< Первое послание к Коринфянам 4 >
1 Тако нас да непщует человек, яко слуг Христовых и строителей таин Божиих:
Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevabati vaKristu, nevachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
2 а еже прочее ищется в строителех, да верен кто обрящется.
Uyezve, zvinotsvakwa pavachengeti, kuti ani nani awanikwe akatendeka.
3 Мне же не велико есть, да от вас истяжуся, или от человеческаго дне: но ни сам себе востязую.
Asi kwandiri chinhu chidiki-diki kuti nditongeswe nemwi, kana nekutonga kwevanhu; asi neni handizvitongesi.
4 Ничесоже бо в себе свем, но ни о сем оправдаюся: востязуяй же мя Господь есть.
Nokuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handinzi ndakarurama neizvozvo; asi anonditonga ndiIshe.
5 Темже прежде времене ничтоже судите, дондеже приидет Господь, Иже во свете приведет тайная тмы и объявит советы сердечныя, и тогда похвала будет комуждо от Бога.
Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisawo pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye acharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe acharumbidzwa naMwari.
6 Сия же, братие (моя), преобразих на себе и Аполлоса вас ради, да от наю научитеся не паче написанных мудрствовати, да не един по единому гордитеся на другаго.
Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza neumwe muchipikisa umwe.
7 Кто бо тя разсуждает? Что же имаши, егоже неси приял? Аще же и приял еси, что хвалишися яко не прием?
Nokuti ndiani wakaita kuti usiyane nevamwe? Uye chii chaunacho chausina kugamuchira? Uye kanawo wakagamuchira, unozvikudzirei seusina kugamuchira?
8 Се, сыти есте, се, обогатистеся, без нас воцаристеся: и о, дабы воцарилися есте, да и мы быхом с вами цартсвовали.
Matoguta, matofuma, matonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi.
9 Мню бо, яко Бог ны посланники последния яви, яко насмертники: зане позор быхом миру и Ангелом и человеком.
Nokuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nokuti takaitwa chiokerwa kunyika, nekuvatumwa, nekuvanhu.
10 Мы (убо) буи Христа ради, вы же мудри о Христе: мы немощни, вы же крепцы: вы славни, мы же безчестни.
Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
11 До нынешняго часа и алчем, и жаждем, и наготуем, и страждем, и скитаемся,
Kusvikira nguva ino tine nzarawo, uye tine nyota, uye takashama, uye tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi,
12 и труждаемся, делающе своими руками. Укоряеми, благословляем: гоними, терпим:
uye tinoshingaira tichishanda nemaoko edu pachedu; tinoti tichitukwa tinoropafadza, tinoti tichishushwa tinotsunga moyo;
13 хулими, утешаемся: якоже отреби миру быхом, всем попрание доселе.
kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvese, kusvikira ikozvino.
14 Не срамляя вас сия пишу, но якоже чада моя возлюбленная наказую.
Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikanwa ndinokunyeverai.
15 Аще бо (и) многи пестуны имате о Христе, но не многи отцы: о Христе бо Иисусе благовествованием аз вы родих.
Nokuti kunyange mune varairidzi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri.
16 Молю же вас: подобни мне бывайте, якоже аз Христу.
Naizvozvo ndinokukumbirisai: Ivai vatevedzeri vangu.
17 Сего ради послах к вам Тимофеа, иже ми есть чадо возлюблено и верно о Господе, иже вам воспомянет пути моя, яже о Христе Иисусе, якоже везде и во всяцей церкви учу.
Nemhaka iyi ndatuma Timotio kwamuri, anova mwana wangu anodikanwa, uye wakatendeka muna Ishe, achakuyeuchidzai nzira dzangu dziri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kwese pakereke imwe neimwe.
18 Яко не грядущу ми к вам, разгордешася нецыи:
Zvino vamwe vakazvikudza sezvinonzi handiuyi kwamuri.
19 прииду же скоро к вам, аще Господь восхощет, и уразумею не слово разгордевшихся, но силу:
Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba.
20 не в словеси бо Царство Божие, но в силе.
Nokuti ushe hwaMwari hahuzi pashoko, asi pasimba.
21 Что хощете? С палицею ли прииду к вам, или с любовию и духом кротости?
Munodei? Ndiuye kwamuri netsvimbo here, kana murudo nemweya weunyoro?