< Послание к Филиппийцам 1 >

1 Павел и Тимофей, раби Иисус Христовы, всем святым о Христе Иисусе сущым в Филиппех, с епископы и диаконы:
Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vese muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni:
2 благодать вам и мир от Бога Отца нашего и Господа Иисуса Христа.
Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
3 Благодарю Бога моего о всей памяти вашей,
Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzese,
4 всегда во всяцей молитве моей за всех вас с радостию молитву мою творя,
nguva dzese pamunyengetero wangu wega-wega pamusoro penyu mese ndichiita munyengetero nemufaro,
5 о общении вашем в благовествование от перваго дне даже и доныне,
nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvikira ikozvino;
6 надеявся на сие истое, яко начный дело благо в вас совершит е даже до дне Иисус Христова:
ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvikira zuva raJesu Kristu;
7 якоже есть праведно мне сие мудрствовати о всех вас, за еже имети ми в сердцы вас, во узах моих и во ответе и извещении благовестия, сообщников мне благодати всех вас сущих.
sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mese, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvese muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mese muri vagovani pamwe neni venyasha.
8 Свидетель бо ми есть Бог, яко люблю всех вас по милости Иисус Христове:
Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mese zvikuru sei muura hwaJesu Kristu.
9 и о сем молюся, да любовь ваша еще паче и паче избыточествует в разуме и во всяцем чувствии,
Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kwese,
10 во еже искушати вам лучшая, да будете чисти и непреткновенни в день Христов,
kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasine mhosva, kusvikira zuva raKristu,
11 исполнени плодов правды Иисус Христом, в славу и похвалу Божию.
makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari.
12 Разумети же хощу вам, братие, яко яже о мне паче во успех благовествования приидоша,
Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri;
13 яко узы моя явленны о Христе быша во всем судищи и в прочих всех,
zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wese nekuvamwe vese.
14 и множайшии братия о Господе, надеявшиися о узах моих, паче дерзают без страха слово Божие глаголати.
Nevazhinji vehama muna Ishe, vavimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi.
15 Нецыи убо по зависти и ревности, друзии же и за благоволение Христа проповедают:
Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka;
16 ови убо от рвения Христа возвещают нечисте, мняще печаль нанести узам моим:
vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu.
17 ови же от любве, ведяще, яко во ответе благовествования лежу.
Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri.
18 Что убо? Обаче всяцем образом, аще виною, аще истиною Христос проповедаемь есть, и о сем радуюся, но и возрадуюся:
Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzese, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve.
19 вем бо, яко сие сбудется ми во спасение вашею молитвою и подаянием Духа Иисус Христова,
Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu,
20 по чаянию и упованию моему, яко ни о единем же постыжуся, но во всяцем дерзновении, якоже всегда, и ныне возвеличится Христос в теле моем, аще животом, аще ли смертию.
zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwese samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu.
21 Мне бо еже жити, Христос, и еже умрети, приобретение (есть).
Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa mubairo.
22 Аще же, еже жити (ми) телом, сие мне плод дела: и что изволю, не вем.
Asi kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi.
23 Обдержимь же есмь от обою, желание имый разрешитися и со Христом быти, много паче лучше:
Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa pakunaka;
24 а еже пребывати во плоти, нужнейше (есть) вас ради.
asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu.
25 И сие известне вем, яко буду и спребуду вам всем в ваш успех и радость веры,
Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mese, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo,
26 яко да похвала ваша избыточествует о Христе Иисусе во мне, моим пришествием паки к вам.
kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve.
27 Точию достойне благовествованию Христову жителствуйте, да аще пришед и видев вас, аще и не сый у вас, услышу яже о вас, яко (истиною) стоите во единем дусе, и единодушне сподвизающеся по вере Благовествования (волею),
Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri;
28 и не колеблющеся ни о единем же от сопротивных: еже тем убо есть явление погибели, вам же спасения. И сие от Бога:
uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari.
29 яко вам даровася, еже о Христе, не токмо еже в Него веровати, но и еже по Нем страдати,
Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo;
30 тойже подвиг имуще, яков же во мне видесте и ныне слышите о мне.
mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri.

< Послание к Филиппийцам 1 >