< Вторая книга Паралипоменон 15 >
1 Азариа же сын Ададов, бысть на нем Дух Божий:
Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi.
2 и изыде во сретение Асе и всему Иуде и Вениамину и рече ему: услышите мя, Аса и весь Иуда и Вениамин: Господь с вами, яко бысте с Ним: и аще взыщете Его, обрящется вам, аще же оставите Его, оставит вас:
Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakurasai.
3 мнози дние (будут) во Израили без Бога истиннаго и без священника учащаго и без закона:
Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro.
4 егда же обратятся в печали ко Господу Богу Израилеву и взыщут Его, и обрящется им:
Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, vakamutsvaka, uye akawanikwa navo.
5 и во время оно не будет мир исходящему и входящему, яко ужас Господень на всех обитающих на земли
Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo.
6 и ополчится язык на язык и град противу града, яко Господь смутит их во всяцей печали:
Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana.
7 и вы укрепитеся, и да не ослабеют руки вашя, есть бо мзда делу вашему.
Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro.”
8 И егда услыша Аса словеса сия и пророчество Азарии пророка, укрепися и отя вся идолы от всея земли Иудины и Вениамини и от градов, ихже содержаше Иеровоам в горе Ефремли, и освяти олтарь Господень, иже бе пред храмом Господним:
Asa paakanzwa mashoko aya nokuprofita kwaAzaria mwanakomana waOdhedhi muprofita akasimbiswa kwazvo. Akabvisa zvifananidzo zvinonyangadza kubva panyika yose yeJudha neBhenjamini nomune mamwe maguta aakanga apamba muzvikomo zveEfuremu. Akavaka patsva aritari yaJehovha yaiva pamberi pebiravira retemberi yaJehovha.
9 собра же (всего) Иуду и Вениамина и пришелцев обитающих с ним от Ефрема и от Манассии и от Симеона, мнози бо к нему прибегоша от Израиля, егда увидеша, яко Господь Бог его с ним.
Ipapo akaunganidza Judha neBhenjamini yose navanhu vaibva kuEfuremu, Manase neSimeoni vakanga vagere pakati pavo; nokuti vanhu vazhinji kwazvo vakanga vauya kwaari vachibva kuIsraeri pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye.
10 И собрашася во Иерусалим в месяц третий, в лето пятоенадесять царства Асы,
Vakaungana paJerusarema mumwedzi wechitatu wegore regumi namashanu rokutonga kwaAsa.
11 и пожроша Господу в день той от корыстей, ихже приведоша, волов седмь сот и овец седмь тысящ,
Panguva iyoyo vakabayira kuna Jehovha mombe mazana manomwe, nemakwai nembudzi zviuru zvinomwe kubva paupfumi hwezvavakapamba zvavakadzoka nazvo.
12 и поидоша в завете, еже искати Господа Бога отец своих всем сердцем и всею душею своею:
Vakaita sungano yokutsvaka Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, nemwoyo yavo nemweya yavo yose.
13 и (рече): всяк, иже аще не взыщет Господа Бога Израилева, да умрет от юнаго даже до старейшаго, от мужа даже до жены.
Vose vakanga vasingazotsvaki Jehovha, Mwari waIsraeri, vaizofanira kuurayiwa, zvisinei kuti mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi.
14 И кляшася Господу гласом великим в восклицании и в трубах и в рожаных.
Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru nokudanidzira uye nehwamanda nenyanga.
15 И возрадовася весь Иуда о клятве, яко от всея души кляшася, и всею волею взыскаша Его, и обретеся им, и даде им Господь покой окрест.
Judha yose yakafara nokuda kwemhiko iyi nokuti vakanga vapika nomwoyo wose. Vakatsvaka Mwari nomwoyo unoda, uye iye akawanikwa navo. Saka Jehovha akavapa zororo kumativi ose.
16 И Мааху матерь свою отлучи, да не служит Астарту, и сокруши идола и сожже в потоце Кедрстем.
Mambo Asa akabvisazve ambuya vake Maaka kubva panzvimbo yavo samai vamambo nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda riya akarityora-tyora akaripisa muMupata weKidhironi.
17 Токмо высоких не отстави, еще бо бяху во Израили, но сердце Асы бе совершенно во всех днех его:
Kunyange zvake asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira kubva muIsraeri, Asa akanga akazvipira nomwoyo wake wose kuna Jehovha upenyu hwake hwose.
18 и внесе святая Давида отца своего и святая своя в дом Божий, сребро и злато и сосуды.
Akauyisa mutemberi yaMwari sirivha negoridhe nemidziyo yaakanga akumikidza iye nababa vake.
19 И брань не бысть ему даже до тридесять пятаго лета царства Асина.
Hakunazve kuzoita hondo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokutonga kwaAsa.