< Книга пророка Михея 6 >

1 Слышите, яже глагола Господь: востани, судися с горами, и да слышат холми глас твой.
Teererai zvinotaurwa naJehovha: “Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo; zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura.
2 Слышите, горы, суд Господень, и дебри основания земли, яко суд Господень к людем Его, и со Израилем претися имать.
Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha; teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi. Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake; anopa Israeri mhosva.
3 Людие Мои, что сотворих вам, или чим оскорбих вас, или чим стужих вам? Отвещайте Ми.
“Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei.
4 Зане изведох вас из земли Египетския и из дому работы избавих вас, и послах пред вами Моисеа и Аарона и Мариам.
Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda. Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai, naAroniwo naMiriamu.
5 Людие Мои, помяните убо, что совеща на вы Валак царь Моавитский, и что ему отвеща Валаам сын Веоров, от Сития до Галгал? Яко да познается правда Господня.
Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”
6 В чем постигну Господа, срящу Бога моего Вышняго? Срящу ли Его со всесожжением, телцы единолетными?
Ndichauya neiko pamberi paJehovha. Uye ndigokotama sei pamberi paMwari anokudzwa? Ndingauye pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here?
7 Еда приимет Господь в тысящах овнов, или во тмах козлищ тучных? Дам ли первенцы моя о нечестии моем, плод утробы моея, за грехи души моея?
Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondobwe, uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here? Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here?
8 Возвестися бо тебе, человече, что добро, или чесого Господь ищет от тебе, разве еже творити суд и любити милость и готову быти еже ходити с Господем Богом твоим?
Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.
9 Глас Господень граду призовется, и спасет боящыяся имене Его: послушай, племя, и кто украсит град?
Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta, uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri: “Chenjererai shamhu naIye akaituma.
10 Еда огнь и дом беззаконнаго собирая имения беззаконная и со укоризною неправды?
Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa?
11 Еда оправдится в мериле беззаконник и во вретищи меры неправыя,
Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here?
12 от нихже богатство свое нечестия наполниша? И живущии в ней глаголаху лжу, и язык их вознесеся во устех их.
Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera.
13 И Аз начну поражати тя и погублю тя во гресех твоих.
Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai, kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
14 Ты ясти будеши и не насытишися, и померкнет в тебе, и совратишися, и не спасешися: и елицы аще избудут, оружию предадятся.
Muchadya asi hamungaguti: dumbu renyu richaramba risina chinhu. Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta, nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo.
15 Ты посееши, но не пожнеши: ты изгнетеши масличие, но не помажешися маслом: и насадите вино, и не испиете: и погибнут законы людий Моих.
Muchadyara asi hamungakohwi; muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho, muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho.
16 И хранил еси оправдания Замвриина и вся дела дому Ахаавля, и ходисте в советех их, яко да предам тя в пагубу, и живущыя в ней во звиздание, и укоризны людий приимете.
Makachengeta zvirevo zvaOmuri uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo. Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa, nevanhu venyu mukusekwa; muchatakura kushorwa kwendudzi.”

< Книга пророка Михея 6 >