< VaRoma 8 >

1 Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.
There is therefore now no condemnation to those who are in Christ Jesus.
2 Nokuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura kubva pamurairo wechivi newerufu.
For the law of the Spirit of life in Christ Jesus has set you free from the law of sin and of death.
3 Nokuti zvakange zvisingagoneki nemurairo, pakuti wakange une utera nekuda kwenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake mumufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama;
For what the law could not do, in that it was weak through the flesh, God did, sending his own Son in the likeness of sinful flesh and for sin, he condemned sin in the flesh;
4 kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.
so that the requirement of the law might be fulfilled in us, who do not walk according to the flesh but according to the Spirit.
5 Nokuti avo vepanyama vanofunganya zvinhu zvenyama; asi vari paMweya zvinhu zveMweya.
For those who live according to the flesh set their minds on the things of the flesh, but those who live according to the Spirit, the things of the Spirit.
6 Nokuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kweMweya upenyu nerugare;
For the mind set on the flesh is death, but the mind set on the Spirit is life and peace;
7 nokuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nokuti hakuzviisi pasi pemurairo waMwari; nokuti hakugoniwo;
because the mind set on the flesh is hostile towards God, for it does not submit to God's law; indeed, it cannot.
8 neavo vari munyama havagoni kufadza Mwari.
And those who are in the flesh cannot please God.
9 Asi imwi hamusi munyama, asi muMweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari achingogara mamuri. Asi kana umwe asina Mweya waKristu, uyu haasi wake.
But you are not in the flesh but in the Spirit, if it is so that the Spirit of God dwells in you. But if anyone does not have the Spirit of Christ, he does not belong to him.
10 Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama.
And if Christ is in you, the body is dead because of sin, but the Spirit gives life because of righteousness.
11 Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kubva kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kubva kuvakafa achararamisawo miviri yenyu inofa neMweya wake anogara mamuri.
But if the Spirit of him who raised up Jesus from the dead dwells in you, he who raised up Christ from the dead will also give life to your mortal bodies through his Spirit who dwells in you.
12 Naizvozvo zvino, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame maererano nenyama;
So then, brothers, we have no obligation to the flesh, to live after the flesh.
13 nokuti kana muchirarama maererano nenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama.
For if you live after the flesh, you must die; but if by the Spirit you put to death the deeds of the body, you will live.
14 Nokuti vese vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
For as many as are led by the Spirit of God, these are sons of God.
15 Nokuti hamuna kugamuchira mweya weuranda kuti mutyezve, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha, Baba.
For you did not receive the spirit of bondage again to fear, but you received the Spirit of adoption, by whom we cry, "Abba. Father."
16 Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;
The Spirit himself testifies with our spirit that we are children of God;
17 zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhakawo; vadyi venhaka vaMwari, nevadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvirokwazvo tichitambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe naye.
and if children, then heirs; heirs of God and fellow heirs with Christ; if indeed we suffer with him, that we may also be glorified with him.
18 Nokuti ndinoona kuti matambudziko enguva yaikozvino haana kufanira kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
For I consider that the sufferings of this present time are not worthy to be compared with the glory which will be revealed to us.
19 Nokuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kubudiswa pachena kwevana vaMwari.
For the creation waits with eager expectation for the sons of God to be revealed.
20 Nokuti chisikwa chakaiswa pasi pekushaiwa maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi; mutariro
For the creation was subjected to futility, not of its own will, but because of him who subjected it, in hope
21 kuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa kubva pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari.
that the creation itself also will be delivered from the bondage of decay into the glorious freedom of the children of God.
22 Nokuti tinoziva kuti chisikwa chese chinogomera pamwe nekurwadziwa pamwe chete kusvikira ikozvino.
For we know that the whole creation groans and suffers with labor pains together until now.
23 Zvisati zviri izvo chete, asi nesu tomene, tine chibereko chekutanga cheMweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa vana, rudzikunuro rwemuviri wedu.
And not only this, but ourselves also, who have the first fruits of the Spirit, even we ourselves groan within ourselves, waiting for adoption, the redemption of our body.
24 Nokuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nokuti izvo munhu zvaanoona, achazvitaririreizve?
For we were saved in hope, but hope that is seen is not hope. For who hopes for that which he sees?
25 Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu.
But if we hope for that which we do not see, we wait for it with patience.
26 Saizvozvo neMweyawo unobatsira utera hwedu; nokuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvinofanira, asi Mweya amene anotireverera nekugomera kusingatauriki;
And in the same way, the Spirit also helps our weaknesses, for we do not know how to pray as we ought. But the Spirit himself makes intercession for us with inexpressible groanings.
27 zvino iye anonzvera moyo anoziva fungwa yeMweya kuti chii, nokuti anoreverera vatsvene maererano naMwari.
And he who searches the hearts knows what is on the Spirit's mind, because he makes intercession for the saints in accordance with God.
28 Uye tinoziva kuti zvinhu zvese zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadanwa maererano nezano rake.
And we know that all things work together for good for those who love God, to those who are called according to his purpose.
29 Nokuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nechimiro cheMwanakomana wake, kuti iye ave dangwe pakati pehama zhinji;
For whom he foreknew, he also predestined to be conformed to the image of his Son, that he might be the firstborn among many brothers.
30 neavo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
Whom he predestined, those he also called. Whom he called, those he also justified. Whom he justified, those he also glorified.
31 Ko zvino tichatii kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?
What then are we to say about these things? If God is for us, who can be against us?
32 Iye asina kutongoramba neMwanakomana wake pachake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tese, angarega sei kutipa zvese pachena pamwe nayewo?
He who did not spare his own Son, but delivered him up for us all, how would he not also with him freely give us all things?
33 Ndiani achapa mhosva pavasanangurwa vaMwari? NdiMwari anoti vakarurama;
Who could bring a charge against God's chosen ones? It is God who justifies.
34 ndiani anopa mhosva? NdiKristu wakafa, uye zvikuru wakamutswawo, uye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye anotireverera.
Who is he who condemns? It is Christ who died, and more than that, who was raised, who is at the right hand of God, who also makes intercession for us.
35 Ndiani achatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here?
Who will separate us from the love of Christ? Could oppression, or anguish, or persecution, or famine, or nakedness, or danger, or sword?
36 Sezvazvakanyorwa kuti: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rese; tinoverengwa semakwai ekubaiwa.
Even as it is written, "For your sake we are killed all day long. We were regarded as sheep to be slaughtered."
37 Asi pazvinhu izvi zvese tiri vakundi nekupfuurisa naiye wakatida.
No, in all these things, we are more than conquerors through him who loved us.
38 Nokuti ndine chokwadi kuti harwusi rufu kana upenyu kana vatumwa kana utungamiriri kana masimba kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvinouya
For I am persuaded, that neither death, nor life, nor angels, nor rulers, nor things present, nor things to come, nor powers,
39 kana urefu kana udzamu kana chimwe chisikwa chipi zvacho chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
nor height, nor depth, nor any other created thing, will be able to separate us from the love of God, which is in Christ Jesus our Lord.

< VaRoma 8 >