< Maliko 11 >
1 Mpobalashika ku Yelusalemu pepi ne minshi ya Betifagi ne Betani mumbali mwa mulundu wa Maolifi, Yesu walatuma beshikwiya babili.
Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage neBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake,
2 Ne kubambileti, “Kamuyani mu mushi ngomulabononga usa, mwengila nimucane mwanambongolo wasungwa, utana utantwapo ne muntu, mumusungulule mumulete kuno.
achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu, akasungirirwa ipapo. Mumusunungure mugouya naye pano.
3 Na muntu naumbi amwipusheti ingamula mutwalanga kupeyo, mumwambileti Mwami layandanga kumusebensesha, apwisha na mulete kayi.”
Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’”
4 Neco mpobalaya balacana mwanambongolo, kaliwasungililwa pa cishinga pepi ne nshila, nabo balamusungulula.
Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura,
5 Bantu balikuba pepi balepusheti, “Inga mulamusungululwinga cani?”
vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”
6 Nabo balakumbula mbuli Yesu ncalabambila. Neco balabasuminisha beshikwiya.
Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda.
7 Nabo balamuleta mwanambongolo kuli Yesu, ne kubika cikwisa pa musana pa mwanambongolo kwambeti aikalepo Yesu.
Vakauya nembongoro iyi kuna Jesu vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi.
8 Bantu bangi balayansa bikwisa byabo panshila, nabambi balatimbula misampi yatutondo twamulibala.
Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, vamwe vakawaridza matavi avakanga vatema musango.
9 Bantu bonse balikuba pantangu ne abo balikuba kunyuma balatatika kubilikisheti, “Lesa alumbaishiwe! Lesa ape colwe uyo lesanga mulina lya Mwami.
Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”
10 Lesa ape colwe Bwami bulesanga bwa Dafeti mushali wetu. Lesa wa Kwilu kumayoba alumbaishiwe!”
“Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!” “Hosana kumusoro-soro!”
11 Yesu mpwalashika mu Yelusalemu, walengila mu Ng'anda ya Lesa, ne kulanga langa byonse. Pakwinga calikuba kendi cindi ca mansailo, walapula ne kuya ku Betani pamo ne beshikwiya likumi ne babili.
Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.
12 Mpobwalaca mumene Yesu walanyumfwa nsala pakufuma ku Betani.
Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara.
13 Kaciliko patali walabona citondo ca mukuyu cikute matewu, walaya pepi kwambeti abone mpani inga kacikute nkuyu, nsombi mpwalashika mwinshi walacaneti cikute matewu onka, pakwinga nkacalikuba cindi cakuba ne nkuyu.
Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde.
14 Neco, Yesu walacambileti, “Paliya muntu eshakalyeko nkuyu ku citondo ici!” Beshikwiya bakendi balamunyumfwa kambeco. (aiōn )
Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Vadzidzi vake vakamunzwa achidaro. (aiōn )
15 Lino Yesu mpwalashika ku Yelusalemu walengila mu Ng'anda ya Lesa, ne kubatandanyamo bonse balikulishilamo makwebo. Walawisha matebulu ngobalikulishapo, ne bipuna mbyobalikuba bekalapo pakulisha nkulimba shabo.
Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga nokutengeserana imomo. Akapidigura tafura dzevaitsinhana mari nezvigaro zvevaitengesa njiva,
16 Uliyawa kusuminisha uliyense kupitila mu lubuwa lwa Ng'anda ya Lesa kaliwamanta kantu.
uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chete mberi.
17 Yesu waleyisha bantu ne kubambileti, “Sena nkacalembwa, ‘ng'anda ya kame nikakwiweti ng'anda yakupaililamo ya bantu bamishobo yonse.’ Nomba amwe mulaisandulu kuba mwakwikala bantu beshikulamuna banabo.”
Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’”
18 Beshimilumbo bamakulene ne beshikwiyisha milawo ya Mose mpobalanyumfwa, balatatika kulangaula nshila ya kumushininamo Yesu, nomba balikumutina pacebo ca bantu abo balikukankamana ne njiyishilo yakendi.
Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake.
19 Mpokwalashipuluka pa muntu ngulya, Yesu ne beshikwiya bakendi balafuma mu Yelusalemu.
Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta.
20 Cindi ncobalikwenda mushila mpobwalaca mumenemene, balabona citondo ca mukuyu cisa calanshinganwa ne Yesu kacili cayuma conse mpaka kumiyanda.
Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi.
21 Petulo walanuka calenshika, ne kumwambila Yesu, “Bashikwiyisha kamubonani citondo ca mukuyu ncomwashingana cilayumu”.
Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!”
22 Nendi Yesu walabakumbuleti, “Kamushomani muli Lesa.
Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari.
23 Cakubinga ndamwambilinga na muntu uwambila mulundu eti fuma apo mpobele, koya uliwale mu lwenje, kwamba kwakubula kutonshanya, nomba kali washometi ncalambanga ni cikenshike nditu nikenshike.
Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa.
24 Pacebo ici, ndambilishingeti, mwapailinga ne kusenga cintu, shomani kubeti mulacitambula kendi, cili conse ncomulasengenga nimukapewe.”
Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.
25 “Mwatatikanga kupaila, lekelelani bonse bamwipishila kwambeti Lesa wakwilu nendi amulekeleleni bwipishi bonse.”
Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako.
26 Na mubula kulekelela banenu, naboyo Bameshenu bakwilu nkabela kumulekelela bwipisho bwenu.
Asi kana usingaregereri, Baba vako vari kudenga havazoregereri zvivi zvako.”
27 Kayi Yesu mpwalaya ku Yelusalemu walengila mu Ng'anda ya Lesa ne kwendana mu lubuwa, beshimilumbo bamakulene, ne beshikwiyisha milawo ya Mose, ne bamakulene nabambi balesa kuli Yesu.
Vakasvikazve muJerusarema, uye Jesu paaifamba mutemberi, vaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro navakuru vakauya kwaari.
28 Balamwipusheti, “Mukute ngofu shilye coni shakwinsa cisa kwakubula kusuminishiwa? Niyani wakupa ngofu shakwinsa cisa?”
Vakati, “Unoita zvinhu izvi nesimba ripiko? Uye ndiani akakupa simba rokuita izvi?”
29 Yesu walabakumbuleti, “Ndamwipushunga mwipusho umo, na mukumbule, nenjame nindi mwambile ngondashifunya ngofu shakwinsa bintu ibi.
Jesu akapindura akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, ndigokuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.
30 Inga Yohane walashifunya kupeyo ngofu shakubatisha? Kuli Lesa nambi kubantu? Kamunkumbulani.”
Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!”
31 Balakangana pa lwambo bene ne kwambeti na tukumbuleti lwalafumina kwilu ku mayoba, nendi natwipusheti, “Inga mwalabulila cani kushoma ncalikwamba?”
Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Zvino makaregereiko kumutenda?’
32 Nomba nkatwela kwambeti, lwafumina kubantu. Pakwinga balikutina bantu, bonse balikuba bashoma kwambeti Yohane walikuba mushinshimi.
Asi kana tikati kuvanhu…” (Vakanga vachitya vanhu, nokuti vanhu vose vaitenda kuti Johani akanga ari muprofita zvechokwadi.)
33 Neco mukumbulo wabo kuli Yesu walikuba wakwambeti, “Nkatucishi?” Neco Yesu walabakumbuleti, “Nenjame nteti ndimwambile nkondalashifunya ngofu shakwinsa cisa.”
Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu akati, “Neniwo handikuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”