< Первая книга Царств 6 >

1 И бе кивот Господень на селе иноплеменников седмь месяц: и воскипе земля их мышами.
Areka yaJehovha yakati yava nemwedzi minomwe iri munyika yavaFiristia,
2 И призваша иноплеменницы жерцев и волхвов и обаянников своих, глаголюще: что сотворим кивоту Господню? Скажите нам, како послем его на место его?
vaFiristia vakadana vaprista navavuki vakati, “Toitei neareka yaJehovha? Tiudzei kuti toidzosera sei kunzvimbo yayo.”
3 И реша: аще отпущаете вы кивот завета Господа Бога Израилева, да не послете его тща, но отдающе отдадите Ему за муки (дары), и тогда исцелитеся, и умилостивится вам: еда ли не отступит рука Его от вас?
Vakapindura vachiti, “Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa pamusoro penyu.”
4 И глаголаша: что Ему за муки отдадим? И реша: по числу воевод и иноплеменничих пять седалищ златых и пять мышей златых, яко прегрешения в вас и в князех ваших и в людех:
VaFiristia vakabvunza vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumutumira ndecheiko?” Vakapindura vachiti, “Mamota mashanu egoridhe nembeva shanu dzegoridhe, zvichienderana nouwandu hwavatongi vavaFiristia, nokuti nedenda rimwe chetero akakurovai imi navatongi venyu.
5 и сотворите подобие седалищ ваших и подобие мышей ваших, растлевающих землю, и воздадите славу Богу (Израилеву), яко да облегчит руку Свою от вас и от богов ваших и от земли вашея:
Itai zviumbwa zvamamota nembeva dzacho, izvo zviri kuparadza nyika, uye mugopa kukudzwa kuna Mwari weIsraeri. Zvikada achasimudza ruoko rwake kubva pamuri napana vamwari venyu nenyika yenyu.
6 и почто отягощаете сердца ваша, якоже отягчи Египет и фараон сердце свое? Не егда ли поругася им, отпусти их, и отидоша?
Sei muchiomesa mwoyo yenyu sezvakaitwa navaIjipita naFaro? Paakavabata nehasha, havana kubudisa vaIsraeri here kuti vaende?
7 И ныне возмите и сотворите колесницу нову едину и две кравы первородившыя без телят, на нихже не бяше ярмо: и впрязите кравы в колесницу, а телята их возвратите вспять в дом:
“Naizvozvo torai mugadzirire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinonwisa uye dzisina kumbosungwa pajoko. Sungai mhou pangoro, asi torai mhuru dzadzo mugodzipfigira muchirugu.
8 и возмите кивот Господень, и возложите и на колесницу, и сосуды златыя отдадите Ему за муки, и положите в ковчежце от страны его: и отпустите его, да идет:
Torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro, uye mubhokisi parutivi payo isai zviumbwa zvegoridhe zvamuri kutumirako kwaari sechipo chemhosva. Mugoituma iende,
9 и узрите, аще путем пределов своих пойдет в Вефсамис, той сотвори нам зло великое сие: аще же ни, то уразумеем, яко не рука его прикоснуся нас, но приключение сие бысть нам.
asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.”
10 И сотвориша иноплеменницы тако, и взяша две кравы первородившыя, и впрягоша я в колесницу, телята же их затвориша в доме:
Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu.
11 и возложиша кивот Господень на колесницу, и ковчежец, и мышы златыя, и подобия седалищ своих:
Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota.
12 и управишася кравы на пути в путь Вефсамский, на пути имже идяху, и труждахуся, и не совращахуся на десно, ниже на шуе: и воеводы иноплеменничи идяху вслед его даже до предел Вефсамских.
Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.
13 И иже в Вефсамисе жняху жатву пшеницы во юдоли: и возведоша очи свои, и видеша кивот Господень, и возвеселишася во сретение ему.
Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona.
14 И колесница вниде в село Осиево сущее в Вефсамисе, (и ста тамо, ) и поставиша тамо при нем камень велий: и иссекоша древеса колесничная, и кравы вознесоша на всесожжение Господу.
Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatema-tema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha.
15 Левити же вознесоша кивот Господень, и ковчежец иже с ним, и яже в нем сосуды златы, и положиша на камени велицем: мужие же Вефсамстии вознесоша всесожжения и пожроша жертву в той день Господу.
VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha.
16 И пять воевод иноплеменничи зряху, и возвратишася во Аккарон в день той.
Vatongi vashanu vavaFiristia vakaona zvose izvi vakadzokera kuEkironi musi iwoyo.
17 И сия седалища златая, яже воздаша иноплеменницы за муку Господу: Азотско едино, Газско едино, Аскалонско едино, Гефско едино, Аккаронско едино.
Aya ndiwo mamota egoridhe akatumirwa navaFiristia sechipiriso chemhosva kuna Jehovha, rimwe kuAshidhodhi, rimwe kuGaza, rimwe kuAshikeroni, rimwe kuGati nerimwe kuEkironi.
18 И златыя мышы по числу всех градов иноплеменничих пяти воевод, от града утвержена и даже до веси ферезеовы и до камене великаго, на немже положиша кивот завета Господня, иже есть даже до сего дне, на селе Осии Вефсамиситянина.
Uye uwandu hwembeva dzegoridhe hwaienderana nouwandu hwamaguta avaFiristia akanga ari avatongi vashanu, maguta aiva namasvingo nemisha yawo yomumaruwa. Dombo guru ravakagadzika areka yaJehovha, riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua weBhetishemeshi.
19 И не порадовашася сынове Иехониины в мужех Вефсамских, яко видеша кивот Господень: и уби в них пятьдесят тысящ и седмьдесят мужей. И плакашася людие, яко порази Господь людий язвою великою зело.
Asi Mwari akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, akauraya vanhu makumi manomwe vavo nokuti vakanga vadongorera mukati meareka yaJehovha. Vanhu vakachema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru,
20 И реша мужие иже от Вефсамиса: кто возможет поити пред Господем Богом святым сим? И к кому взыдет кивот завета Господня от нас?
uye varume veBhetishemeshi vakabvunza vachiti, “Ndiani angamira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Areka iyi ichaenda kuna ani ichibva pano?”
21 И послаша послы к живущым в Кариафиариме, глаголюще: возвратиша иноплеменницы кивот Господень, снидите и вознесите его к себе.
Ipapo vakatumira nhume kuvanhu veKiriati Jearimi vachiti, “VaFiristia vadzosa areka yaJehovha. Dzikai kuno muzoitora kuti muende nayo kwenyu.”

< Первая книга Царств 6 >