< Книга пророка Иеремии 40 >
1 Слово бывшее ко Иеремии от Господа, повнегда отпусти его Навузардан архимагир из Рамы, егда взя его связанаго путы от среды, от Иерусалима и от Иуды преселения, ведомых в Вавилон.
Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokusunungurwa kwake paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi. Akanga awana Jeremia akasungwa nengetani ari pakati pavatapwa vose vaibva kuJerusarema neJudha avo vakanga vachiendeswa kuutapwa kuBhabhironi.
2 И взя его архимагир и рече ему: Господь Бог твой соглаголал есть злая сия на место сие:
Mukuru wavarindi akati awana Jeremia, akati kwaari, “Jehovha Mwari wako akatenda kuti njodzi iyi iwire nzvimbo ino.
3 и приведе, и сотвори Господь, якоже рече, зане согрешисте Ему и не послушасте гласа Его, и бысть вам глагол сей.
Zvino Jehovha aita kuti zviitike, aita sezvaakareva kuti achaita. Izvi zvose zvakaitika nokuti imi vanhu makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera.
4 И се, ныне разреших тя от уз, яже на руку твоею: аще ти есть добро ити со мною в Вавилон, поиди, и положу очи мои на тя: аще же ни, остани зде: се, вся земля пред лицем твоим есть: что изволиши, и аможе восхощеши ити, тамо иди:
Asi nhasi ndinokusunungura kubva pangetani dziri mumaoko ako. Uya tiende tose kuBhabhironi, kana uchida, ini ndichakuchengeta; asi kana usingadi, usauya. Tarira, nyika yose iri pamberi pako; enda hako kwose kwaunoda.”
5 и возвратися ко Годолии, сыну Ахикамову, сыну Сафаню, егоже постави царь Вавилонский в земли Иудине, и живи с ним среде людий, во всех благих пред очима твоима, еже ходити, и ходи. И даде ему архимагир пищу и дары и отпусти его.
Kunyange zvakadaro hazvo, Jeremia asati atendeuka kuti aende, Nebhuzaradhani akaenderera mberi achiti, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani uyo akagadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wemaguta eJudha, undogara naye pakati pavanhu, kana kuti woenda kwose kwaunoda.” Ipapo mukuru wavarindi akamupa zvokudya zvokutakura nezvipo akamurega achienda.
6 И прииде Иеремиа ко Годолии сыну Ахмикамову в Массифаф и седе среде людий своих оставшихся на земли.
Saka Jeremia akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa akandogara naye pakati pavanhu vakanga vasara munyika.
7 И егда услышаша вси воеводы силы яже на селе, тии и силы их, яко поставил есть царь Вавилонский Годолию сына Ахикамова (властелина) над землею, и яко предаде ему мужы и жены и дети, и от убогих земли, иже не преведени быша в Вавилон:
Vakuru vehondo navanhu vakanga vachigara mumasango enyika vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami kuti ave mubati wenyika uye kuti mambo akanga amuita mutariri wavarume, vakadzi navana, avo vakanga vari varombo zvakanyanya munyika uye vakanga vasina kuendeswa pautapwa kuBhabhironi,
8 приидоша ко Годолии в Массифаф Исмаил сын Нафаниин и Иоанан, и Ионафан сын Кариев и Сареа сын Фанаемефов, и сынове Офи, иже беша из Нетофафы, и Иезониа сын Махафы, тии и мужие их.
vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, Johanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti, mwanakomana waEfai muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.
9 И клятся им Годолиа и мужем их, глаголя: не убойтеся от лица отрок Халдейских: вселитеся на земли и служите царю Вавилонску, и лучше вам будет:
Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akapika mhiko yokuvasimbisa ivo navanhu vavo achiti, “Musatya kushandira vaBhabhironi. Garai henyu munyika mushandire mambo weBhabhironi, zvigokuitirai zvakanaka.
10 и се, аз сежу в Массифафе, стати противу лицу Халдейску, иже аще приидут на вас: вы же соберите вино и овощь, и соберите масло, и влийте в сосуды своя, и вселитеся во грады, яже удержасте.
Ini pachangu ndichagara paMizipa kuti ndikumirirei pamberi pavaBhabhironi vanouya kwatiri, asi imi munofanira kukohwa waini, nezvibereko zvezhizha namafuta mugozviisa mumidziyo yenyu, mugogara mumaguta amakakunda.”
11 И вси Иудее, иже в земли Моавли и в сынех Аммоних, и иже во Идумеи и иже во всей земли, услышаша, яко дал есть царь Вавилонский останок во Иуде и яко поставил есть над ними Годолию сына Ахикамова, сына Сафанова.
VaJudha vose vaiva muMoabhu, muAmoni, nevemuEdhomu nedzimwe nyika dzose vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asiya vamwe vanhu muJudha uye kuti akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, somubati pamusoro pavo,
12 И приидоша вси Иудее от всех мест, в няже бяху убегли, и приидоша ко Годолии в землю Иудину в Массифаф, и собраша вино и овощь и масло много зело.
vose vakadzoka kunyika yeJudha, kuna Gedharia paMizipa, vachibva kunyika dzose kwavakanga vakaparadzirwa. Uye vakakohwa waini yakawanda nezvibereko zvezhizha zvizhinji kwazvo.
13 Иоанан же сын Кариев и вси воеводы силы, иже на селех, приидоша ко Годолии в Массифаф
Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vakanga vachiri kumasango vakauya kuna Gedharia paMizipa.
14 и рекоша ему: веси ли, яко Велиса царь сынов Аммоних посла к тебе Исмаила сына Нафаниева поразити душу твою? И не верова им Годолиа сын Ахикамль.
Vakati kwaari, “Hauzivi here kuti Bhaarisi mambo wavaAmoni atuma Ishumaeri mwanakomana waNetania kuti azokuuraya?” Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.
15 Иоанан же сын Кариев рече ко Годолии отай в Массифафе, глаголя: да иду убо и побию Исмаила, сына Нафаниина: и никтоже да увесть, да не како поразит душу твою, и разсыплется весь Иуда собраный к тебе, и погибнет останок Иудин.
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akati kuna Gedharia muchivande vari paMizipa, “Rega ndinouraya Ishumaeri mwanakomana waNetania, uye hapana achazviziva. Anodirei kukuuraya nokuita kuti vaJudha vose vakaungana, vakakupoteredza, vaparadzirwe uye vakasara veJudha vaparare?”
16 И рече Годолиа ко Иоанану сыну Кариеву: не сотвори дела сего, яко лжу ты глаголеши на Исмаила.
Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu chakadaro! Zvauri kutaura pamusoro paIshumaeri hazvisi zvechokwadi.”