< Деяния святых апостолов 4 >
1 Глаголющым же им к людем, наидоша на них священницы и воевода церковный и саддукее,
Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere neVaSadhusi vakavasvikira,
2 жаляще си, за еже учити им люди и возвещати о Иисусе воскресение мертвых:
vachishungurudzika nokuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kubva kuvakafa munaJesu.
3 и возложиша на них руки и положиша их в соблюдение до утрия: бе бо вечер уже.
Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa muchitokisi kusvikira mangwana; nokuti akange atova madekwani.
4 Мнози же от слышавших слово вероваша: и бысть число мужей яко тысящ пять.
Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu.
5 Бысть же наутрие собратися князем их и старцем и книжником во Иерусалим,
Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vatungamiriri nevakuru nevanyori vavo paJerusarema,
6 и Анне архиерею и Каиафе и Иоанну и Александру, и елицы беша от рода архиерейска:
naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevese vaiva vehama dzemupristi mukuru.
7 и поставльше их посреде, вопрошаху: коею силою или коим именем сотвористе сие вы?
Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi?
8 Тогда Петр, исполнився Духа Свята, рече к ним: князи людстии и старцы Израилевы,
Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru VaIsraeri;
9 аще мы днесь истязуеми есмы о благодеянии человека немощна, о чесом сей спасеся,
kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu asina simba, kuti iye waponeswa nei,
10 разумно буди всем вам и всем людем Израилевым, яко во имя Иисуса Христа Назореа, Егоже вы распясте, Егоже Бог воскреси от мертвых, о Сем сей стоит пред вами здрав:
ngazvizikanwe kwamuri mese, nekuvanhu vese veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kubva kuvakafa, naye munhu uyu amire pano pamberi penyu apora.
11 Сей есть камень укореный от вас зиждущих, бывый во главу угла, и несть ни о единем же инем спасения:
Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona.
12 несть бо иного имене под небесем, даннаго в человецех, о немже подобает спастися нам.
Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro.
13 Видяще же Петрово дерзновение и Иоанново и разумевше, яко человека некнижна еста и проста, дивляхуся, знаху же их, яко со Иисусом беста:
Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu.
14 видяще же исцелевшаго человека с нима стояща, ничтоже имяху противу рещи.
Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa.
15 Повелевше же има вон из сонмища изыти, стязахуся друг со другом,
Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana pakati pavo,
16 глаголюще: что сотворим человекома сима? Яко убо нарочитое знамение бысть има, всем живущым во Иерусалиме яве, и не можем отврещися:
vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nokuti zviri pachena kune vese vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikanwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba.
17 но да не более прострется в людех, прещением да запретим има ктому не глаголати о имени сем ни единому от человек.
Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri.
18 И призвавше их, заповедаша има отнюд не провещавати ниже учити о имени Иисусове.
Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu.
19 Петр же и Иоанн отвещавша к ним реста: аще праведно есть пред Богом вас послушати паче, нежели Бога, судите:
Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari kuteerera imwi kupfuura Mwari.
20 не можем бо мы, яже видехом и слышахом, не глаголати.
Nokuti isu hatigoni kusataura zvatakaona nekunzwa.
21 Они же призапрещше има, пустиша я, ничтоже обретше како мучити их, людий ради, яко вси прославляху Бога о бывшем:
Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nokuti vese vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika.
22 лет бо бяше множае четыредесяти человек той, на немже бысть чудо сие исцеления.
Nokuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi chekuporesa.
23 Отпущена же бывша приидоста ко своим и возвестиста, елика к нима архиерее и старцы реша.
Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvese vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari.
24 Они же слышавше единодушно воздвигоша глас к Богу и рекоша: Владыко, ты, Боже, сотворивый небо и землю и море и вся, яже в них,
Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvese zviri mazviri;
25 иже Духом Святым усты отца нашего Давида отрока Твоего рекл еси: вскую шаташася языцы, и людие поучишася тщетным?
makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bope, nevanhu vachifunga zvisina maturo?
26 Предсташа царие земстии, и князи собрашася вкупе на Господа и на Христа Его.
Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwe chete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake.
27 Собрашася бо воистинну во граде сем на Святаго Отрока Твоего Иисуса, Егоже помазал еси, Ирод же и Понтийский Пилат с языки и людьми Израилевыми,
Nokuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vese Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri,
28 сотворити, елика рука Твоя и совет Твой преднарече быти:
kuti vaite zvese ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike.
29 и ныне, Господи, призри на прещения их и даждь рабом Твоим со всяким дерзновением глаголати слово Твое,
Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu nekusatya kwese,
30 внегда руку Твою прострети Ти во исцеления, и знамением и чудесем бывати именем Святым Отрока Твоего Иисуса.
pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu.
31 И помолившымся им, подвижеся место, идеже бяху собрани, и исполнишася вси Духа Свята и глаголаху слово Божие со дерзновением.
Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vese neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari nekusatya.
32 Народу же веровавшему бе сердце и душа едина, и ни един же что от имений своих глаголаше свое быти, но бяху им вся обща.
Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakadyidzana zvinhu zvese.
33 И велиею силою воздаяху свидетелство Апостоли воскресению Господа Иисуса Христа, благодать же бе велия на всех их.
Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vese.
34 Не бяше бо нищь ни един в них: елицы бо господие селом или домовом бяху, продающе приношаху цены продаемых
Nokuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nokuti vese vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa,
35 и полагаху при ногах Апостол: даяшеся же коемуждо, егоже аще кто требоваше.
vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako.
36 Иосиа же, нареченный Варнава от Апостол, еже есть сказаемо сын утешения, левит, Кипрянин родом,
NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti kana zvichishandurwa, mwanakomana wenyaradzo, muRevhi weSaipuresi parudzi,
37 имея село, продав принесе цену и положи пред ногами Апостол.
ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori.