< Tito 3 >

1 Uvayeudzire ivo kuzviisa pasi pevatungamiriri nevabati, vavateerere, vakazvigadzirira basa rese rakanaka,
너는 저희로 하여금 정사와 권세잡은 자들에게 복종하며 순종하며 모든 선한 일 행하기를 예비하게 하며
2 varege kuchera munhu, varege kuva vakakavari, vanyoro, vaitire vanhu vese unyoro hwese.
아무도 훼방하지 말며 다투지 말며 관용하며 범사에 온유함을 모든 사람에게 나타낼 것을 기억하게 하라
3 Nokuti nesu pachedu taimbova matununu, vasingateereri, tichitsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana-siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivenga, tichivengana.
우리도 전에는 어리석은 자요 순종치 아니한 자요 속은 자요 각색 정욕과 행락에 종 노릇 한 자요 악독과 투기로 지낸 자요 가증스러운 자요 피차 미워한 자이었으나
4 Asi apo unyoro nerudo kuvanhu zvaMwari Muponesi wedu zvoonekwa,
우리 구주 하나님의 자비와 사람 사랑하심을 나타내실 때에
5 kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita isu, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa, kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nekuvandudzwa kweMweya Mutsvene,
우리를 구원하시되 우리의 행한 바 의로운 행위로 말미암지 아니하고 오직 그의 긍휼하심을 좇아 중생의 씻음과 성령의 새롭게 하심으로 하셨나니
6 waakadururira achiwanza pamusoro pedu, kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,
성령을 우리 구주 예수 그리스도로 말미암아 우리에게 풍성히 부어 주사
7 kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tive vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
우리로 저의 은혜를 힘입어 의롭다 하심을 얻어 영생의 소망을 따라 후사가 되게 하려 하심이라 (aiōnios g166)
8 Ishoko rakatendeka, uye izvi ndinoda kuti musimbise zvirokwazvo, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira pamabasa akanaka. Ndizvo zvinhu zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu;
이 말이 미쁘도다 원컨대 네가 이 여러 것에 대하여 굳세게 말하라 이는 하나님을 믿는 자들로 하여금 조심하여 선한 일을 힘쓰게 하려 함이라 이것은 아름다우며 사람들에게 유익하니라
9 asi nzvenga mibvunzo yeupenzi nenhoroondo dzemazita emadzinza nemakakatanwa nemakakava pamusoro pemurairo, nokuti hazvibatsiri uye hazvina maturo.
그러나 어리석은 변론과 족보 이야기와 분쟁과 율법에 대한 다툼을 피하라 이것은 무익한 것이요 헛된 것이니라
10 Munhu anotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umurambe,
이단에 속한 사람을 한두 번 훈계한 후에 멀리 하라
11 uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye anotadza, achizvipa mhosva amene.
이러한 사람은 네가 아는 바와 같이 부패하여서 스스로 정죄한 자로서 죄를 짓느니라
12 Pandichatuma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nokuti ndakazvipira kugarapo pachando.
내가 아데마나 두기고를 네게 보내리니 그 때에 네가 급히 니고볼리로 내게 오라 내가 거기서 과동하기로 작정하였노라
13 Shingaira kubatsira Zenasi mududziri wemurairo naAporo parwendo rwavo, kuti kusava nechinhu chinoshaikwa kwavari.
교법사 세나와 및 아볼로를 급히 먼저 보내어 저희로 궁핍함이 없게 하고
14 Nevekweduwo ngavadzidze kuzvipira pamabasa akanaka anodikanwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko.
또 우리 사람들도 열매 없는 자가 되지 않게 하기 위하여 필요한 것을 예비하는 좋은 일에 힘쓰기를 배우게 하라
15 Vese vaneni vanokukwazisa. Kwazisa vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mese. Ameni.
나와 함께 있는 자가 다 네게 문안하니 믿음 안에서 우리를 사랑하는 자들에게 너도 문안하라 은혜가 너희 무리에게 있을지어다

< Tito 3 >