< Baefenso 6 >
1 Mobana amwe, cebo cakwambeti mobakendi Mwami, neco kamunyumfwilani bamashali benu, pakwinga calulama kwinseco.
Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka.
2 Mabala alambangeti, “Cindika baiso ne banyoko” Uwu emulawo utanshi muli lulayo lwa kwambeti,
“Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,
3 “Bintu nibimwendelenga caina, kayi nimukekale ne buyumi butali pa cishi capanshi.”
“kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.”
4 Ne njamwe bamashali, kamutambilanga bana benu maswi eshi kubakalalisha, nsombi kamubakulisha ne kubalela pakubeyisha ncebela kwinsa mubwikalo bwabo bwa ciklistu.
Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.
5 Amwe mobasha, nyumfwilani bami mbomulasebenselenga, mwela kubatina ne kubacindika ne moyo wonse mbuli ncemwela kusebensela Klistu.
Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu.
6 Kusebensa kwenu kakutaba kwa kwena kwa kuyandowa kukondwelesha bami benu, nsombi kamusebensani eti basha ba Klistu balenshinga luyando lwa Lesa.
Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo.
7 Sebensani ncito kamuli mwakondwa moyo kubeti mulasebenselenga Mwami Lesa, nkamulasebenselenga muntu.
Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu,
8 Ishibani kwambeti Lesa nakape cilambo muntu uliyense nambi muntuyo ni musha nambi nteye musha pancito njalikwinsa.
nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.
9 Nenjamwe mobami, mukute basha mwelela kwinsa cimocimo ku basha benu kamutabayoshanga sobwe, pakwinga amwe ne basha benu mwense mukute Mwami umowa uyo uli Kwilu utasalululu pakubeteka.
Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari.
10 Pakupwililisha ndambangeti pitilishani kuba bantu bayuma mukwikatana ne Mwami kupitila mu ngofu shakendi.
Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.
11 Kamufwalani byakufwala bya nkondo byonse, kwambeti mucikonshe kwimana cituloba pakutingana ne tumpindamangobe twa Satana.
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.
12 Nteko kwambeti tulalwananga ne bantu, nsombi tulalwananga ne mishimu yaipa ili mu misena ya kwilu ilayungunga bantu kwinsa byaipa, aba ebami ne bendeleshi ne ngofu shili mumushinshe wacino cindi. (aiōn )
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. (aiōn )
13 Lino pacebo ici, kamufwalani byakulicingilisha byonse mbyalamupanga Lesa kwambeti kamutakakomwa pabusuba bwaipa mbweshi bukenshike, mwakenseco nimukakonshe kwimana cituloba.
Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.
14 Lino imanani cituloba, kamuli mwafwala bintu ibi. Lisungeni mubukome ne lamba wacancinencine, bululami bubeti cishikungilisha cali cenu,
Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama,
15 kayi kukambauka Mulumbe Waina wa lumuno kubeti nkwabilo nshemwafwala.
uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.
16 Kusankanya pali ibi, kushoma Lesa kwenu cindi conse nikukabeti cishango cinene ncemwamanta nceti mukakonshe kulitabilisha ku mifwi ilabangilinga mulilo ilafumunga kuli Satana.
Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa.
17 Tambulani lupulusho ndwalamupanga Lesa, pakwinga nilukamucingilisheti cisoti cacela, kayi tambulani Maswi a Lesa awo Mushimu Uswepa ngokute kusebensesheti cibeshi.
Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.
18 Insani byonsebi mumipailo, kusenga lunyamfwo kuli Lesa. Pailani pacindi cili conse pakutangununwa ne Mushimu Uswepa, kamubani bacetuka cindi conse kwakubula kutyompwa. Paililani bantu ba Lesa bonse.
Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
19 Kamumpaililangonga kuli Lesa kwambeti ang'ambile ncendela kukambauka kwambeti njishibishe bantu kwakubula buyowa ibyo byalikuba byasolekwa mu Mulumbe Waina.
Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi,
20 Ame ndamwimanina Yesu Klistu nambi cino cindi ndasungwa mujele cebo cakwambeti bantu benshibe Mulumbe Waina. Kamumpaililako kwambeti ncane ngofu sha kukambauka Mulumbe Waina kwakubula buyowa mbuli ncendela kwinsa.
iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.
21 Lino kwambeti mwinshibe cena sha buyumi bwakame kayi ne ncetulekalanga kuno, ndatumunga Tukiko kuli njamwe mwanse wetu kayi musebenshi wa shomeka mu ncito ya Mwami, nakese akamwambile byonse.
Tikikasi, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita.
22 Encendamutumini kuli njamwe kwambeti mwinshibe ncetulekalanga ne ncetulenshinga kuno, kayi kwambeti amutontosheko myoyo.
Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive zvatiri, uye kuti akukurudzirei.
23 Lumuno ne lusuno, kayi ne lushomo lulafumunga kuli Lesa Bata ne kuli Mwami Yesu Klistu bibe pali njamwe mobanse.
Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
24 Kayi kwina moyo kwa Lesa kube pali bantu bonse bakute lusuno lwa ncinencine lutapu pali Mwami wetu Yesu Klistu.
Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.