< Книга Ездры 9 >

1 И егда совершена быша сия, приступиша ко мне князие, глаголюще: не отлучишася людие Израилевы и священницы и левити от людий земных, (но) в мерзостех их (суть), иже суть Хананее, Еффее, Ферезее, Иевусее, Аммонитяне, Моавитяне и Мосеритяне и Аморреане,
Mushure mokunge zvinhu izvi zvose zvaitwa, vatungamiri vakauya kwandiri vakati, “Vanhu veIsraeri, zvichisanganisira vaprista navaRevhi, havana kuzvitsaura kubva kumarudzi avakavakidzana nawo nezvinonyangadza zvavo, zvakafanana nezvevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaIjipita uye navaAmori.
2 понеже пояша от дщерей их себе и сыном своим, и смесися семя святое с людьми земными, и рука князей и воевод в преступлении сем в начале.
Vakatora vanasikana vavo vakavapa kuti vave vakadzi vavo uye nevevanakomana vavo, uye vakasanganisa rudzi rutsvene navanhu vakavapoteredza. Uye vatungamiri namakurukota ndivo vakatanga pakusatendeka uku.”
3 И егда услышах словеса сия, раздрах ризы моя, и вострепетах, и терзах власы главы моея и брады моея, и седох тужа.
Zvino ndakati ndichinzwa izvi, ndakabvarura nguo yangu nejasi rangu, ndikadzura bvudzi kubva mumusoro mangu nendebvu dzangu uye ndikagara pasi ndashungurudzika.
4 И собрашася ко мне вси боящиися слова Бога Израилева за преступление пришедших от пленения, и аз седях прискорбен даже до жертвы вечерния.
Ipapo vose vakadedera nokuda kwamashoko aMwari waIsraeri vakauya vakaungana pandiri nokuda kwokusatendeka kwavatapwa. Uye ndakagarapo ndakashungurudzika kusvikira nguva yechibayiro chamadekwana.
5 И в жертву вечернюю востах от сетования моего, и внегда раздрах ризы моя, и трепетах, и преклоних колена моя, и прострох руце мои ко Господу Богу моему
Zvino, panguva yechibayiro chamadekwana, ndakasimuka kubva pakuzvininipisa kwangu, nenguo nejasi rangu zvakabvaruka, uye ndikawira pasi namabvi angu ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu
6 и рекох: Господи Боже мой, стыждуся и срамляюся воздвигнути лице мое к Тебе, яко беззакония наша умножишася паче глав наших, и прегрешения наша возрастоша даже до небесе:
ndikanyengetera, ndichiti: “Haiwa Mwari wangu, ndinonyara uye handisakafanira kuti ndisimudze maoko nechiso changu kwamuri, Mwari wangu, nokuti zvivi zvedu zvakakura kupfuura misoro yedu uye mhosva yedu yasvika kumatenga.
7 от дний отец наших в преступлении велицем есмы даже до дне сего, и в беззакониих наших предани есмы мы и царие наши и священницы наши и сынове наши в руку царей языческих, в мечь и в пленение, и в расхищение и в стыдение лица нашего, якоже в день сей:
Kubva pamazuva amadzitateguru edu kusvikira zvino, mhosva yedu yakura kwazvo. Nokuda kwezvivi zvedu, isu namadzimambo edu uye navaprista vedu takaiswa kumunondo nokuutapwa, nokuparadzwa nokuninipiswa paruoko rwamadzimambo avatorwa sezvazviri nhasi.
8 и ныне умилостивися над нами Бог наш, еже оставити ны во спасение и дати нам твердость на месте святыни Его, еже просветити очеса наша и дати оживление малое в работе нашей:
“Asi zvino, kwenguva duku duku, Jehovha Mwari wedu atiitira nyasha nokutisiyira vakasara uye nokutipa nzvimbo yakasimba muimba yake tsvene, naizvozvo Mwari wedu anopa chiedza kumeso edu uye norusununguko ruduku muuranda hwedu.
9 яко раби есмы, и в работе нашей не остави нас Господь Бог наш: и преклони на нас милосердие пред цари Персскими, дати нам живот, еже воздвигнути им дом Богу нашему и возставити запустевшая его, и дати нам ограждение во Иудеи и Иерусалиме:
Kunyange zvedu tiri varanda, Mwari wedu haana kutisiya tiri muuranda hwedu. Akatinzwira tsitsi pamberi pamadzimambo ePezhia: Akatipa, upenyu hutsva kuti tivakezve imba yaMwari wedu nokugadzira matongo ayo, uye atipa rusvingo rwokutidzivirira muJudha nomuJerusarema.
10 и ныне что речем, Боже наш, по сем? Яко оставихом повеления Твоя,
“Asi zvino, nhai Mwari wedu, tichatiiko mushure meizvi? Nokuti takarasa mirayiro
11 яже дал еси нам рукою раб Твоих пророков, глаголя: земля, на нюже вы входите наследити ю, земля нечиста есть, по нечистоте людий языческих, в мерзостех их, имиже наполниша ю от уст даже до уст во сквернениих своих,
yamakapa kubudikidza navaranda venyu vaprofita pamakati, ‘Nyika yamuri kupinda kuti ive yenyu inyika yakasvibiswa nokuora kwavanhu vayo. Nezvinonyangadza zvavo vakaizadza noutsvina hwavo kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe rutivi.
12 и ныне дщерей ваших не дадите сыном их и дщерей их не приемлите сыновом вашым, и не ищите мира их и блага их даже до века, яко да укрепитеся и снесте благая земли, и наследие дадите сыновом вашым даже до века:
Naizvozvo, musapa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo kana kutora vanasikana vavo kuti vawanikwe navanakomana venyu. Musaita chibvumirano kana ushamwari navo panguva ipi zvayo, kuitira kuti musimbe uye mudye zvinhu zvakanaka zvenyika uye mugoisiyira kuvana venyu senhaka isingaperi.’
13 и по всех, яже приидоша на нас в делех наших злых и гресе нашем велицем, понеже несть якоже Бог наш, иже избавил еси нас от беззаконий наших и дал еси нам спасение:
“Zvakaitika kwatiri zvakaitika nokuda kwamabasa edu akaipa nemhosva yedu huru, asi kunyange zvakadaro, imi Mwari wedu makatiranga zvishoma kupfuura zvaikodzera zvivi zvedu uye makatipa vakasara vakadai.
14 зане обратихомся разорити заповеди Твоя и смеситися с людьми земными: не прогневайся на нас даже до скончания, еже не быти останку и спасаемому:
Tingaputsazve here mirayiro yenyu nokuwanana namarudzi anoita zvinhu zvinonyangadza zvakadai? Hamungatitsamwiri zvakafanira kutiparadza, muchitisiya pasina mupenyu kana angasara here?
15 Господи Боже Израилев, праведен еси Ты, яко остахомся спасени, якоже день сей: се, мы пред Тобою есмы вси в беззакониих наших, понеже не возможно стати пред Тобою сего ради.
Imi Jehovha, Mwari waIsraeri, makarurama! Tasara nhasi isu sevakasara. Zvino tiri pano pamberi penyu nemhosva yedu, kunyange pasina kana mumwe chete wedu angamira pamberi penyu nokuda kwechivi ichi.”

< Книга Ездры 9 >