< VaRoma 9 >

1 Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichipupurirana neni muMweya Mutsvene,
ܩܘܫܬܐ ܐܡܪ ܐܢܐ ܒܡܫܝܚܐ ܘܠܐ ܡܕܓܠ ܐܢܐ ܘܪܥܝܢܝ ܡܤܗܕ ܥܠܝ ܒܪܘܚܐ ܕܩܘܕܫܐ
2 kuti ndinoshushikana kwazvo, neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.
ܕܟܪܝܘܬܐ ܗܝ ܠܝ ܪܒܬܐ ܘܟܐܒܐ ܕܡܢ ܠܒܝ ܠܐ ܫܠܐ
3 Nokuti ndaishuva kuti ini ndomene nditukwe kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, verudzi rwangu panyama;
ܡܨܠܐ ܗܘܝܬ ܓܝܪ ܕܐܢܐ ܩܢܘܡܝ ܚܪܡܐ ܐܗܘܐ ܡܢ ܡܫܝܚܐ ܚܠܦ ܐܚܝ ܘܐܚܝܢܝ ܕܒܒܤܪ
4 vari VaIsraeri, vane kuitwa vana, nekubwinya, nesungano, nekupiwa kwemurairo, neushumiri hwaMwari, nezvivimbiso,
ܕܐܝܬܝܗܘܢ ܒܢܝ ܐܝܤܪܝܠ ܕܕܝܠܗܘܢ ܗܘܬ ܤܝܡܬ ܒܢܝܐ ܘܬܫܒܘܚܬܐ ܘܩܝܡܐ ܘܢܡܘܤܐ ܘܬܫܡܫܬܐ ܕܒܗ ܘܡܘܠܟܢܐ
5 madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvese, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni. (aiōn g165)
ܘܐܒܗܬܐ ܘܡܢܗܘܢ ܐܬܚܙܝ ܡܫܝܚܐ ܒܒܤܪ ܕܐܝܬܘܗܝ ܐܠܗܐ ܕܥܠ ܟܠ ܕܠܗ ܬܫܒܚܢ ܘܒܘܪܟܢ ܠܥܠܡ ܥܠܡܝܢ ܐܡܝܢ (aiōn g165)
6 Asi kwete shoko raMwari serakakundikana. Nokuti havasi vese vakabva kuna Israeri, vari VaIsraeri;
ܠܐ ܗܘܐ ܕܝܢ ܡܦܠ ܢܦܠܬ ܡܠܬܗ ܕܐܠܗܐ ܠܐ ܗܘܐ ܓܝܪ ܟܠܗܘܢ ܕܡܢ ܐܝܤܪܝܠ ܐܝܬܝܗܘܢ ܐܝܤܪܝܠ
7 kwete nokuti imbeu yaAbhurahama, vese vana; asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchadanwa mbeu yako.
ܐܦܠܐ ܡܛܠ ܕܡܢ ܙܪܥܗ ܐܢܘܢ ܕܐܒܪܗܡ ܟܠܗܘܢ ܒܢܝܐ ܡܛܠ ܕܐܬܐܡܪ ܕܒܐܝܤܚܩ ܢܬܩܪܐ ܠܟ ܙܪܥܐ
8 Ndiko kuti, havasi vana venyama, ivo vari vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.
ܗܢܘ ܕܝܢ ܠܐ ܗܘܐ ܒܢܝܐ ܕܒܤܪܐ ܐܝܬܝܗܘܢ ܒܢܝܐ ܕܐܠܗܐ ܐܠܐ ܒܢܝܐ ܕܡܘܠܟܢܐ ܡܬܚܫܒܝܢ ܠܙܪܥܐ
9 Nokuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara achava nemwanakomana.
ܕܡܘܠܟܢܐ ܓܝܪ ܐܝܬܝܗ ܡܠܬܐ ܗܕܐ ܕܒܙܒܢܐ ܗܢܐ ܐܬܐ ܘܢܗܘܐ ܒܪܐ ܠܤܪܐ
10 Handizvo chete, asi naRibheka wakati ava nemimba neumwe, Isaka baba vedu;
ܘܠܘ ܗܕܐ ܒܠܚܘܕ ܐܠܐ ܐܦ ܪܦܩܐ ܟܕ ܥܡ ܚܕ ܐܒܘܢ ܐܝܤܚܩ ܐܝܬ ܗܘܐ ܠܗ ܫܘܬܦܘܬܐ
11 nokuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa, kuti zano raMwari maererano nesananguro rigare, kwete kubva pamabasa, asi kubva kune anodana,
ܥܕܠܐ ܢܬܝܠܕܘܢ ܒܢܝܗ ܘܠܐ ܢܤܥܪܘܢ ܛܒܬܐ ܐܘ ܒܝܫܬܐ ܩܕܡܬ ܐܬܝܕܥܬ ܓܒܝܘܬܗ ܕܐܠܗܐ ܕܗܝ ܬܩܘܐ ܠܐ ܒܥܒܕܐ ܐܠܐ ܒܝܕ ܡܢ ܕܩܪܐ
12 zvakataurwa kwaari kuti: Mukuru achashumira mudiki,
ܐܬܐܡܪ ܓܝܪ ܕܩܫܝܫܐ ܢܗܘܐ ܥܒܕܐ ܠܙܥܘܪܐ
13 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
ܐܝܟ ܕܟܬܝܒ ܕܠܝܥܩܘܒ ܪܚܡܬ ܘܠܥܤܘ ܤܢܝܬ
14 Ko zvino tichatii? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!
ܡܢܐ ܗܟܝܠ ܢܐܡܪ ܕܠܡܐ ܥܘܠܐ ܐܝܬ ܠܘܬ ܐܠܗܐ ܚܤ
15 Nokuti anoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandine tsitsi naye, ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni.
ܗܐ ܐܦ ܠܡܘܫܐ ܐܡܪ ܐܪܚܡ ܥܠ ܐܝܢܐ ܕܡܪܚܡ ܐܢܐ ܘܐܚܘܢ ܠܐܝܢܐ ܕܚܐܢ ܐܢܐ
16 Naizvozvo zvakadaro hazvisi zveanoda, kana zveanomhanya, asi zvaMwari anonzwira tsitsi.
ܠܐ ܗܟܝܠ ܒܐܝܕܝ ܡܢ ܕܨܒܐ ܘܠܐ ܒܐܝܕܝ ܡܢ ܕܪܗܛ ܐܠܐ ܒܐܝܕܝ ܐܠܗܐ ܡܪܚܡܢܐ
17 Nokuti rugwaro rwunoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yese.
ܐܡܪ ܓܝܪ ܒܟܬܒܐ ܠܦܪܥܘܢ ܕܠܗ ܠܗܕܐ ܐܩܝܡܬܟ ܕܐܚܘܐ ܒܟ ܚܝܠܝ ܘܕܢܬܟܪܙ ܫܡܝ ܒܐܪܥܐ ܟܠܗ
18 Naizvozvo zvino anonzwira tsitsi iye waanoda; uye anowomesa moyo wewaanoda.
ܡܕܝܢ ܥܠ ܡܢ ܕܨܒܐ ܗܘ ܡܪܚܡ ܘܥܠ ܡܢ ܕܨܒܐ ܡܩܫܐ
19 Zvino iwe uchati kwandiri: Iye achiri kuwanirei mhosva? Nokuti ndiani angapikisa kuda kwake?
ܘܟܒܪ ܬܐܡܪ ܕܠܡܢܐ ܪܫܐ ܡܢܘ ܓܝܪ ܕܢܩܘܡ ܠܘܩܒܠ ܨܒܝܢܗ
20 Haiwa, iwe munhu ndiwe ani anokakavadza Mwari? Chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wakandiitirei sezvizvi?
ܐܢܬ ܗܟܝܠ ܡܢ ܐܢܬ ܐܘ ܒܪܢܫܐ ܕܦܬܓܡܐ ܠܐܠܗܐ ܝܗܒ ܐܢܬ ܕܠܡܐ ܐܡܪܐ ܓܒܝܠܬܐ ܠܡܢ ܕܓܒܠܗ ܕܠܡܢܐ ܗܟܢܐ ܓܒܠܬܢܝ
21 Kana muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?
ܐܘ ܠܐ ܫܠܝܛ ܦܚܪܐ ܥܠ ܛܝܢܗ ܕܡܢܗ ܡܢ ܓܒܝܠܬܐ ܢܥܒܕ ܡܐܢܐ ܚܕ ܠܐܝܩܪܐ ܘܚܕ ܠܨܥܪܐ
22 Uye kana Mwari achida kuratidza hasha, nekuzivisa simba rake, wakatakura nemoyo murefu kwazvo midziyo yehasha yakagadzirirwa kuparadzwa;
ܐܢ ܕܝܢ ܨܒܐ ܐܠܗܐ ܕܢܚܘܐ ܪܘܓܙܗ ܘܢܘܕܥ ܚܝܠܗ ܐܝܬܝ ܒܤܘܓܐܐ ܕܡܓܪܬ ܪܘܚܗ ܪܘܓܙܐ ܥܠ ܡܐܢܐ ܕܪܘܓܙܐ ܕܓܡܝܪܝܢ ܠܐܒܕܢܐ
23 uye kuti azivise fuma yekubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,
ܘܐܫܦܥ ܪܚܡܘܗܝ ܥܠ ܡܐܢܐ ܕܪܚܡܐ ܕܡܛܝܒܝܢ ܗܘܘ ܠܐܠܗܐ ܠܬܫܒܘܚܬܐ
24 nesu, vaakadana, yatiri isu, kusiri kuVaJudha chete, asi nekuvahedheni?
ܕܐܝܬܝܢ ܚܢܢ ܩܪܝܐ ܠܐ ܗܘܐ ܒܠܚܘܕ ܡܢ ܝܗܘܕܝܐ ܐܠܐ ܐܦ ܡܢ ܥܡܡܐ
25 Sezvaanorevawo muna Hosiya achiti: Ndichavaidza vanhu vangu ivo vasiri vanhu vangu; naiye wakange asingadikanwi mudikanwi;
ܐܝܟܢܐ ܕܐܦ ܒܗܘܫܥ ܐܡܪ ܕܐܩܪܐ ܠܐܝܠܝܢ ܕܠܐ ܗܘܘ ܥܡܝ ܥܡܐ ܕܝܠܝ ܘܠܠܐ ܐܬܪܚܡܬ ܐܬܪܚܡܬ
26 zvino zvichaitika kuti, panzvimbo pazvakanzi kwavari: Hamusi vanhu vangu imwi, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.
ܢܗܘܐ ܓܝܪ ܒܕܘܟܬܐ ܟܪ ܕܡܬܩܪܝܢ ܗܘܘ ܠܐ ܥܡܝ ܬܡܢ ܢܬܩܪܘܢ ܒܢܝܐ ܠܐܠܗܐ ܚܝܐ
27 Isaya anodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
ܐܫܥܝܐ ܕܝܢ ܐܟܪܙ ܥܠ ܒܢܝ ܐܝܤܪܝܠ ܕܐܢ ܢܗܘܐ ܡܢܝܢܐ ܕܒܢܝ ܐܝܤܪܝܠ ܐܝܟ ܚܠܐ ܕܒܝܡܐ ܫܪܟܢܐ ܕܡܢܗܘܢ ܢܚܐ
28 nokuti achapedza basa nekurigurisira mukururama; nokuti Ishe achagurisira basa panyika.
ܡܠܬܐ ܓܪܡ ܘܦܤܩ ܘܢܥܒܕܝܗ ܡܪܝܐ ܥܠ ܐܪܥܐ
29 Uye Isaya sezvaakagara areva achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa takafanana neGomora.
ܘܐܝܟ ܡܕܡ ܕܩܕܡ ܐܡܪ ܗܘ ܐܫܥܝܐ ܕܐܠܘ ܠܐ ܡܪܝܐ ܨܒܐܘܬ ܐܘܬܪ ܠܢ ܤܪܝܕܐ ܐܝܟ ܤܕܘܡ ܗܘܝܢ ܗܘܝܢ ܘܠܥܡܘܪܐ ܡܬܕܡܝܢ ܗܘܝܢ
30 Ko tichatii? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, vakabata kururama, iko kururama kunobva parutendo;
ܡܢܐ ܗܟܝܠ ܢܐܡܪ ܕܥܡܡܐ ܕܠܐ ܪܗܛܝܢ ܗܘܘ ܒܬܪ ܟܐܢܘܬܐ ܐܕܪܟܘ ܟܐܢܘܬܐ ܟܐܢܘܬܐ ܕܝܢ ܐܝܕܐ ܕܡܢ ܗܝܡܢܘܬܐ ܗܝ
31 asi Israeri, achitsvaka murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.
ܐܝܤܪܝܠ ܕܝܢ ܕܪܗܛ ܗܘܐ ܒܬܪ ܢܡܘܤܐ ܕܟܐܢܘܬܐ ܠܢܡܘܤܐ ܕܟܐܢܘܬܐ ܠܐ ܐܕܪܟ
32 Nekuda kwei? Nokuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo; nokuti vakagumburwa pabwe rekugumbura.
ܡܛܠ ܡܢܐ ܡܛܠ ܕܠܐ ܗܘܐ ܡܢ ܗܝܡܢܘܬܐ ܐܠܐ ܡܢ ܥܒܕܘܗܝ ܕܢܡܘܤܐ ܐܬܬܩܠܘ ܓܝܪ ܒܟܐܦܐ ܕܬܘܩܠܬܐ
33 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rekugumbura nedombo rechipinganidzo; uye ani nani anotenda kwaari haanganyadziswi.
ܐܝܟ ܕܟܬܝܒ ܕܗܐ ܤܐܡ ܐܢܐ ܒܨܗܝܘܢ ܟܐܦܐ ܕܬܘܩܠܬܐ ܘܟܐܦܐ ܕܡܟܫܘܠܐ ܘܡܢ ܕܒܗ ܢܗܝܡܢ ܠܐ ܢܒܗܬ

< VaRoma 9 >