< От Марка святое благовествование 7 >

1 И собрашася к Нему фарисее и нецыи от книжник, пришедшии от Иерусалима:
Zvino kwakaunganira kwaari VaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;
2 и видевше некиих от ученик Его нечистыми руками, сиречь неумовеными, ядущих хлебы, ругахуся.
vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.
3 Фарисее бо и вси Иудее, аще не трыюще умыют рук, не ядят, держаще предания старец:
Nokuti VaFarisi, neVaJudha vese, havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.
4 и от торжища, аще не покуплются, не ядят. И ина многа суть, яже прияша держати: погружения сткляницам и чваном и котлом и одром.
Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakange vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.
5 Потом же вопрошаху Его фарисее и книжницы: почто ученицы Твои не ходят по преданию старец, но неумовеными руками ядят хлеб?
Ipapo VaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?
6 Он же отвещав рече им, яко добре пророчествова Исаиа о вас лицемерех, якоже есть писано: сии людие устнами Мя чтут, сердце же их далече отстоит от Мене,
Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Rudzi urwu rwunondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.
7 всуе же чтут Мя, учаще учением, заповедем человеческим:
Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, dziri mirairo yevanhu.
8 оставльше бо заповедь Божию, держите предания человеческая, крещения чваном и сткляницам, и ина подобна такова многа творите.
Nokuti munosiya murairo waMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.
9 И глаголаше им: добре отметаете заповедь Божию, да предание ваше соблюдете:
Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.
10 Моисей бо рече: чти отца твоего и матерь твою: и иже злословит отца или матерь, смертию да умрет:
Nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.
11 вы же глаголете: аще речет человек отцу или матери: корван, еже есть дар, иже аще пользовался еси от мене:
Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani", ndokuti chipo kuna Mwari;
12 и не ктому оставляете его что сотворити отцу своему или матери своей,
hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu,
13 преступающе слово Божие преданием вашим, еже предасте: и подобна такова многа творите.
muchishayisa shoko raMwari maturo netsika yenyu yamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
14 И призвав весь народ, глаголаше им: послушайте Мене вси и разумейте:
Zvino wakati adanira kwaari chaunga chese akati kwavari: Nditeererei mese, munzwisise.
15 ничтоже есть внеуду человека входимо в онь, еже может осквернити его: но исходящая от него, та суть сквернящая человека:
Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.
16 аще кто имать ушы слышати, да слышит.
Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
17 И егда вниде в дом от народа, вопрошаху Его ученицы Его о притчи.
Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
18 И глагола им: тако ли и вы неразумливи есте? Не разумеете ли, яко все, еже извне входимое в человека, не может осквернити его?
Akati kwavari: Saizvozvo nemwi muri vasina kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti chese chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?
19 Яко не входит ему в сердце, но во чрево: и афедроном исходит, истребляя вся брашна.
Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa kudya kwese.
20 Глаголаше же, яко исходящее от человека, то сквернит человека:
Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.
21 извнутрь бо от сердца человеческа помышления злая исходят, прелюбодеяния, любодеяния, убийства,
Nokuti kubva mukati mumoyo wevanhu inobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,
22 татьбы, лихоимства, (обиды, ) лукавствия, лесть, студодеяния, око лукаво, хула, гордыня, безумство:
umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;
23 вся сия злая извнутрь исходят и сквернят человека.
zvese zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.
24 И оттуду востав, иде в пределы Тирски и Сидонски: и вшед в дом, ни когоже хотяше, дабы его чул: и не може утаитися.
Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neanozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.
25 Слышавши бо жена о Нем, еяже дщи имяше духа нечиста, пришедши припаде к ногама Его:
Nokuti mukadzi waiva nemukunda mudiki akange ane mweya wetsvina, akanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.
26 жена же бе еллинска, сирофиникисса родом: и моляше Его, да беса изженет из дщере ея.
Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.
27 Иисус же рече ей: остави, да первее насытятся чада: несть бо добро отяти хлеб чадом и поврещи псом.
Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.
28 Она же отвещавши глагола Ему: ей, Господи: ибо и пси под трапезою ядят от крупиц детей.
Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; nokuti kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.
29 И рече ей: за сие слово, иди: изыде бес из дщере твоея.
Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabuda pamukunda wako.
30 И шедши в дом свой, обрете беса изшедша и дщерь лежащу на одре.
Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, mukunda arere panhovo.
31 И паки изшед Иисус от предел Тирских и Сидонских, прииде на море Галилейско, между пределы Декапольски.
Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.
32 И приведоша к Нему глуха и гугнива, и моляху Его, да возложит нань руку.
Zvino vakauisa kwaari matsi yaikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.
33 И поемь его от народа единаго, вложи персты Своя во ушы его и плюнув коснуся языка его:
Akamutora ari ega kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.
34 и воззрев на небо, воздохну и глагола ему: еффафа, еже есть разверзися.
Atarira kumusoro kudenga, akatura befu, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!
35 И абие разверзостася слуха его, и разрешися уза языка его, и глаголаше право.
Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.
36 И запрети им, да ни комуже поведят: елико же им Той запрещаше, паче излиха проповедаху.
Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi paainyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.
37 И преизлиха дивляхуся, глаголюще: добре все творит: и глухия творит слышати, и немыя глаголати.
Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zvese zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.

< От Марка святое благовествование 7 >