< Книга Судей израилевых 21 >
1 И сынове Израилевы кляшася в Массифе, глаголюще: муж от нас да не даст Вениамину дщере своея в жену.
Varume veIsraeri vakanga vaita mhiko paMizipa vachiti: “Hapana mumwe wedu acharoodza mwanasikana wake kumuBhenjamini.”
2 И приидоша людие в Вефиль и седеша тамо до вечера пред Богом: и воздвигоша глас свой, и плакашася плачем велиим, и рекоша:
Vanhu vakaenda kuBheteri, uko kwavakagara pamberi paMwari kusvikira madekwana, vachisimudza manzwi avo uye vachichema zvikuru.
3 вскую, Господи Боже Израилев, бысть сице днесь во Израили, еже оскудети от Израиля племени единому?
Vakachema vachiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, seiko izvi zvakaitika kuIsraeri? Seiko rumwe rudzi rwashayikwa muIsraeri nhasi?”
4 И бысть на утрия, и обутреша людие, и соградиша тамо олтарь, и вознесоша всесожжение спасения, и рекоша сынове Израилевы:
Mangwanani ezuva rakatevera, vanhu vakavaka aritari vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.
5 кто не взыде в сонм от всех племен Израилевых ко Господу? Яко велика клятва бяше не вшедшым ко Господу в Массифу, глаголюще: смертию да умрет.
Ipapo vaIsraeri vakabvunza vakati, “Ndianiko kubva kumarudzi ose aIsraeri akatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha?” Nokuti vakanga vaita mhiko kuti ani zvake anotadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa anofanira kuurayiwa zvirokwazvo.
6 И умилишася сынове Израилевы о Вениамине брате своем, и рекоша: изсечено днесь едино племя от Израиля:
Zvino vaIsraeri vakasuwa nokuda kwehama dzavo, vaBhenjamini. Vakati, “Nhasi rumwe rudzi rwabviswa pana Israeri.
7 что сотворим оставшымся о женах? И мы кляхомся Господем не дати им от дщерей наших в жены.
Tichapa seiko vakadzi kuna avo vakasara, sezvo takapika kuna Jehovha kuti tirege kupa upi zvake wavanasikana vedu kuti awanikwe navo.”
8 И рекоша: кто един от племен Израилевых, иже не взыде ко Господу в Массифу? И се, ни един прииде в полк от Иависа Галаадова в сонм.
Ipapo vakabvunza vakati, “Ndavapiko pamarudzi aIsraeri vakatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa?” Vakawana kuti kwakanga kusina munhu aibva kuJabheshi Gireadhi akanga auya kumusasa kuungano.
9 И соглядаша людий, и се, не бяше тамо мужа от живущих во Иависе Галаадове.
Nokuti vakati vaverenga vanhu, vakaona kuti kwakanga kusina munhu weJabheshi Gireadhi akanga aripo.
10 И послаша тамо сонм дванадесять тысящ мужей от сынов силы и заповедаша им, глаголюще: идите и избийте живущыя во Иависе Галаадове оружием жены и народы:
Saka ungano yakatuma varume vehondo zviuru gumi nezviviri vakavarayira kuti vaende kuJabheshi Gireadhi vandouraya nomunondo vanhu vaigarako, kusanganisira vakadzi navana.
11 и сие сотворите: всяк мужеский пол и всяку жену, познавшую ложе мужеско, побиете: девицы же снабдите. И сотвориша тако.
Vakati, “Hezvi zvamunofanira kuita: Urayai murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe asiri mhandara.”
12 И обретоша от живущих во Иависе Галаадове четыре ста отроковиц дев, яже не познаша ложа мужеска: и приведоша я в полк в Силом, иже есть в земли Ханаани.
Vakawana pakati pavanhu vaigara muJabheshi Gireadhi mhandara mazana mana vakanga vasina kumbovata navarume, vakaenda navo kumusasa paShiro muKenani.
13 И послаша весь сонм и глаголаша к сыном Вениаминовым, иже в камени Реммони, и призваша их с миром.
Ipapo ungano yose yakatuma nhume neshoko rorugare kuvaBhenjamini paruware rweRimoni.
14 И возвратися Вениамин к сыном Израилевым в то время, и даша им сынове Израилевы жены, яже живо сохраниша от дщерей Иависа Галаадова: и угодно бысть им тако.
Saka vaBhenjamini vakadzoka panguva iyoyo vakapiwa vakadzi veJabheshi Gireadhi vakanga vasara. Asi vakanga vasina kuvakwanira vose.
15 И людие умилишася о Вениамине, яко сотвори Господь истребление в племенех Израилевых.
Vanhu vakasuwa nokuda kweBhenjamini, nokuti Jehovha akanga aisa mukaha mumarudzi avaIsraeri.
16 И рекоша старейшины сонма: что сотворим оставшым о женах? Яко погибе от Вениамина жена:
Uye vakuru veungano vakati, “Sezvo vakadzi veBhenjamini vakaparadzwa, tichawanira seiko varume vakasara vakadzi?”
17 и како будет наследие уцелевших от Вениамина, да не погибнет племя от Израиля?
Vakati, “VaBhenjamini vakasara vanofanira kuva navadyi venhaka kuitira kuti rudzi rwaIsraeri rurege kurova.
18 И мы не возможем дати им жен от дщерей наших, яко кляшася сынове Израилевы, глаголюще: проклят даяй жену Вениамину.
Hatigoni kuvapa vanasikana vedu kuti vave vakadzi vavo sezvo isu vaIsraeri takapika tichiti, ‘Ngaatukwe munhu anopa mukadzi kumuBhenjamini.’
19 И рекоша: се, праздник Господень в Силоме от дний во дни, иже есть от севера Вефиля, на восток солнца на пути восходящем от Вефиля в Сихем, и от юга Левоны.
Asi tarirai, kune mutambo waJehovha wegore negore paShiro, nechokumusoro kweBheteri, kumabvazuva omugwagwa unobva kuBheteri uchienda kuShekemu, nezasi kweRebhona.”
20 И заповедаша сыном Вениаминим, глаголюще: идите и засядите в виноградех,
Saka vakarayira vaBhenjamini vakati, “Endai mundovanda muminda yemizambiringa
21 и узрите, и се, егда изыдут дщери живущих в Силоме плясати в лики, да изыдете из виноградов и восхитите муж жену себе от дщерей Силомлих, и идите на землю Вениаминю:
uye mutarire. Vasikana veShiro pavanobuda kuti vandotamba navamwe, ipapo mumhanye muchibva muminda yemizambiringa mumwe nomumwe wenyu azvitorere mukadzi kubva kuvasikana veShiro mugoenda henyu kunyika yavaBhenjamini.
22 и будет егда приидут отцы их или братия их судитися к нам, и речем им: помилуйте нас ими, яко не взя муж жены своея в полце: понеже вы не дали есте им яко жребий, согрешисте.
Madzibaba avo kana hanzvadzi dzavo pavanouya kuzomhanʼara kwatiri, isu tichati kwavari, ‘Tiitirei henyu zvakanaka nokuvabatsira, nokuti hatina kuvawanira vakadzi panguva yehondo, uye imi hamuna mhosva, sezvo musina kupa vanasikana venyu kwavari.’”
23 И сотвориша тако сынове Вениамини, и пояша жены по числу своему от пляшущих, яже восхитиша: и отидоша и возвратишася в наследие свое, и создаша грады и вселишася в них.
Saka ndizvo zvakaitwa navaBhenjamini. Vasikana vachiri kutamba, murume mumwe nomumwe akabata musikana ndokuenda naye kuti ave mukadzi wake. Ipapo vakadzokera kunhaka yavo uye vakavakazve maguta vakagara maari.
24 И отидоша оттуду сынове Израилевы в то время, муж во племя свое и в род свой: и изыде оттуду муж в наследие свое.
Panguva iyoyo vaIsraeri vakabva panzvimbo iyo vakaenda kumusha kumarudzi avo nokudzimba dzavo, mumwe nomumwe kunhaka yake pachake.
25 И в тыя дни не бяше царя во Израили: муж еже угодно пред очима его, творяше.
Mumazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati paIsraeri; mumwe nomumwe aiita zvaaifunga kuti zvakanaka.