< Псалтирь 75 >
1 В конец, да не растлиши, псалом песни Асафу. Исповемыся Тебе, Боже, исповемыся Тебе и призовем имя Твое: повем вся чудеса Твоя.
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo. Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.
2 Егда прииму время, Аз правоты возсужду.
Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama.
3 Растаяся земля и вси живущии на ней, Аз утвердих столпы ея.
Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera
4 Рех беззаконнующым, не беззаконнуйте: и согрешающым, не возносите рога.
Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.
5 Не воздвизайте на высоту рога вашего и не глаголите на Бога неправду:
Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’”
6 яко ниже от исход, ниже и запад, ниже от пустых гор.
Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.
7 Яко Бог судия есть: сего смиряет, и сего возносит.
Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.
8 Яко чаша в руце Господни, вина нерастворена исполнь растворения, и уклони от сея в сию: обаче дрождие его не истощися, испиют вси грешнии земли.
Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
9 Аз же возрадуюся в век, воспою Богу Иаковлю:
Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi; ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.
10 и вся роги грешных сломлю, и вознесется рог праведнаго.
Ndichagura nyanga dzavakaipa vose, asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.