< От Луки святое благовествование 22 >
1 Приближашеся же праздник опреснок, глаголемый Пасха:
Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.
2 и искаху архиерее и книжницы, како бы убили Его: бояхуся бо людий.
Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vaitya vanhu.
3 Вниде же сатана во Иуду нарицаемаго Искариот, суща от числа обоюнадесяте,
Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi anotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.
4 и шед глагола архиереом и воеводам, како Его предаст им.
Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti angamutengesa sei kwavari.
5 И возрадовашася и совещаша ему сребреники дати:
Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.
6 и исповеда и искаше удобна времене, да предаст Его им без народа.
Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.
7 Прииде же день опресноков, в оньже подобаше жрети пасху:
Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.
8 и посла Петра и Иоанна, рек: шедша уготовайта нам пасху, да ямы.
Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.
9 Она же рекоста Ему: где хощеши уготоваем?
Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?
10 Он же рече има: се, восходящема вама во град, срящет вы человек в скудельнице воду нося: по нем идета в дом, в оньже входит,
Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.
11 и рцета дому владыце: глаголет тебе Учитель: где есть обитель, идеже пасху со ученики Моими снем?
Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi anoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?
12 И той вама покажет горницу велию постлану: ту уготовайта.
Uye iye achakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.
13 Шедша же обретоста, якоже рече има: и уготоваста пасху.
Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.
14 И егда бысть час, возлеже, и обанадесяте Апостола с Ним,
Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.
15 и рече к ним: желанием возжелех сию пасху ясти с вами, прежде даже не прииму мук:
Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;
16 глаголю бо вам, яко отселе не имам ясти от нея, дондеже скончаются во Царствии Божии.
nokuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.
17 И приим чашу, хвалу воздав, рече: приимите сию, и разделите себе:
Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.
18 глаголю бо вам, яко не имам пити от плода лознаго, дондеже Царствие Божие приидет.
Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.
19 И приим хлеб, хвалу воздав, преломи и даде им, глаголя: сие есть тело Мое, еже за вы даемо: сие творите в Мое воспоминание.
Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopiwa pachinzvimbo chenyu; izvi itai kundirangarira.
20 Такожде же и чашу по вечери, глаголя: сия чаша Новый Завет Моею кровию, яже за вы проливается:
Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.
21 обаче се, рука предающаго Мя со Мною (есть) на трапезе,
Asi tarirai, ruoko rweanonditengesa rwuneni patafura.
22 и Сын убо Человеческий идет по реченному: обаче горе человеку тому, имже предается.
Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu anoenda sezvazvakatemwa; asi ane nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!
23 И тии начаша искати в себе, который убо от них хощет сие сотворити.
Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari achaita chinhu ichi.
24 Бысть же и пря в них, кий мнится их быти болий.
Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari anoverengwa semukurusa.
25 Он же рече им: царие язык господствуют ими, и обладающии ими благодателе нарицаются:
Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.
26 вы же не тако: но болий в вас, да будет яко мний: и старей, яко служай.
Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semudiki, nemutungamiriri seanoshandira.
27 Кто бо болий, возлежай ли, или служай? Не возлежай ли? Аз же посреде вас есмь яко служай.
Nokuti ndiani mukuru, uyo agere pakudya kana anoshandira? Haasi iye agere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seanoshandira.
28 Вы же есте пребывше со Мною в напастех Моих,
Nemwi ndimwi makagara neni pamiedzo yangu;
29 и Аз завещаваю вам, якоже завеща Мне Отец Мой, Царство,
zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;
30 да ясте и пиете на трапезе Моей во Царствии Моем: и сядете на престолех, судяще обеманадесяте коленома Израилевома.
kuti mudye nekunwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
31 Рече же Господь: Симоне, Симоне, се, сатана просит вас, дабы сеял, яко пшеницу:
Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;
32 Аз же молихся о тебе, да не оскудеет вера твоя: и ты некогда обращься утверди братию твою.
asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.
33 Он же рече Ему: Господи, с Тобою готов есмь и в темницу и на смерть ити.
Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvese mutirongo nemurufu.
34 Он же рече: глаголю ти, Петре, не возгласит петель днесь, дондеже трикраты отвержешися Мене не ведети.
Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.
35 И рече им: егда послах вы без влагалища и без меха и без сапог, еда чесого лишени бысте? Они же реша: ничесоже.
Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.
36 Рече же им: но ныне иже имать влагалище, да возмет, такожде и мех: а иже не имать, да продаст ризу свою, и купит нож:
Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, ane chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neasina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.
37 глаголю бо вам, яко еще писаное се, подобает, да скончается о Мне, еже: и со беззаконными вменися. Ибо еже о Мне, кончину имать.
Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nokuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.
38 Они же реша: Господи, се, ножа зде два. Он же рече им: доволно есть.
Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
39 И изшед иде по обычаю в гору Елеонскую: по Нем же идоша ученицы Его.
Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidziwo vake vakamutevera.
40 Быв же на месте, рече им: молитеся, да не внидете в напасть.
Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.
41 И Сам отступи от них яко вержением камене, и поклонь колена моляшеся,
Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama akanyengetera,
42 глаголя: Отче, аще волиши мимонести чашу сию от Мене: обаче не Моя воля, но Твоя да будет.
achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.
43 Явися же Ему Ангел с небесе, укрепляя Его.
Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.
44 И быв в подвизе, прилежнее моляшеся: бысть же пот Его яко капли крове каплющыя на землю.
Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.
45 И востав от молитвы (и) пришед ко учеником, обрете их спящих от печали
Zvino wakati asimuka pamunyengetero, akauya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.
46 и рече им: что спите? Воставше молитеся, да не внидете в напасть.
Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.
47 Еще же Ему глаголющу, се, народ, и нарицаемый Иуда, един от обоюнадесяте, идяше пред ними, и приступи ко Иисусови целовати Его. Сие бо бе знамение дал им: Егоже аще лобжу, Той есть.
Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.
48 Иисус же рече ему: Иудо, лобзанием ли Сына Человеческаго предаеши?
Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?
49 Видевше же, иже беху с Ним, бываемое, реша Ему: Господи, аще ударим ножем?
Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?
50 И удари един некий от них архиереова раба и уреза ему ухо десное.
Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.
51 Отвещав же Иисус рече: оставите до сего. И коснувся уха его, изцели его.
Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.
52 Рече же Иисус ко пришедшым Нань архиереом и воеводам церковным и старцем: яко на разбойника ли изыдосте со оружием и дрекольми яти Мя?
Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?
53 По вся дни сущу Ми с вами в церкви, не простросте руки на Мя: но се есть ваша година и область темная.
Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.
54 Емше же Его ведоша и введоша Его во двор архиереов. Петр же вслед идяше издалеча.
Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakapinda naye mumba memupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.
55 Возгнещшым же огнь посреде двора и вкупе седящым им, седяше Петр посреде их.
Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.
56 Узревши же его рабыня некая седяща при свете и воззревши нань, рече: и сей с Ним бе.
Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo wakange anaye.
57 Он же отвержеся Его, глаголя: жено, не знаю Его.
Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi.
58 И помале другий видев его, рече: и ты от них еси. Петр же рече: человече, несмь.
Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handisi.
59 И мимошедшу яко часу единому, ин некий крепляшеся глаголя: воистинну и сей с Ним бе: ибо Галилеанин есть.
Zvino nguva inenge awa rimwe yakati yapfuura, umwezve wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nokuti muGarireawo.
60 Рече же Петр: человече, не вем, еже глаголеши. И абие, еще глаголющу ему, возгласи петель.
Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.
61 И обращься Господь воззре на Петра: и помяну Петр слово Господне, якоже рече ему, яко прежде даже петель не возгласит, отвержешися Мене трикраты.
Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
62 И изшед вон плакася горько.
Zvino Petro wakabuda panze akachema zvinorwadza.
63 И мужие держащии Иисуса ругахуся Ему, биюще:
Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamuseka, vakamurova.
64 и закрывше Его, бияху Его по лицу и вопрошаху Его, глаголюще: прорцы, кто есть ударей Тя?
Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?
65 И ина многа хуляще глаголаху Нань.
Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachituka.
66 И яко бысть день, собрашася старцы людстии и архиерее и книжницы, и ведоша Его на сонм свой,
Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti:
67 глаголюще: аще Ты еси Христос? Рцы нам. Рече же им: аще вам реку, не имете веры:
Kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;
68 аще же и вопрошу (вы), не отвещаете Ми, ни отпустите:
uyewo kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.
69 отселе будет Сын Человеческий седяй о десную силы Божия.
Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.
70 Реша же вси: Ты ли убо еси Сын Божий? Он же к ним рече: вы глаголете, яко Аз есмь.
Vese ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.
71 Они же реша: что еще требуем свидетелства? Сами бо слышахом от уст Его.
Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nokuti tomene tanzwa pamuromo wake.