< Второе послание к Коринфянам 1 >

1 Павел, посланник Иисус Христов волею Божиею, и Тимофей брат, церкви Божией сущей в Коринфе, со святыми всеми сущими во всей Ахаии:
Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vese vari muAkaya yese:
2 благодать вам и мир от Бога Отца нашего, и Господа Иисуса Христа.
Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
3 Благословен Бог и Отец Господа нашего Иисуса Христа, Отец щедрот и Бог всякия утехи,
Ngaavongwe Mwari, uye vari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi uye Mwari wenyaradzo yese,
4 утешаяй нас о всяцей скорби нашей, яко возмощи нам утешити сущыя во всяцей скорби, утешением, имже утешаемся сами от Бога.
anotinyaradza padambudziko redu rese, kuti tigone kunyaradza avo vari mudambudziko ripi neripi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo isu tomene naMwari.
5 Зане якоже избыточествуют страдания Христова в нас, тако Христом избыточествует и утешение наше.
Nokuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvowo nyaradzo yedu yakawedzerwa nemuna Kristu.
6 Аще ли же скорбим, о вашем утешении и спасении, действующемся в терпении техже страданий, яже и мы страждем:
Zvino kana tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobatiswa mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo isu; kana tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu;
7 и упование наше известно о вас. Аще ли утешаемся, о вашем утешении и спасении, ведяще, зане якоже общницы есте страстем нашым, такожде и утешению.
uye tariro yedu maererano nemwi yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvowo venyaradzo.
8 Не бо хощем вас, братие, не ведети о скорби нашей бывшей нам во Асии, яко по премногу и паче силы отяготихомся, яко не надеятися нам и жити.
Nokuti hatidi kuti musaziva, hama, pamusoro pedambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takaremerwa zvikurusa kukunda simba redu, zvekuti takarasa tariro kunyange yeupenyu.
9 Но сами в себе осуждение смерти имехом, да не надеющеся будем на ся, но на Бога возставляющаго мертвыя,
Asi isu pachedu takange tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba isu asi kuna Mwari anomutsa vakafa;
10 Иже от толикия смерти избавил ны есть и избавляет, Наньже и уповахом, яко и еще избавит,
wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye anonunura; watinovimba maari kuti achatinunurazve;
11 споспешествующым и вам по нас молитвою, да от многих лиц, еже в нас дарование, многими благодарится о вас.
nemwi muchishandira isu pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu kubudikidza nevanhu vazhinji tivongerwe nevazhinji.
12 Похваление бо наше сие есть, свидетельство совести нашея, яко в простоте и чистоте Божией, а не в мудрости плоти, но благодатию Божиею жихом в мире, множае же у вас.
Nokuti kuzvikudza kwedu ndikoku, kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika, zvikuru maererano nemwi.
13 Не иная бо пишем вам, но яже чтете и разумеваете: уповаю же, яко и до конца уразумеете,
Nokuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchirawo kusvika pakuguma;
14 якоже и разуместе нас от части, яко похваление вам есмы, якоже и вы нам, в день Господа нашего Иисуса Христа.
sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo yedu nezuva raIshe Jesu.
15 И сим упованием хотех к вам приити прежде, да вторую благодать имате,
Zvino nechivimbo ichi ndaishuva pakutanga kuuya kwamuri, kuti muve nenyasha dzechipiri;
16 и вами проити в Македонию, и паки от Македонии приити к вам, и вами проводитися во Иудею.
nekupfuura nekwamuri ndichienda kuMakedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, uye ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya.
17 Сие же хотя, еда что убо легкотою деях? Или яже совещаваю, по плоти совещаваю, да будет у мене еже ей, ей, и еже ни, ни.
Naizvozvo ndichifunga saizvozvi, ndakashandisa kusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira, ndinozvipira zvinoenderana nenyama kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete here?
18 Верен же Бог, яко слово наше, еже к вам, не бысть ей и ни.
Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete.
19 Ибо Божий Сын Иисус Христос, иже у вас нами проповеданный, мною и Силуаном и Тимофеем, не бысть ей и ни, но в Нем Самем ей бысть:
Nokuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa nesu pakati penyu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu.
20 елика бо обетования Божия, в Том ей и в Том аминь: Богу к славе нами.
Nokuti zvese zvivimbiso zvaMwari, maari ndihongu, nemaari ndiAmeni, rwuve rukudzo rwaMwari kubudikidza nesu.
21 Извествуяй же нас с вами во Христа и помазавый нас, Бог,
Zvino anosimbisa isu pamwe nemwi muna Kristu, neakatizodza ndiMwari,
22 Иже и запечатле нас, и даде обручение Духа в сердца наша.
wakatiisawo mucherechedzo isu, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu.
23 Аз же свидетеля Бога призываю на мою душу, яко щадя вас, ктому не приидох в Коринф,
Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handisati ndauya kuKorinde.
24 не яко обладаем верою вашею, но (яко) споспешницы есмы вашей радости: верою бо стоите.
Kwete kuti tinotonga parutendo rwenyu, asi tiri vabati pamwe chete vemufaro wenyu; nokuti mumire nerutendo.

< Второе послание к Коринфянам 1 >