< Псалтирь 67 >

1 В конец, в песнех, псалом песни Давиду. Боже, ущедри ны и благослови ны, просвети лице Твое на ны и помилуй ны:
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo. Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera
2 познати на земли путь Твой, во всех языцех спасение Твое.
kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.
3 Да исповедятся Тебе людие, Боже, да исповедятся Тебе людие вси.
Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
4 Да возвеселятся и да возрадуются языцы: яко судиши людем правотою, и языки на земли наставиши.
Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera
5 Да исповедятся Тебе людие, Боже, да исповедятся Тебе людие вси.
Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
6 Земля даде плод свой: благослови ны, Боже, Боже наш,
Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.
7 благослови ны, Боже: и да убоятся Его вси концы земли.
Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.

< Псалтирь 67 >