< Бытие 18 >

1 Явися же ему Бог у дуба Мамврийска, седящу ему пред дверми сени своея в полудни.
Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa.
2 Воззрев же очима своима, виде, и се, трие мужие стояху над ним: и видев притече в сретение им от дверей сени своея: и поклонися до земли
Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi.
3 и рече: Господи, аще убо обретох благодать пред Тобою, не мини раба Твоего:
Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu.
4 да принесется вода и омыются ноги ваши, и прохладитеся под древом:
Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu.
5 и принесу хлеб, да ясте, и посем пойдете в путь свой, егоже ради уклонистеся к рабу вашему. И рекоша: тако сотвори, якоже глаголал еси.
Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati, “Zvakanaka, ita hako sezvawareva.”
6 И потщася Авраам в сень к Сарре и рече ей: ускори и смеси три меры муки чисты, и сотвори потребники.
Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.”
7 И тече Авраам ко кравам, и взя телца млада и добра, и даде рабу, и ускори приготовити е.
Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira.
8 И взя масло, и млеко, и телца, егоже приготова: и предложи им, и ядоша: сам же стояше пред ними под древом.
Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.
9 Рече же к нему: где Сарра жена твоя? Он же отвещав, рече: се, в сени.
Vakamubvunza vakati, “Mukadzi wako Sara aripiko?” Iye akati, “Ari mutende umo.”
10 Рече же: (се) возвращаяся прииду к тебе во время сие в часы, и родит сына Сарра жена твоя. Сарра же услыша пред дверми сени сущи за ним.
Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake.
11 Авраам же и Сарра стара (беста, ) заматеревшая во днех: и престаша Сарре бывати женская.
Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana.
12 Разсмеяся же Сарра в себе, глаголющи: не у было ми убо доселе, господин же мой стар.
Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?”
13 И рече Господь ко Аврааму: что яко разсмеяся Сарра в себе, глаголющи: еда истинно рожду? Аз же состарехся.
Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’
14 Еда изнеможет у Бога слово? В сие время возвращуся к тебе в часы, и будет Сарре сын.
Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.”
15 Отречеся же Сарра, глаголющи: не разсмеяхся: убояся бо. И рече ей: ни, но разсмеялася еси.
Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.” Asi iye akati, “Hongu, waseka.”
16 Воставше же оттуду мужие, воззреша на лице Содома и Гоморра: Авраам же идяше с ними, провождая их.
Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza.
17 Господь же рече: еда утаю Аз от Авраама раба Моего, яже Аз творю?
Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here.
18 Авраам же бывая будет в язык велик и мног, и благословятся о нем вси языцы земнии:
Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye.
19 вем бо, яко заповесть сыном своим и дому своему по себе, и сохранят пути Господни творити правду и суд, яко да наведет Господь на Авраама вся, елика глагола к нему.
Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.”
20 Рече же Господь: вопль Содомский и Гоморрский умножися ко Мне, и греси их велицы зело:
Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa
21 сошед убо узрю, аще по воплю их грядущему ко Мне совершаются: аще же ни, да разумею.
zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.”
22 И обратившеся оттуду мужие, приидоша в Содом: Авраам же еще бяше стояй пред Господем.
Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha.
23 И приближився Авраам, рече: погубиши ли праведнаго с нечестивым, и будет праведник яко нечестивый?
Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here?
24 Аще будут пятьдесят праведницы во граде, погубиши ли я? Не пощадиши ли всего места пятидесяти ради праведных, аще будут в нем?
Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo?
25 Никакоже Ты сотвориши по глаголу сему, еже убити праведника с нечестивым, и будет праведник яко нечестивый: никакоже, Судяй всей земли, не сотвориши ли суда?
Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”
26 Рече же Господь: аще будут в Содомех пятьдесят праведницы во граде, оставлю весь град и все место их ради.
Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.”
27 И отвещав Авраам, рече: ныне начах глаголати ко Господу моему, аз же есмь земля и пепел:
Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota,
28 аще же умалятся пятьдесят праведницы в четыредесять пять, погубиши ли четыредесяти пятих ради весь град? И рече: не погублю, аще обрящу тамо четыредесять пять.
ko, kana kukashayikwa vashanu kune vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?” Akati, “Kana ndikawana makumi mana navashanu imomo, handingariparadzi.”
29 И приложи еще глаголати к Нему, и рече: аще же обрящутся тамо четыредесять? И рече: не погублю ради четыредесяти.
Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi mana iwayo, handingaiti izvozvo.”
30 И рече: что, Господи, аще возглаголю? Аще же обрящется тамо тридесять? И рече: не погублю тридесятих ради.
Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Handingaiti izvozvo kana ndikawana makumi matatu chete.”
31 И рече: понеже имам глаголати ко Господу: аще же обрящутся тамо двадесять? И рече: не погублю, аще обрящутся тамо двадесять.
Abhurahama akati, “Zvino zvandatsunga hangu kudai kuti nditaure kuna Ishe, ko, kana makumi maviri akawanikwamo?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi maviri iwayo, handingariparadzi.”
32 И рече: что, Господи, аще возглаголю еще единою? Аще же обрящутся тамо десять? И рече: не погублю десятих ради.
Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai hangu nditaurezve kamwe chete. Ko, kana gumi chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Nokuda kwaivavo gumi, handingariparadzi.”
33 Отиде же Господь, яко преста глаголя ко Аврааму: и Авраам возвратися на место свое.
Jehovha akati apedza kutaura naAbhurahama, akabva, uye Abhurahama akadzoka kumba kwake.

< Бытие 18 >