekuda kwenyu, sezvo zvakanyorwa.
25 Na ukute kukonka Milawo ya Mose kupalulwa kwakobe kulicena. Nomba na nkokute kukonka Milawo caina kwambeti wikale kwakubula kupalulwa.
Nokuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchiita murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.
26 Nomba na muntu wabula kupalulwa lakonkonga Milawo ya Mose, sena muntuyu pamenso a Lesa nteshakabeti muntu wapalulwa, necikabeti nkapalulwa?
Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, kusadzingiswa kwake hakuverengwi kuti kudzingiswa here?
27 Weco muntu wabula kupalulwa ukute kukonka Milawo endiye weshi akamutoteke amwe Bayuda mwapalulwa kayi mukute Milawo yalembwa, nsombi mukute kwipwaya.
Nekusadzingiswa kwepachisikirwo, kana kuchizadzisa murairo, hakungakutongi here iwe mudariki wemurairo nerugwaro uye nekudzingiswa?
28 Bintu ibi bilaleshengeti Muyuda mwine nteyo lalileshenga kubantu eti ni Muyuda sobwe. Kayi kupalulwa kwancine ncine nteko nkobakute kwinsa kumubili sobwe.
Nokuti haasi muJudha, ari muJudha rwekunze, kana kudzingiswa kuri kwekunze panyama;
29 Neco, Muyuda mwine ni uyo Muyuda mumoyo, kayi kupalulwa kwakendi nikwamumoyo kweshikwinshika ne Mushimu Uswepa, kwakubula Milawo sobwe. Weshikulumba muntu wa mushoboyo nte muntu sobwe nsombi ni Lesa.
asi iye muJudha ari iye makavanda, nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete murugwaro; ane kurumbidzwa kwake kusingabvi kuvanhu asi kuna Mwari.