< Kuyubulula 6 >

1 Panyuma pakendi ndalabona Mwana Mbelele usa kamatula cando cakutanguna pa bidindo bisa bisanu ne bibili, kayi ndalanyumfwa cimo ca bya buyumi kacolobesheti kutatala kwa mfula kacambeti, “Kwesa!”
Ndakatarisa Gwayana paraizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe. Ipapo ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi rainge rokutinhira, “Uya!”
2 Mpondalalangishisha, ndalabona lihaki lituba. Walikuba watantapo walikukute buta, kayi walapewa ngowani ya bwami, walikuya kulangaula balwani kwambeti abakome.
Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena! Akanga akaritasva akanga akabata uta, uye akapiwa korona, akakwira akabuda somukundi kuti andokunda.
3 Lino kayi Mwana Mbelele mpwalamatula cidindo ca tubili, ndalanyumfwa ca buyumi ca cibili naco kacambeti, “Kwesa!”
Gwayana rakati razarura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya!”
4 Lihaki nalimbi lyalabonekela, lifubela. Watantapo walapewa ngofu sha kuleta nkondo pa cishi ca panshi kwambeti bantu bashinanenga. Walapewa cibeshi cinene.
Ipapo rimwe bhiza rakabuda, riri dzvuku kwazvo. Mutasvi waro akapiwa simba rokubvisa rugare panyika nokuita kuti vanhu vaurayane. Munondo mukuru wakapiwa kwaari.
5 Mwana Mbelele mpwalamatula cidindo ca butatu, ndalanyumfwa cabuyumi ca butatu naco kacambeti, “Kwesa!” Ndalalangishisha kayi ndalabona lihaki lishipa. Watantapo walikukute bipimo bibili mu makasa.
Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake.
6 Ndalanyumfwa maswi alikufuma pakati pa bya buyumi bina, alikwambeti, “Cikopo ca bunga bwa maila celane ne malipilo amuntu a pabusuba, kayi bikopo bitatu bya bunga bwa mancebele byelane ne malipilo a muntu a pabusuba. Nomba kotelekesha kononga bitondo byamaolifi nambi bya mavaini.”
Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti, “Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye musakanganisa mafuta newaini!”
7 Mwana Mbelele mpwalamatula cidindo ca cina, ndalanyumfwa cabuyumi ca cina kacambeti, “Kwesa!”
Gwayana rakati razarura chisimbiso chechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya!”
8 Ndalabona lihaki lyacisefu lyakoka. Watantapo walikukwiweti, Lufu, naco cishi ca bantu bafwa calikonka pepi. Walapewa ngofu shakushina cibela cimo ca bibela bina ca bantu ne banyama ku nkondo, kunsala kayi ne ku malwashi ne kubanyama. (Hadēs g86)
Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakacheneruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika. (Hadēs g86)
9 Lino ibi mpobyalapwa Mwana Mbelele walamatula cidindo ca busanu, ndalabona mishimu ya bantu panshi pa nteme, balashinwa cebo ca kukambauka maswi a Lesa ne kwinshila bukamboni mwakushomeka.
Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yaavo vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwokupupura kwavakanga vaita.
10 Yalompololeti, “Mwami wa ngofu shonse waswepa kayi wakubinga! Nipakapite cindi citali cilyeconi ca kwisa kombolosha bantu pa cishi ca panshi ne kupa cisubulo abo balatushina?”
Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”
11 Bonse balapewa minjila ituba ne kubambileti, “Bapumwine kwa kacindi kang'ana kwambeti mpaka mwelo wacibelengelo ukakwane wa basebenshi banabo ne bashomeka banabo belela kushinwa mbuli naboyo ncebalashinwa.”
Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena, uye vakaudzwa kuti vamirire kwechinguva chiduku, kusvikira kuwanda, kwavamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo avo vaifanira kuurayiwa saivo, kwakwana.
12 Kayi popelapo ndalabona Mwana Mbelele kamatula cidindo ca cisanu ne cimo. Lino kwalesa mutuntumo wa inshi, lisuba lyalashipeti cikwisa ca shilika, nawo mwenshi walafubeleti milopa.
Ndakatarira paaizarura chisimbiso chechitanhatu. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Zuva rakasviba rikaita senguo dzamasaga dzakaitwa namakushe embudzi, mwedzi wose ukashanduka ukatsvuka seropa,
13 Nyenyenshi shalalukumuka panshi eti cikute kullukumuka nkuyu shibesu ku citondo cilanyukanwanga ne lukupwe lwangofu.
uye nyeredzi dzomudenga dzakawira panyika, samaonde eshure azuka kubva mumuonde paunenge wazungunuswa nemhepo ine simba.
14 Namo mwilu muma kumbi mwalapetwa petwa eti ncakute kupetwa mapepala. Milundu ne nsumbu shalafuma mposhalikuba.
Denga rakabva sebhuku rinopetwa, uye makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
15 Neco, bami bapacishi capanshi ne bendeleshi ne bamakulene ba nkondo ne bakute buboni, bakute ngofu, ne bantu bonse, basha pamo ne bonse ne abo babula kuba basha. Bonse nibakasolame mu maceni a mabwe mu milundu.
Ipapo madzimambo enyika, machinda, vatungamiri, vapfumi, vane simba, navaranda vose uye navanhu vakasununguka vakavanda mumapako napakati pamabwe amakomo.
16 Nibakasenge milundu ne mabwe kwambeti, “Kamutufwekelelako mutusoleke katutaboneka ku menso a uyo wekala pa cipuna ne kubukalu bwa Mwana Mbelele!”
Vakadanidzira kumakomo nokumabwe vachiti, “Wirai pamusoro pedu uye mutivige kubva kuchiso chaiye anogara pachigaro choushe nepahasha dzeGwayana!
17 Ee, busuba buyosha bwa Lesa ne Mwana mbelele bwakupa cisubulo bulashiki, sena pali naba umo eti akabule kupewa cisubulo?
Nokuti zuva guru rehasha dzavo rasvika, uye ndianiko anogona kumira?”

< Kuyubulula 6 >